< 利未記 11 >
Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
2 你們應告訴色列子民說:地上的一切走獸中,你們可吃的獸類如下:
“Taurai kuvaIsraeri muti, ‘Pamhuka dzose dzinofamba panyika, idzi ndidzo dzamunogona kudya:
Munogona kudya mhuka ipi zvayo ina mahwanda, akapararana zvachose, uye inozeya zvokudya.
4 但在反芻或有偶蹄的走獸中,你們不可吃的是駱駝,因為駱駝雖反芻,但偶蹄無趾,對你們仍是潔的;
“‘Asi kune dzimwe dzinongozeya kudya chete, kana kuti dzimwe dzine mahwanda akaparadzana chete, idzi hamufaniri kudzidya. Ngamera, kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka; haina kuchena kwamuri.
5 岩貍,牠雖反芻,但偶蹄無趾,對你們仍是不潔的;
Mbira kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri.
Tsuro kunyange ichizeya zvokudya, haina mahwanda akapatsanuka, haina kuchena kwamuri.
7 豬,牠雖有偶蹄,蹄雖有趾,卻不反芻,對你們仍是不潔的。
Nguruve kunyange ine mahwanda akanyatsopatsanuka, haizeyi zvokudya, haina kuchena kwamuri.
8 這些走獸的肉,你們不可吃;牠們的屍體,也不可觸摸,因為對你們都是不潔的。
Hamufaniri kudya nyama yazvo kana kubata zvitunha zvazvo; hazvina kuchena kwamuri.
9 水族中你們可吃的如下:凡是水中有鰭有鱗的,不論是海裡的,或河裡的,都可以吃;
“‘Pazvisikwa zvose zvinogara mumvura yamakungwa nenzizi, munogona kudya dzose dzine zvimbi namakwati.
10 但凡在水中蠕動,和在水中生存的生物,若沒有鰭和鱗,不論是海裡的,或河裡的,都是你們所當憎惡的。
Asi zvipuka zvose zvomugungwa kana munzizi zvisina zvimbi namakwati, kunyange pakati pezvinouya samatutu kana pakati pezvose zvisikwa zvinorarama mumvura, zvinonyangadza kwamuri.
11 這些水族,都是你們所當憎惡的:牠們的肉不可吃;牠們的屍體,你們當視為可憎惡之物。
Uye sezvo zvichinyangadza kwamuri hamufaniri kudya nyama yazvo uye munofanira kusema zvitunha zvazvo.
Chose chinhu chinorarama mumvura chisina zvimbi namakwati chinonyangadza kwamuri.
13 飛禽中,你們應視為可憎而不可吃,應視為可憎之物的是:鷹、顎、鳩、
“‘Idzi ndidzo shiri dzamunofanira kusema, uye musadzidya nokuti dzinonyangadza kwamuri: gondo, gora, chapungu,
njerere, marudzi ose oruvangu rutema,
marudzi ose amazizi, shiri yegungwa namarudzi ose oruvangu,
nezizi duku, nekanyururahove, nezizi guru,
nejichidza, nekondo, negora,
neshuramurove, namarudzi ose ekondo, nemhupupu nechiremwaremwa.
20 凡是有翅,四足爬行的昆蟲,都是你們所當憎惡的;
“‘Zvose zvipukanana zvinobhururuka, zvinofamba namakumbo mana zvinonyangadza kwamuri.
21 但在有翅,四足爬行的昆蟲中,凡有腳以外,還有大腿,在地上能跳的,你們可以吃。
Kunyange zvakadaro, kunewo zvimwe zvipuka zvine mapapiro zvinofamba namakumbo mana zvamunogona kudya, izvo zvine makumbo akabatanidzwa okukwakuka nawo.
22 你們可吃的是:飛蝗之類,蟋蟀之類和冬斯之類;
Pakati pezvizvi munogona kudya marudzi ose emhashu, namarudzi ose amakurwe namarudzi ebambamukota.
23 其他凡有翅,四足爬行的昆蟲,都是你們所當憎惡的。
Asi zvimwe zvose zvipukanana zvine mapapiro zvine makumbo mana munofanira kuzvisema.
24 遇到以下的光景也能使你們不潔:凡觸摸這些昆蟲屍體的人,直到晚上不潔;
“‘Musazvisvibisa nezvizvi; ani naani anobata zvitunha zvazvo achava akasviba kusvikira manheru.
25 凡移動牠們屍體的人,應洗滌自己的衣服,直到晚上市不潔的。
Ani naani achanhonga chimwe chezvitunha zvazvo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru.
26 凡有偶蹄而無趾的,或不反芻的走獸,為你們都是不潔的;誰觸摸就染上了不潔。
“‘Mhuka yose yose ina mahwanda akapararana asi asina kunyatsopararana, isingazeyi kudya, haina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chayo achava asina kuchena.
27 一切四足動物中,舉凡用腳掌行走的,為你們都是不潔的;誰觸摸了牠們的屍體,直到晚上是不潔的;
Pamhuka dzose dzinofamba namakumbo mana, idzo dzine tsoka dzakafara hadzina kuchena kwamuri; ani naani anobata chitunha chadzo achava akasviba kusvikira manheru.
