< 路加福音 10 >

1 此後,主另外選定了七十二人,派遺他們兩個兩個地在祂在前面,到祂自己將要去的各城地去。
Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda.
2 祂對他們說:「莊稼多而工人少,所以你們應當求莊稼的主人,派遺工人來,收割祂的莊稼。
Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa.
3 你們去吧! 看,我你們猶如羔羊往狼群中。
Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere.
4 你們不要帶錢囊,不要帶口袋,也不要帶鞋;路上也不要向人請安。
Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; uye musakwazisa munhu panzira.
5 不論進了那一家,先說:「願這一家平安! 」
“Pamunopinda mumba, mutange namashoko okuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’
6 那裡如有和和平之子,你們的平安就要停留在他身上;否則仍歸於你們。
Kana munhu worugare arimo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana zvikasadaro, ruchadzokera kwamuri.
7 你們要住在那一家,吃喝他們所供給的,因為工人自當有他的工資;你們不可從這一家挪到那一家。
Garai muimba iyoyo muchidya nokunwa zvose zvavanokupai nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake. Musapota-pota nedzimba.
8 不論進了那座城,人若接納你們,給你們擺上什麼,你們就吃什麼。
“Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu.
9 要醫治城中的病人,並給他們說:天主國已經臨近你們了。
Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’
10 不論進了那座城,人如不接納你們,你們就出來,到街市上說:
Asi pamunopinda muguta uye mukasagamuchirwa, muende munzira dzaro mugoti,
11 連你們城中粘在我們腳上的塵土,我們也要給你們拂下來;但是你們當知道:天主的國已經臨近了。
‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinoripukuta nokuda kwenyu. Asi muzive izvi: Umambo hwaMwari hwaswedera.’
12 我告訴你們:在那一日,索多瑪所受的懲罰,要比這座城容易忍受。」
Ndinokuudzai kuti pazuva iro, Sodhomu richarerukirwa kwazvo kupfuura guta iroro.
13 苛辣匝因啊,你是禍的了! 貝特賽達啊,你是禍的了! 因為在你們那裡所行的異能,如果行在提洛和漆冬,她們早已披上苦衣,坐在灰塵中,而改過自新了。
“Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakanga zvaitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendeuka kare, vakagara mumadota vakafuka masaga.
14 但是在審判時,提洛和漆冬所受的懲罰,要比你們容易忍受。
Asi Tire neSidhoni zvicharerukirwa pakutongwa kupfuura imi.
15 還有你葛法翁啊! 莫非你要被高舉到天上嗎﹖將來你必被推下陰府。 (Hadēs g86)
Uye iwe, Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, uchaburuka kwakadzika. (Hadēs g86)
16 聽你們的,就是聽我;拒絕你們的,就是拒絕我;拒絕我的,就是拒絕那派遺我的。」
“Anokunzwai imi, anondinzwa ini; uyo anokurambai imi, anondirambawo ini; asi uyo anondiramba, anoramba iye akandituma.”
17 那七十二人歡喜地歸來,說:「主,因著你的名號,連惡魔都屈服於我們。」
Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro vakati, “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.”
18 耶穌向他們說:「我看見撒旦如同閃電一般自天跌下。
Akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa kubva kudenga semheni.
19 看我已經授於你們權柄,使你們踐踏在蛇蠍上,並能制伏仇敵的一切勢力,沒有什麼能傷害你們。
Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai.
20 但是,你們不要因為魔鬼屈服於你們的這件事而喜歡,你們應當喜歡的,乃是因為你們的名字,已經登記在天上了。
Kunyange zvakadaro hazvo, musafara nokuti mweya yakaipa inozviisa pasi penyu, asi farai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”
21 就在那時刻,耶穌因聖神而歡欣說:「父啊! 天地的主宰,我稱謝你,因為你將這些事瞞往了智慧和明達的人,而啟示了給小孩子。是的,父啊! 你原來喜歡這樣做。
Panguva iyoyo Jesu azere nomufaro kubudikidza noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai, Baba, Ishe wokudenga nepasi, nokuti makavanzira vakachenjera navakadzidza zvinhu izvi, mukazvizarurira kuvacheche. Hongu, Baba nokuti zvakakufadzai.
22 我父將一都交給我,除了父,沒有一個認識子是誰,除了子及子所願啟示的人外,也沒有一個認識父是誰的。
“Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna munhu anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hakuna munhu anoziva kuti Baba ndiani kunze kwoMwanakomana naavo Mwanakomana vaanenge asarudza kuvazarurira.”
