< 耶利米哀歌 3 >
Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake.
Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza;
zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose.
Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu.
Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa.
Akandigarisa murima savanhu vakafa kare kare.
Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani.
Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe, anopfigira munyengetero wangu kunze.
Akadzivira nzira yangu namatombo; akaminamisa nzira dzangu.
10 上主之於我,像是一隻潛伏的狗熊,是一頭藏匿的獅子,
Sebere rakavandira, seshumba yakavanda,
akandikwekweredza kubva munzira uye akandibvarura-bvarura akandisiya ndisina mubatsiri.
Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa nemiseve yake.
Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake.
Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose.
Akandigutsa nemiriwo inovava, uye akandinwisa nduru.
Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva.
17 他除去了我心中的平安,我已經忘記了一切幸福;
Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii.
18 於是我說:「我的光榮已經消逝,對上主的希望也已經幻滅。」
Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”
Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru.
Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.
Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro:
Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.
Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.
24 我心中知道:上主是我的福分;因此,我必信賴他。
Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”
Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka;
chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere.
Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.
Ngaagare ari oga anyerere, nokuti Jehovha ndiye akariturika paari.
Ngaavige chiso chake muguruva, zvimwe tariro ichiripo.
Ngaape dama rake kumunhu anomurova, uye ngaazadzwe nenyadzi.
Nokuti vanhu havangaraswi naIshe nokusingaperi.
32 縱使懲罰,他必按照自己豐厚的慈愛,而加以憐憫。
Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi, rukuru sei rudo rwake rusingaperi.
Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa kana kusuwa kuvana vavanhu.
Kutsikira pasi petsoka vasungwa vose venyika,
kurambira munhu kodzero yake pamberi peWokumusoro-soro,
kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?
Ndiani angataura akaita kuti zviitike kana Ishe asina kuzvirayira?
Ko, hazvibvi mumuromo weWokumusoro-soro here zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?
Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei kana arangwa nokuda kwezvivi zvake?
Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uyewo ngatidzokerei kuna Jehovha.
Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti:
“Takatadza uye takakumukirai uye imi hamuna kukanganwira.
43 你藏在盛怒之中,追擊我們,殺死我們,毫不留情。
“Makazvifukidza nokutsamwa mukatidzingirira; makauraya musinganzwiri ngoni.
Makazvifukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.
Makatiita marara netsvina pakati pendudzi.
“Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo kwazvo kuti vatituke.
Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza, kuparara nokuparadzwa kukuru.”
48 為了我女兒──人民的滅亡,我的眼淚湧流如江河。
Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu, nokuti vanhu vangu vaparadzwa.
Meso angu acharamba achiyerera misodzi, pasina zvinoyamura,
kusvikira Jehovha aringira pasi kubva kudenga akaona.
Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu, nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.
Avo vakanga vari vavengi vangu ini pasina chikonzero vakandivhima seshiri.
Vakaedza kundiuraya mugomba uye vakapotsera matombo kwandiri;
mvura zhinji yakafukidza musoro wangu, uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa.
Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika.
56 你曾俯聽過我的呼聲,對我的哀禱,不要掩耳不聞。
Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.”
57 在我呼號你的那一天,願你走近而對我說:「不要害怕! 」
Makaswedera pedyo pandakakudanai, mukati, “Usatya.”
Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu; makadzikinura upenyu hwangu.
Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa. Nditongerei mhaka yangu!
Makaona udzamu hwokutsva kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu.
Haiwa Jehovha, makanzwa kutuka kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu,
62 你也聽見了反對我者的誹謗,和他們終日對我的企圖。
dzinozevezerwa nokungurumwa navavengi vangu pamusoro pangu zuva rose.
63 你看! 他們或坐或立,我始終是他們嘲笑的對象。
Tarirai kwavari! Vakagara kana kumira, vanondituka nenziyo dzavo.
Varipidzirei zvakavafanira, imi Jehovha, zvakaitwa namaoko avo.
Isai chidziro pamwoyo yavo, uye kutuka kwenyu ngakuve pamusoro pavo!
66 上主,求你憤怒地追擊他們,將他們由普天之下除掉。
Vadzinganisei makatsamwa muvaparadze, vabve pasi pamatenga aJehovha.