< 尼希米記 12 >

1 以下是同沙耳提的兒子責魯巴貝耳和耶叔亞回來的司祭和肋未人:色辣雅、耶肋米雅、厄次辣、
Zvino ava ndivo vaprista navaRevhi vakadzokera naZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri naJeshua: Seraya, Jeremia, naEzira,
2 阿瑪黎、瑪路克、哈突士、
Amaria, Maruki, Hatushi,
3 舍加尼雅、哈陵、默摩特、
Shekania, Rehumi, Meremoti,
4 依多、金乃通、阿彼雅、
Idho, Ginetoni, Abhija,
5 米雅明、瑪阿狄雅、彼耳加、
Mijamini Moadhia, Bhiriga,
6 舍瑪雅、約雅黎布、耶達雅、
Shemia, Joirabhi, naJedhaya.
7 撒路、阿摩克、希耳克雅、阿達雅:這些人是耶叔亞時期中的司祭,和他們兄弟的族長。
Saru, Amoki, Hirikia naJedhaya. Ava ndivo vaiva vatungamiri vavaprista pamwe chete nehama dzavo pamazuva aJeshua.
8 他和他的兄弟們啟唱頌謝經文。
VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhinui, Kadhimieri, Sherebhia, Judha, uyewo naMatania pamwe chete nehama dzake, aiva mukuru wenziyo dzokuvonga.
9 巴刻步克雅和烏尼,以及他們的兄弟依照班次,輪流服務。
Bhakibhukia naUni, nehama dzavo, vakamira vakatarisana navo mushumiro.
10 耶叔亞生約雅金,約雅金生厄肋史布,厄肋史布生約雅達,
Jeshua aiva baba vaJoyakimu, Joyakimu aiva baba vaEriashibhi, Eriashibhi ari baba vaJoyadha,
11 約雅達約哈南,約哈南生雅杜亞。
Joyadha baba vaJonatani, uye Jonatani baba vaJadhua.
12 在約雅金年間,司祭作族長的:色辣雅家是默辣雅,
Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaprista, pamazuva aJoyakimu: wokwaSeraya, aiva Meraya; wokwaJeremia, aiva Hanania;
13 厄次辣家是默叔藍,阿瑪黎雅家是約哈南,
wokwaEzira, aiva Meshurami; wokwaAmaria, aiva Jehohanani;
14 瑪路克家是約納堂,舍巴尼雅是約色夫,
wokwaMaruki, aiva Jonatani; wokwaShekania, aiva Josefa;
15 哈陵家是阿德納,默辣摩特家是赫耳凱,
wokwaHarimu, aiva Adhina; wokwaMeremoti, aiva Herikai;
16 依多家是則加雅,金厏通家是默叔藍,
wokwaIdho, aiva Zekaria; wokwaGinetoni aiva Meshurami;
17 阿彼雅家是齊革黎,米尼雅明和摩阿狄雅家是丕耳泰,
wokwaAbhija, aiva Zikiri; wokwaMiniamini, newokwaMoadhia, aiva Piritai;
18 彼耳家是沙慕亞,舍瑪雅家是約納堂,
wokwaBhiriga aiva Shamia; wokwaShemaya aiva Jehonatani;
19 約雅黎布是瑪特乃,耶達雅是烏齊,
wokwaJoyaribhi aiva Matenai; wokwaJedhaya, aiva Uzi;
20 撒路家是卡來,阿克摩家是厄貝爾,
wokwaSaru, aiva Karai; wokwaAmoki, aiva Ebheri;
21 希耳克雅是哈沙彼雅,阿達雅是乃塔乃耳。
wokwaHirikia, aiva Hashabhia; wokwaJedhaya, aiva Netaneri.
22 在厄肋雅史布、約雅達、約哈南和雅杜亞年間,肋未人的族長都登記了,司祭也登記了,直到波斯達理阿的朝代。
Vakuru vedzimba dzavaRevhi mumazuva aEriashibhi, Joyadha, Johanani naJadhua, pamwe chete neavo vaiva vevaprista, vakanyorwa mazita avo pamazuva okutonga kwaDhariasi muPezhia.