23 耶穌轉過身來私下對們徒說:「見你們所見的眼睛是有福的。
Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake vari voga akati, “Akaropafadzwa meso anoona zvamuoona,
24 我告訴你們:曾經有許多先知及君王希望看你們所見的,而沒有看見;聽你們所聽的,而沒有聽到。
nokuti ndinokuudzai kuti vaprofita vazhinji namadzimambo vaida kuona zvamunoona asi havana kuzviona, uye nokunzwa zvamunonzwa asi havana kuzvinzwa.”
25 有一個法學士起來,試探耶穌說:「師傅,我應當做什麼,才能獲得永生﹖」 (aiōnios g166)
Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?” (aiōnios g166)
26 耶穌對他說:「法律上記載了什麼﹖你是怎樣讀的﹖」
Iye akapindura akati, “Mumurayiro makanyorweiko? Unouverenga seiko?”
27 他答說:「你應當全心,全靈,全力,全意愛上上,你的天主;並愛近人如你自己。」
Akapindura akati, “‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’”
28 耶穌向他說:「你答應的對,你這樣做,必得生活。」
Jesu akapindura akati, “Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama.”
29 但是,他願意顯示自己理直,又對耶穌說:「畢竟誰是我的近人﹖」
Asi iye akanga achida kuzviruramisa, saka akabvunza Jesu akati, “Muvakidzani wangu ndianiko?”
30 耶穌答說:「有一個人從耶路撒冷下來,到了耶利哥,遭遇了強盜;他們剝去他的衣服,並加以擊傷,將他半死半活地丟下走了。
Jesu akapindura akati, “Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa.
31 正巧有一個司祭那條上下來,看了看他,便從旁邊走過去。
Zvakaitika kuti mumwe muprista akafambawo nenzira iyoyo, uye akati achiona murume uyo, akamunyenyeredza.
32 又有一個肋未人,也是一樣;他到了那裡,看了看他,也從旁邊走過去。
Saizvozvowo, muRevhi akasvika panzvimbo iyoyo akamuona, akamunyenyeredzawo.
33 但有一個撒馬利亞人,路過他那裏,一看見就動了憐憫的心,
Asi muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano murume uya; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi.
34 遂上前,在他的傷處注上油與酒,包紮好了,又扶他騎上自己的牲口,把他帶客店裏,小心照料他。
Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta.
35 第二天,取出兩個銀錢交給店主說:請你小心看護他! 不論餘外花費多少,等我回來時,必要補還你。
Fume mangwana akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’
36 你以為這三個人中,誰是那遭遇那強盜的近人呢﹖
“Ndianiko pavanhu vatatu ava waunofunga kuti akanga ari muvakidzani kuna iye akawira mumaoko amakororo?”
37 那人答說:「是憐憫他的那人。」耶穌遂給他說:「你去也照樣做吧! 」
Mududziri womurayiro akati, “Uyo akamunzwira tsitsi.” Jesu akati kwaari, “Enda unoita saizvozvo.”
38 他們走路的時候,耶穌進了一個村莊。一個名叫瑪爾大的女人,把耶穌接到家中。
Jesu navadzidzi vake pavakanga vachifamba, vakasvika pano mumwe musha; mumwe mukadzi ainzi Marita akamugamuchira mumba make.
39 她有一個妹妹,名叫瑪利亞,坐在主的腳前聽祂講話。
Akanga ano mununʼuna wake ainzi Maria, uyo akagara patsoka dzaShe achiteerera kune zvaakanga achitaura.
40 瑪爾大為伺候耶穌,忙碌不已,便上前來說:「主! 我妹妹丟下我一個人伺候,你不介意嗎﹖請叫她來幫助我吧! 」
Asi Marita akatadziswa kuteerera nokuda kwokugadzirira kwose kwaifanira kuitwa. Akauya kwaari akati, “Ishe hamuna hanya here kuti mununʼuna wangu andisiya ndichingoshanda ndoga? Muudzei kuti andibatsirewo!”
41 主回答她說:「瑪爾大,瑪爾大! 妳為了許多事操心忙碌,
Ishe akapindura akati, “Marita, Marita, uri kufunganya nokugumburwa pamusoro pezvinhu zvizhinji,
42 其實需要的惟有一件。瑪利亞揀選了更好的份,一是不能從她奪去的。」
asi pane chinhu chimwe chete chinodikanwa. Maria asarudza chinhu chiri nani, uye haazochitorerwi.”

< 路加福音 10 >