< 腓立比書 2 >
1 所以,如果你們在基督內獲得了鼓勵,愛的勸勉,聖神的交往,哀憐和同情,
Naizvozvo kana kune imwe kurudziro kuna Kristu, kana imwe nyaradzo yerudo, kana kumwe kudyidzana kweMweya, kana mune umwe moyo munyoro nemukunzwira tsitsi,
2 就應意見一致,同心合意,思念同樣的事,以滿全我的喜樂。
zadzisai mufaro wangu, kuti muve nefungwa imwe, muve nerudo rumwe, nemweya umwe, nendangariro imwe;
3 不論做什麼,不從私見,也不求虛榮,只存心謙下,彼此此該想自己不如人;
musingaiti chinhu nenharo kana nekuzvikudza kusina maturo, asi mukuzvininipisa kwemoyo umwe neumwe achikudza vamwe kukupfuurai pakunaka;
umwe neumwe ngaarege kutarira zvake, asi umwe neumwe zvinhu zvevamwewo.
Nokuti fungwa iyi ngaive mamuri, yakange iri muna Kristu Jesuwo;
6 他雖具有天主的形體,並沒有以自己與天主同等,為應當把持不捨的,
iye ari muchimiro chaMwari, haana kurangarira kuti kuenzana naMwari kupamba;
7 卻使自己空虛,取了奴僕的形體,與人相似,形狀也一見如人;
asi wakazviita asina maturo, akatora chimiro chemuranda, akava mumufananidzo wevanhu;
akati awanikwa muchimiro chemunhu, akazvininipisa, akava wakateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwemuchinjikwa.
9 為此,天主極其舉揚祂,賜給了祂一個名字,超越其它所有的名字,
Naizvozvo Mwariwo wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura zita rimwe nerimwe;
10 致使上天、地下和一切的一切,一聽到耶穌的名字,無不屈膝叩拜;
kuti muzita raJesu ibvi rese rifugame, revekudenga nevepanyika, nevepasi penyika,
11 一切唇舌無不明認耶穌基督是主,以光榮大主聖父。
uye rurimi rwega-rwega rwupupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuve rumbidzo yaMwari Baba.
12 為此,我可愛的,就如常常聽了命,不但我與你們同在的時候,就是如今不在時候,你們更應該聽命。你們要懷著恐懼戰憟,努力成就你們得救的事,
Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzese, kwete sepakuvapo kwangu chete, asi ikozvino kunyanyisa pakusavapo kwangu, shandai ruponeso rwenyu pachenyu nekutya nekudedera;
13 因為是天主在你們內工作,使你們願意,並使你們力行,為成就祂的善意。
nokuti ndiMwari anoshanda mamuri, zvese kuda nekuita nekuda kwechido chake chakanaka.
Itai zvinhu zvese musinganyunyuti nekupikisana;
15 好使你們成為無可指謫和純潔的,在乖僻敗壞的世代中,做天主無瑕的子女;在世人中你們應放光明,有如字宙間明星,
kuti muve vakachena uye vasina chavangapomerwa, vana vaMwari vasina gwapa pakati perudzi rwakakombama nekutsauka, vamunopenya pakati pavo sezviedza munyika,
16 將生命的話顯耀出來,使我到基督的日子,有可自誇的,那我就沒有白跑,也沒有徒勞。
muchitaridza shoko reupenyu, pakuzvikudza kwangu nezuva raKristu, kuti handina kumhanya pasina, kana kushanda pasina.
17 既使我應在你們信德的祭祀和供獻上奠我的血,我也喜歡, 且與你們眾位一同喜歡;
Asi kana neni ndikadururwa sechibairo chinodururwa pamusoro pechibairo nebasa rerutendo rwenyu, ndinofara uye ndinofara nemwi mese.
Nekuda kweizvozvi imwiwo mufare uye mufare pamwe neni.
19 我在主耶穌內希望不久打發弟茂德到那裏去,好叫我知道你們的事而放心。
Asi ndinovimba muna Ishe Jesu kutumira Timotio kwamuri nekukurumidza, kuti iniwo ndifare pandinoziva zviri maererano nemwi.
Nokuti handina munhu ane fungwa yakadaro, achava nehanya zvirokwazvo nezvenyu.
21 因為其他的人都謀求自己的事,而不謀求基督耶穌的事。
Nokuti vese vanozvitsvakira zvavo, kwete zvinhu zviri zvaKristu Jesu.
22 至於他,你們知道他所受過的考驗,他對我如同兒子對待父親一樣,與我一同從事了福音皂工作。
Asi munoziva kutendeka kwake, kuti semwana kuna baba wakashanda pamwe neni paevhangeri.
23 所以,我希望,幾時我一看出我的事怎樣了結,就立即打發他去;
Zvino ndiye wandinotarisira kutumira kwamuri pakarepo, kana ndaona zvakanangana neni;
asi ndinovimba muna Ishe kuti iniwo ndomene ndichakurumidza kuuya.
25 再者,我以為必須把我的弟兄、同事和戰友,即你們派來為供給我急需的使者,厄帕洛狄托給你們打發回去,
Asi ndakaona zvakafanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama, nemushandi pamwe neni neuto pamwe neni, asi nhume yenyu nemushumiri wekushaiwa kwangu;
26 因為他常想念你們眾人,又因你們聽說他病了,他更為心焦。
sezvo akange achikushuvai mese, uye akatambudzika, nokuti makange manzwa kuti wakange achirwara.
27 實在,他曾病得幾乎要死;但天主可憐了他,不但他,也可憐了我,免得我愁上加愁。
Nokuti zvirokwazvo wakange achirwara ari pedo nekufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; kwete iye ega, asi neni, kuti ndirege kuva neshungu pamusoro peshungu.
28 那麼,我儘速打發他回去,好叫你們看見他感到喜樂,而我也減少憂苦。
Naizvozvo ndakashingaira zvikuru kumutuma, kuti kana momuonazve mufare, neni shungu dzangu dziderere zvikuru.
29 所以你們應該在主內滿心喜歡接待他;像這樣的人,你們應當尊敬,
Naizvozvo mugamuchirei muna Ishe nemufaro wese, uye mubate vakadai neruremekedzo;
30 因為他為了基督工作,曾冒性命的危險,接近了死亡,為彌你們未能事奉我的虧缺。
nokuti nekuda kwebasa raKristu wakaswedera pakufa, asingarangariri upenyu hwake, kuti akwanise kushaiwa kundishumira kwenyu.