< 民數記 11 >
1 當時人民怨聲載道,怨聲已傳入上主的耳中;上主聽見,遂發怒上主的火在他們中燃起,焚燒了營幕的邊緣。
Zvino vanhu vakanyunyuta, Jehovha achizvinzwa, pamusoro pokuomerwa kwavo, uye paakavanzwa hasha dzake dzakamutswa. Ipapo moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo uye ukaparadza vamwe kumucheto womusasa.
2 人民遂向梅瑟求救;梅瑟懇求了上主,火就熄滅了,
Vanhu vakati vachema kuna Mozisi, akanyengetera kuna Jehovha moto ukadzima.
3 遂給那地方起名叫塔貝辣,因為上主的火曾在他們中燃燒起來。
Saka nzvimbo iyo yakanzi Tabhera, nokuti moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo.
4 那些跟百姓來的雜族神甚是貪求口腹,連以色列子民也開始哭泣說:「誰給我們肉吃﹖
Vatorwa vakanga vari pakati pavo vakatanga kupanga zvimwewo zvokudya, uyezve vaIsraeri vakatanga kuungudza vachiti, “Ndianiko achatipa nyama kuti tidye?
5 我們記得:在埃及我們可隨便吃魚,還有胡瓜、西瓜、韭菜、蔥和蒜。
Tinorangarira hove dzataidya muIjipiti tisingatengi; magaka, manwiwa, hanyanisi huru, hanyanisi diki nemhiripiri.
6 現在我們的心靈憔悴,我們眼見的除「瑪納」外,什麼也沒有。」「
Asi zvino tafinhwa; hapana chimwe chinhu chatiri kuwana kunze kwemana iyi.”
Mana yakanga yakaita semhodzi yekorianda uye ichiratidzika samazambiringa akaoma. Vanhu vaitenderera vachiinhonga, uye, vaizoikuya paguyo kana kuidzvura muduri.
8 人民四散收斂,用磨研細,或在臼內搗碎,在鍋內煮了做成餅,它的滋味有如油餅的滋味。
Vaiibika muhari kana kuita makeke. Uye yainaka kunge chinhu chakabikwa namafuta omuorivhi.
Dova raiti rawira pamusoro pomusasa usiku, mana yaiwawo.
10 梅瑟聽見百姓家家戶戶,各在帳棚門口悲哭。上主大發忿怒,梅瑟見了也很難受,
Mozisi akanzwa vanhu vemhuri dzose vachiungudza, mumwe nomumwe pamukova wetende rake. Jehovha akatsamwa kwazvo, uye Mozisi akatambudzika.
11 遂對上主說:「你為什麼難為你的僕人﹖為什麼我在你眼中不蒙寵幸,竟將管理這百姓的擔子全放在我身上﹖
Akabvunza Jehovha akati, “Seiko makauyisa dambudziko iri pamuranda wenyu? Chiiko chandakaita chisingakufadzei zvokuti makaisa mutoro wavanhu ava vose pamusoro pangu?
12 莫非是我懷孕了這百姓,或是我生了他們,你竟對我說:你要懷抱他們,如同褓母懷抱乳兒,直到進入你對他們的祖先所誓許的地方﹖
Ko, ndini ndakaita kuti vanhu vose ava vaumbwe here? Ko, ndini ndakavabereka here? Seiko muchindiita kuti ndivatakure mumaoko angu, somureri anotakura mwana mucheche kuti ndiende navo kunyika yamakavimbisa nemhiko kumadzitateguru avo?
13 我從那裏拿肉給這百姓吃﹖因為他們向我哭訴說:給我們肉吃!
Ndingawanepiko nyama yandingapa vanhu vose ava? Vanoramba vachingondichemera vachiti, ‘Tipe nyama yokudya.’
Handingatakuri vanhu ava vose ndoga; mutoro unondiremera kwazvo.
15 若你願這樣對待我,如果我在你眼中得寵,求你殺了我罷! 免得我受這苦楚。」
Kana muchida kundiitira saizvozvo, ndiurayei henyu iye zvino, kana ndawana hangu nyasha pamberi penyu, uye musandirega ndichiona kuparara kwangu.”
16 上主對梅瑟說:「你給我由以色列老年人中召選七十人,你知道他們是民間的老前輩和會辦事的人,領他們進入會幕,叫他們同你一起站在那裏。
Jehovha akati kuna Mozisi, uya navakuru vavaIsraeri makumi manomwe vaunoziva savatungamiri namachinda pakati pavanhu. Uite kuti vauye kuTende Rokusangana, kuti vamire newe ipapo.
17 在那裏我要降下,與你交談,取些你身上具有的神能,賦給他們,叫他們與你分擔管理人民的重擔,不讓你個人獨自承擔。
Ini ndichaburuka ndigozotaura newe ipapo, uye ndichatora Mweya uri pamusoro pako ndigoisa Mweya iwoyo pamusoro pavo. Ivo vachakubatsira kutakura mutoro wavanhu kuitira kuti iwe urege kuutakura woga.
18 你對民眾說:你們聖潔自己直到明天,你們就會有肉吃,因為上主已聽見你們哀哭說:誰給我們肉吃﹖我們在埃及是多麼好! 如今上主要給你們肉吃了;
“Udza vanhu kuti: ‘Zvinatsei mugadzirire zvamangwana, pamuchadya nyama. Jehovha akakunzwai pamakaungudza muchiti, “Dai bedzi taiva nenyama yokudya! Takanga tiri nani muIjipiti!” Zvino Jehovha achakupai nyama, uye muchaidya.