28 誰移動了牠們的屍體,應洗滌自己的衣服,直到晚上是不潔的。這些動物為你們都是不潔的。
Ani naani achanhonga zvitunha zvadzo anofanira kusuka nguo dzake uye achava akasviba kusvikira manheru. Hadzina kuchena kwamuri.
29 在地上爬行的動物中,為你們不潔的是:晏鼠、老鼠和蜥蜴之類;
“‘Pamhuka dzinokambaira panyika, idzi hadzina kuchena kwamuri: chidembo, gonzo, namarudzi ose egwavava,
chifurira, namarudzi ose amadzvinyu, dhambakura nerwaivhi.
31 這些爬行的動物,為你們都是不潔的;牠們死後,誰處麼了,直到晚上是不潔的。
Pane zvose zvinokambaira panyika, izvi hazvina kuchena kwamuri. Asi ani naani anozvibata kana zvafa achava akasviba kusvikira manheru.
32 其中死了的,掉在什麼物件上,不論是木器,或衣服,或皮據,或囊袋,凡能用的器具,即成為不潔,應放入水內,直到晚上是不潔的;,以後才算潔淨;
Kana chimwe chazvo chikafa, chikawira pamusoro pechimwe chinhu, chinhu ichocho hazvinei kuti chinoshandiswei, chinova chisina kuchena kunyange chakagadzirwa nomuti, mucheka, dehwe, kana saga. Chiisei mumvura; chichava chisina kuchena kusvikira manheru, uye ipapo chichava chakachena.
33 一切陶器,如有牠們中一個掉在裡面,裡面所有的一切即成為不潔,陶器應該打破;
Kana chimwe chazvo chikawira muhari yevhu, zvose zviri mairi zvichava zvisina kuchena, uye munofanira kuputsa hari yacho.
34 如裡面的水滴在任何食物上,食物即成為不潔的;在這種陶器內裝了任何飲料,飲料也成為不潔的。
Chokudya chipi zvacho chinogona kudyiwa, asi chine mvura pachiri, yabva muhari iyoyo chichava chisina kuchena uye kana chipi zvacho chinganwiwa kubva imomo hachina kuchena.
35 牠們的屍體無論掉在什麼東西上,那東西即成為不潔的:不拘爐或灶都應該打碎,因為是不潔的,你們也應視為不潔。
Chose chinhu chinowirwa nechitunha chazvo chinova chisina kuchena; choto kana hari yokubikira zvinofanira kuputswa. Hazvina kuchena uye munofanira kuzvibata sezvisina kuchena.
36 水泉和蓄水池雖是潔淨的,但那接觸屍體的,即成為不潔。
Asi chitubu, kana tsime rokuchera mvura zvinoramba zvakachena, asi ani naani anobata chimwe chezvitunha izvi achava asina kuchena.
37 如果他們中一個掉在要播種的種籽上,種籽是潔淨的眥;
Kana chitunha chikawira pambeu ipi zvayo inofanira kudyarwa, inoramba yakachena.
38 但若種籽已浸了水,而屍體掉在上面,這種籽對你們便成了不潔的。
Asi kana mvura yaiswa pambeu, uye chitunha chikawira pairi, inova isina kuchena kwamuri.
39 若你們可吃的一隻走獸死了,誰處麼了牠的屍體,直到晚上是的不潔的;
“‘Kana mhuka yamunobvumirwa kudya ikafa yoga, munhu wose achabata mutumbi wayo achava asina kuchena kusvikira manheru.
40 誰吃了這屍體的肉,應洗滌自己的衣服,並且直到晚上是不潔的。
Munhu wose achadya imwe nyama yacho anofanira kusuka nguo dzake agova asina kuchena kusvikira manheru.
“‘Chisikwa chose chinokambaira panyika chinonyangadza, hachifaniri kudyiwa.
42 不論是用腹部爬行的,或用四足爬行的,或多足的,凡是地上的爬蟲,你們都不可吃,因為都是可憎惡的。
Hamufaniri kudya chisikwa chipi zvacho chinokambaira panyika, chingava chinofamba nedumbu kana chinofamba namakumbo mana kana namakumbo akawanda, chinonyangadza.
43 你們不要因任何爬蟲使你們成為可憎惡的;你們不要因牠們而成為不潔的,或染上不潔,
Musazvisvibisa nechimwe chezvisikwa izvi. Musazvisvibisa nazvo kana nokuda kwazvo.
44 因為我上主是你們的天主:你們該表現為聖潔的,你們應是聖的,因為我是聖的。你們不要因地上任何爬蟲,而使自己成為不潔的,
Ndini Jehovha Mwari wenyu, zvitsaurei mugova vatsvene, nokuti ndiri mutsvene. Musazvisvibisa nechipuka chipi zvacho chinofamba-famba pasi.
45 因為是我上主領你們由埃及地上來,為作你們的天主:你們應是聖的,因為我是聖的。
Ndini Jehovha akakubudisai muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu; saka ivai vatsvene nokuti ndiri mutsvene.
46 以上是有關走獸飛禽,一切水中游行和地上一切爬行動物的法律,
“‘Ndiyo mitemo iri maererano nemhuka, shiri, zvipenyu zvose zvinofamba mumvura nezvipuka zvose zvinofamba panyika.
Munofanira kuisa mutsauko pakati pezvisina kuchena nezvakachena, pakati pezvisikwa zvipenyu zvinogona kudyiwa nezvisingagoni kudyiwa.’”