< 彌迦書 5 >
1 被圍困的女子,現在妳要抓傷身,他們己圍困住我們,用棍杖搫打以色列民長的面頰。
Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto, nokuti takombwa nomuvengi. Vacharova mutongi waIsraeri netsvimbo padama.
2 厄弗辣大白冷! 你在猶大群邑中雖是最小的,但是將由你從我生出一位統治以色列的人,他的來歷源自亙古,遠自永遠的時代。
“Asi iwe, Bheterehema Efurata, kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mutongi pamusoro peIsraeri, mavambo ake ndeakare kare, kubva pamazuva akare kare.”
3 因此,上主必將遺棄他們,直到孕婦生產之時,那時他 弟兄中的遺民必將歸來,與以色列子民團聚。
Naizvozvo Israeri achasiyiwa kusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvara uye hama dzake dzose dzadzoka kuzobatana navaIsraeri.
4 他必卓然屹立,以上主的能力及上主他們的天主之名的權威,牧放自己的羊群。他們將獲得安居,因為他必大有權勢,直達地極。
Achamira agofudza boka rake musimba raJehovha, muukuru hwezita raJehovha Mwari wake. Uye vachagara norugare, nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.
5 他本人將是和平! 當亞述人侵入我們地域,蹂躪我們領土時,必有七個牧者,八個人民首領奮起對抗。
Uye iye achava rugare rwavo. MuAsiria paacharwisa nyika yedu agofamba achipfuura nomunhare dzedu, tichamumutsira vafudzi vanomwe kuti vamurwise kunyange vatungamiri vasere vavanhu.
6 他們必用刀統治亞述,用劍管轄默洛得地。當亞述侵入我們地域,蹂躪我們的境域時,他必救援我們。
Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo, nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa. Achatirwira kubva kumuAsiria paachapinda munyika yedu nokupinda pamiganhu yedu.
7 那時,雅各伯的遺民,在許多民族中,必如由上主而來的朝露,必如落在青草上的甘霖,不再期待於人,也不寄望於人子。
Vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi akawanda, sedova rinobva kuna Jehovha, sokunaya kwemvura pauswa, zvisingamiriri munhu kana kugaririra vanhu.
8 那時,雅各伯的遺民,在異民中,在許多民族中,必如獅子在森林百獸中,必如幼童在羊群中,所經之處,必加以蹂躪摧殘,無人能夠搶救。
Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi, pakati poruzhinji rwamarudzi, seshumba pakati pezvikara zvesango, seshumba duku pakati pamapoka amakwai, inotsika uye inobvambura ichienda, pasina anogona kununura.
9 你的手臂將高舉在你敵人之上,你的一切仇敵必要滅絕。
Ruoko rwenyu ruchasimudzwa mukukunda uye vadzivisi venyu vose vachaparadzwa.
10 到那一日──上主的斷語──我必由你中間毀滅你的戰馬,破壞你的車輛,
“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu uye ndichapwanya ngoro dzenyu.
Ndichaparadza maguta enyika yenyu uye ndichaputsa nhare dzenyu dzose.
Ndichaparadza uroyi hwako uye hauchazovizve navavuki.
13 我必由你們中間消滅你的彫像和石柱,使你不再膜拜你手製的作品;
Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamuchazokotamiri kubasa ramaoko enyu.
Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera uye ndichaparadza maguta enyu.
15 對那不順服的異民,我必在憤怒激憤之下施以報復。
Ndichatsiva nokutsamwa nehasha kundudzi dzisina kunditeerera.”