19 不但是一天、兩天、五天、十天、二十天,你們有肉吃,
Hamungaidyi kwezuva rimwe chete, kana mazuva maviri kana mashanu, gumi kana makumi maviri,
20 而是整月,直到肉從你們的鼻子裏出來,吃的生厭,因為你們輕視了住在你們中的上主,在他面前涕泣說:為什麼我們出離了埃及﹖」
asi kwomwedzi wose, kusvikira yabuda nomumhino dzenyu uye mukaisema, nokuti makaramba Jehovha, ari pakati penyu, uye maichema pamberi pake muchiti, “Takambobvireiko kuIjipiti?”’”
21 梅瑟說:「與我同住的人民,步行的男子就有六十萬,你卻說:我要給他們肉吃,且吃一整月。
Asi Mozisi akati, “Hezvi ndiri pakati pavanhu mazana matanhatu ezviuru vanofamba netsoka, zvino imi munoti, ‘Ini ndichavapa nyama kuti vadye kwomwedzi wose!’
22 就是將牛羊都為他們殺了,為他們夠用麼﹖或將海裏的魚全給他們捉來,為他們足用麼﹖」
Zvichavaringana here kana dai vakaurayirwa makwai nemombe? Zvichavaringana here kana dai vakabatirwa hove dzose dziri mugungwa?”
23 上主回答梅瑟說:「難道上主的手短了﹖你就要看見我對你說的話是否應驗。」
Jehovha akapindura Mozisi achiti, “Ko, ruoko rwaJehovha rwakapfupiswa here? Zvino uchaona kuti zvandinoreva zvichaitika here kana kuti kwete.”
24 梅瑟將上主的話告訴了人民;隨後從人民的老年人中召選了七十人,令他們站在會幕四周。
Saka Mozisi akabuda akandoudza vanhu zvakanga zvataurwa naJehovha. Akaunganidza vakuru vavo makumi manomwe akavaita kuti vamire vakapoteredza Tende.
25 上主乘雲降下,與梅瑟談話;將他身上的神能,賦給那七十位長老;這神能一降在他們身上,他們就出神說話;以後再沒有出神。
Ipapo Jehovha akaburuka ari mugore akataura navo uye akatora Mweya wakanga uri pamusoro pake akaisa Mweya uyu pamusoro pavakuru makumi manomwe. Mweya wakati wagara pamusoro pavo vakaprofita, asi havana kuzopamhazve.
26 當時有兩個人留在營內,一個名叫厄耳達得,一個名叫默達得;這神能也降在他們身上;他們原是在被錄取的人內,卻沒有到會幕那裏去,就在營內出神說話。
Kunyange zvakadaro, varume vaviri, vainzi Eridhadhi naMedhadhi, vakanga vasara mumusasa. Ivo vakanga vaverengwa pakati pavakuru, asi havana kubuda kuti vaende kuTende. Asi Mweya wakagarawo pamusoro pavo uye, vakaprofita vari mumusasa.
27 有一少年跑來告訴梅瑟說:「厄耳達得和默達得在營內出神說話。」
Mumwe mujaya akamhanya akandoudza Mozisi akati, “Eridhadhi naMedhadhi vari kuprofita vari mumusasa.”
28 自幼即服事梅瑟的農的兒子若蘇厄遂說:「我主梅瑟! 你該禁止他們。」
Joshua mwanakomana waNuni, uyo akanga ari mubatsiri waMozisi kubva paujaya hwake, akataura nesimba akati, “Mozisi, ishe wangu, vadzivisei!”
29 梅瑟回答他說:「你為我的緣故嫉妒人麼﹖巴不得上主的人民都成先知,上主將自己的精神貫注在他們身上! 」
Asi Mozisi akapindura akati, “Ko, iwe une godo nokuda kwangu here? Ndinoshuva kuti dai vanhu vaJehovha vose vava vaprofita uye kuti dai Jehovha aisa Mweya wake pamusoro pavo!”
Ipapo Mozisi navakuru vavaIsraeri vakadzokera kumusasa.
31 那時上主使一陣風颳起,由海上吹來了鵪鶉,散落在營幕上;鵪鶉在營幕四周多得有一天路程那麼遠,在地面上約有兩肘厚。
Zvino mhepo yakabuda ichibva kuna Jehovha ikasunda zvihuta zvichibva kugungwa. Yakazvikanda pasi kumativi ose omusasa zvikaita murwi ungada kuita makubhiti maviri kubva pasi, kusvika pangafambwa rwendo rwezuva rimwe chete kumativi ose.
32 人民那一整日整夜,且在第二日整天都忙於捕捉鵪鶉,收集得最少的,也收集了十堆,都擺在營幕四周。
Zuva rose iroro nousiku hwose uye nezuva rose rakatevera vanhu vakabuda kundounganidza zvihuta. Hakuna akaunganidza zvaiva pasi pamahomeri gumi. Ipapo vakazviyanika vakapoteredza musasa.
33 肉還在他們的牙齒間,尚未嚼爛,上主就對人民發怒了,以極嚴重的災禍打擊了人民。
Asi nyama ichiri pakati pamazino avo uye isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavanhu, akavarova nehosha yakaipisisa.
34 故此人給那地方起名叫克貝洛特阿塔瓦,因為在那裏埋葬了貪饕的人民。
Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa kunzi Kibhuroti Hataavha, nokuti vakaviga vanhu vakanga vakarira zvimwewo zvokudya.
35 以後民眾由克貝洛特阿塔瓦起程,向哈茲洛特出發,在哈茲洛特住下了。
Vanhu vakabva paKibhuroti Hataavha vakaenda kuHazeroti vakandogara ikoko.