< 馬可福音 16 >
1 息日一過,瑪利亞瑪達肋納、雅各伯的母親瑪利亞和撒羅默買了香料,要去傅抹耶穌。
Sabata rakati rapfuura, Maria Magadharena, Maria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira kuti vagondozodza mutumbi waJesu.
2 一週的第一天,大清早,她們來到墳墓那裏;那時, 太陽剛升起,
Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, zuva risati rabuda, vakanga vapinda munzira,
3 她們彼此說:「誰給我們從墳墓門口滾開那塊石頭呢﹖」
uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?”
Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa.
5 她們進了墳墓,看見一個少年人,坐在右邊,穿著白衣,就非常驚恐。
Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara kuruoko rworudyi, uye vakavhunduka.
6 那少年人向她們說:「不要驚惶! 你們尋找那被釘在十字架上的納匝肋人耶穌,他已經復活了, 不在這裏了;請看安放過他的地方!
Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa.
7 但是你們去,告訴他的門徒和伯多祿說:他在你們以先往加里肋亞去,在那裏你們要看見他,就如他所告訴你們的。」
Asi chiendai mundoudza vadzidzi vake naPetro, kuti, ‘Afanotungamira kuGarirea. Muchandomuona ikoko sezvaakakuudzai.’”
8 們一出來,就從墳墓那裏逃跑了,因為戰慄和恐懼攫住了她們,她們什麼也沒有給人說,因為她們害怕。
Vachibvunda uye vachishamiswa, vakabuda vakatiza kubva muguva. Havana chavakataura kuno munhu, nokuti vakanga vachitya.
9 (note: The most reliable and earliest manuscripts do not include Mark 16:9-20.) 一週的第一天,清早,耶穌復活後,首先顯現給瑪利亞瑪達肋納:耶穌曾從她身上逐出過七個魔鬼。
(note: The most reliable and earliest manuscripts do not include Mark 16:9-20.) Jesu akati amuka mangwanani nezuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Maria Magadharena, uya waakanga abudisa kubva maari mweya yakaipa minomwe.
10 她去報告那些一向同耶穌在一起的人,那時,他們正在哀號哭泣。
Akaenda akandoudza vaya vaimbova naye, vakanga vachiungudza uye vachichema.
Vakati vanzwa kuti Jesu akanga ari mupenyu, uye kuti Maria akanga amuona, havana kuzvitenda.
12 此後,他們中有兩個人往鄉下去;走路的時候,耶穌藉了另一個形狀顯現給他,
Shure kwaizvozvo Jesu akaonekwazve neimwe nzira navaviri vavo pavakanga vachifamba kuruwa.
13 他們就去報告其餘的人,但那些人對他們也不相信。
Ava vakadzoka vakandozivisa vakasara; asi naivowo havana kuvatenda.
14 最後,當他們十一人坐席的時候,耶穌顯現給他們,責斥他們的無信和心硬,因為他們不信那些在他由死者中復活後,見了他的人。
Mushure maizvozvo Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwe pavakanga vachidya; akavatsiura pamusoro pokusatenda kwavo uye nokusindimara kwemwoyo yavo pakuramba kutenda vaya vakanga vamuona mushure mokumuka kwake.
15 然後耶穌對他們說:「你們往普天下去,向一切受造物宣傳福音,
Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.
Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.
17 信的人必有這些奇蹟隨著他們:因我的名驅逐魔鬼說新語言,
Uye zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa muzita rangu, vachataura nendimi itsva;
18 手拿毒蛇,甚或喝了什麼致死的毒物,也決不受害;按手在病人身上,可使人痊癒。」
vachabata nyoka namaoko avo, uye kunyange vakanwa muchetura unouraya haungavakuvadzi napaduku; vachaisa maoko avo pamusoro pavarwere, uye vachapora.”
19 主耶穌給他們說了這些話以後,就被接升天,坐在天主的右邊。
Mushure mokunge Ishe Jesu ataura kwavari, akatorwa akakwidzwa kudenga uye akandogara kuruoko rworudyi rwaMwari.
20 他們出去,到處宣講,主與他們合作,並以奇跡相隨,證實所傳的道理。
Ipapo vadzidzi vakabuda vakandoparidza kwose kwose, uye Ishe akashanda navo, akasimbisa shoko rake nezviratidzo zvakatevera.