23 肋未人的族長也都登記在編年錄上,直到厄肋雅史布的孫子約哈南時代。
Vakuru vedzimba pakati pezvizvarwa zvaRevhi kusvikira panguva yaJohanani mwanakomana waEriashibhi vakanyorwa mumabhuku enhoroondo.
24 肋未人的族長是哈沙彼雅。舍勒彼雅、耶亞、彼奴依和卡德米耳;他們和他們的兄弟,按天主的人達味所制定的,在唱讚美和頌謝經文時,對面站著,分班輪流歌唱。
Zvino vatungamiri vavaRevhi vaiva Hashabhia, Sherebhia naJeshua, mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo avo vaimira vakatarisana vachipa rumbidzo nokuvonga, uye vachiita madzoro sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari.
25 瑪塔尼雅。巴刻步克雅、敖巴狄雅、默叔藍、塔耳孟和阿谷布,都是守門的,護守府庫的門:
Matania Bhakibhukia, Dhadhia, Meshurami, Taramani, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova namatura.
26 以上都是約匝達克的孫子,耶叔亞兒子約雅金時代和乃赫米雅省長,及厄斯德拉司祭兼經師時代的人。
Vakashumira pamazuva aJehoyakimi mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki, nomumazuva aNehemia mubati naEzira muprista nomunyori.
27 為耶路撒冷城垣舉行落成典禮時,召集住在各地的肋未人,在到耶路撒冷,詠唱詠謝讚美的詩歌,彈奏弦樂琴瑟,這落成典禮歡樂舉行。
Zvino pakukumikidzwa kworusvingo rweJerusarema, vaRevhi vakatsvakwa kwavaigara vakauyiswa kuJerusarema kuzopemberera kukumikidzwa uku nomufaro, nenziyo dzokuvonga, uye nokuimba, vachiridza makandira, mitengeranwa nembira.
28 肋未人的子孫歌詠者,便由耶路撒冷四周區域,笸乃托法各村莊,
Vaimbi vakaunganidzwa pamwe chete kubva kumatunhu akapoteredza Jerusarema, nokumisha yavaNetofati;
29 由貝特基耳加耳、革巴和阿次瑪委特鄉間,集合前來,原是歌詠者在耶路撒冷四周,為自己建造了莊院。
nokuBheti Girigari uye kubva munzvimbo yeGebha neAzimavheti, nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha vakapoteredza Jerusarema.
30 司祭和肋未人聖潔了自己以後,又聖潔了民眾、城門和城牆。
Zvino vaprista navaRevhi vakati vazvinatsa, vakanatsawo vanhu, mikova norusvingo.
31 我叫猶大各省長登上城牆,將儀仗分為兩大隊:一隊在城牆上向右往糞門進行,
Ipapo ndakakwidza vatungamiri vavaJudha pamusoro porusvingo. Ndakarayirawo mapoka makuru maviri avaimbi kuti vavonge vachifamba mumudungwe. Rimwe boka rakafamba pamusoro porusvingo kurudyi, rakananga kuMukova weNdove.
32 在隊後隨行的,是曷沙雅和猶大的一半首長,
Hoshaya nehafu yavatungamiri vaJudha vakavatevera,
33 以及阿匝雅、厄次辣、默叔藍、
pamwe chete naAzaria, Ezira, Mesharami,
34 猶達、本雅明、舍瑪雅和耶勒米雅,
Judha, Bhenjamini, Shemaya, naJeremia,
35 這些人都是司祭中吹號筒的;還有約納堂的兒子加黎雅,──約納堂是舍瑪雅的兒子,舍瑪雅是瑪塔尼雅的兒子,瑪塔尼雅是米加雅的兒子,米加雅是匝雇爾的兒子,匝雇爾是阿撒夫的兒子,──
pamwe chete navamwe vaprista vaiva nehwamanda, uyewo naZekaria mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi,
36 以及則加黎雅的兄弟:舍瑪雅、阿匝勒耳、米拉來、基拉來、瑪艾、乃塔乃耳、猶達和哈納尼,演奏天主的人達味的樂器。厄斯德拉經師走在你們的前面。
nehama dzake vanaShemaya, Azareri, Mirarai, Girarai, Maai, Nataneri, Judha naHanani nemidziyo yokuimbisa yakarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari. Ezira munyori akavatungamirira ari pamberi.
37 他們到了泉門之後,一直上了達味城的石級,沿著城城牆斜坡,靠著達味王宮,走到東邊水門。
Vakafamba napaSuo reTsime vakarurama kumatanho eGuta raDhavhidhi napamukwidza wokurusvingo uye vakapfuura napamusoro peimba yaDhavhidhi vakananga kuSuo reMvura kumabvazuva.
38 第二儀仗隊往左邊行,我在儀仗隊之後,與另一半首長在城牆上,路過爐堡,直到廣場的城牆,
Rimwe boka ravaivonga rakaenda kuruboshwe. Ini ndakavatevera pamwe chete nehafu yavanhu ndiri pamusoro porusvingo, ndikapfuura napashongwe yechoto kusvikira kurusvingo rwakapamhama,
39 以後,路過厄弗辣因門、魚門、哈約乃耳堡,直到羊門,便在更門停住了。
napamusoro peSuo raEfuremu, Suo reKare, Suo reHove, Shongwe yaHananeri napaShongwe yeZana, kusvikira paSuo raMakwai. Vakamira paSuo raVarindi.
40 這兩儀仗隊站在天主殿內,有一半首長同我在一起;
Naizvozvo mapoka maviri avavongi akamira muimba yaMwari, neni ndikaita saizvozvo, pamwe chete nehafu yavabati,
41 還有司祭厄里雅金、瑪色雅、米尼雅明、 米加雅、厄里約乃、則則加雅、哈納尼雅,他們吹著號筒;
navapristawo, vanaEriakimi, Maaseya, Miniamini, Mikaya, Erioenai, Zekaria naHanania, nehwamanda dzavo,
42 還有瑪阿色雅、舍瑪雅、厄肋阿匝爾、烏齊、約哈南、瑪耳基雅、厄藍和厄則爾。歌詠都在耶辣希雅指導下高聲唱歌。
uyewo Maaseya, Shemaya, Ereazari, Uzi Jehonani, Marikiya, Eramu naEzeri. Vaimbi vakaimba vachitungamirirwa naJezirahia.
43 一日祭獻了很多犧牲,人們都很歡樂,因為天主使他們非常歡樂,連婦女童也都喜歡;耶路撒冷歡樂的聲音聞於遠方。
Pazuva iro vakabayira zvibayiro zvikuru, vachifara nokuti Mwari akanga avapa mufaro mukuru. Vakadzi navana vakafarawo. Maungira omufaro waiva muJerusarema akanzwika kure kwazvo.
44 那時,也定專員,管理孝放祭品、初熟之物和什一之的倉庫將各城各鄉照法律規定應交與司祭和肋未的物品,都存放在裏面,因為猶太人對盡職的司祭和肋未人都表喜悅。
Panguva iyoyo varume vakagadzwa kuva vatariri vamatura okuvigira zvaiunganidzwa, uye zvibereko zvokutanga nezvegumi. Vaifanira kuuya nezvaibva muminda yakapoteredza maguta kumatura okuvigira migove yakatarirwa vaprista navaRevhi nomurayiro, nokuti Judha yakafadzwa navaprista navaRevhi vaishumira.
45 因他們各盡侍奉他們的天主之職,舉行取潔禮。歌詠者和守門者,也都遵照達味和他的兒子撒羅滿所制定的進行,
Vakaita shumiro yaMwari wavo neshumiro yokunatswa, pamwe chete navaimbi navachengeti vamasuo, sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi nomwanakomana wake Soromoni.
46 因為遠在達味和阿撒夫時代,已有了歌詠長的職務,和讚美並感謝天主的歌曲。
Nokuti kare kare, mumazuva aDhavhidhi naAsafi, kwaiva navatungamiri vavaimbi nezvenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari.
47 在責魯巴貝耳和乃赫米雅年間,全以色列天天都繳納給歌詠者和守門者應繳約之物,把一部分聖物交給人,肋未人將一部分交給亞郎的子孫。
Saka mumazuva aZerubhabheri naNehemia, vaIsraeri vose vaipa migove yezuva nezuva kuvaimbi navachengeti vamasuo. Vakatsaurawo mugove wavamwe vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurawo mugove wezvizvarwa zvaAroni.

< 尼希米記 12 >