< 約翰福音 2 >
1 第三天,在加利肋亞加納有婚宴,耶穌的母親在那裏;
Pazuva rechitatu muchato wakaitwa paKana yomuGarirea. Mai vaJesu vaivapo,
uye Jesu navadzidzi vake vakanga vakokwawo kumuchato uyu.
Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachina waini.”
4 耶穌回答說:「女人,這於我和妳有什麼關係?我的時刻尚未來到。」
Jesu akapindura akati, “Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana.”
5 衪的母親給僕役說:「他無論吩咐你們,你們就作什麼。」
Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.”
6 在那裏放著六口石缸,是為猶太人取潔用的;每口可容納兩三桶水。
Pakare ipapo pakanga pane makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana.
7 耶穌向僕役說:「你們把缸灌滿水吧! 」他們就灌滿了,直到缸口。
Jesu akati kuvaranda, “Zadzai makate nemvura.” Saka vakaazadza kusvikira pamuromo.
8 然後,耶穌給他說:「現在你們舀出來,送給司席。」他們便送去了。
Ipapo akati kwavari, “Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo.” Vakaita saizvozvo.
9 司席一嘗已變成酒的水─並不知是從那裏來的,舀水的僕役卻知道─司席便叫了新郎來,
Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi
10 向他說:「人人都先擺上好酒,當客人都喝夠了,才擺上次第的;你卻把好酒保留到現在。」
akati, “Munhu wose anotanga kubudisa waini inonaka chose, zvino shure kwokunge vanhu vakakokwa vanwa zvakanyanyisa, ipapo anozobudisa isinganaki; asi iwe wachengeta yakaisvonaka kusvikira zvino.”
11 這是耶穌所行的第一個神跡,是在加利肋亞納匝肋行的;衪顯示了自己的光榮,衪的門徒們就信從了衪。
Jesu akaita chiratidzo ichi chokutanga paKana yomuGarirea. Nokudaro akaratidza kubwinya kwake, uye vadzidzi vake vakatenda kwaari.
12 此後,衪和衪的母親、弟兄和門徒下到葛法翁,在那裏住了不多幾天。
Shure kwaizvozvo akaburuka akaenda kuKapenaume namai vake, navanunʼuna vake uye navadzidzi vake. Vakagara ikoko kwamazuva mashoma.
Pasika yavaJudha yakati yava pedyo, Jesu akakwira kuJerusarema.
14 在殿院裏,衪發現了賣牛、羊、鴿子的,和坐在錢莊上兌換銀錢的人,
Muzvivanze zvetemberi akawana vanhu vachitengesa mombe, makwai nenjiva, uye vamwe vakanga vagere patafura vachitsinhana mari.
15 就用繩索做了一條鞭子,把眾人連羊帶牛,從殿院都趕出去,傾倒了換錢者的銀錢,推翻了他們的桌子;
Saka akaruka tyava yerwodzi, akadzinga vose kubva panzvimbo yetemberi, zvose makwai nemombe; akarasa kwose kwose mari yavakanga vachitsinhana, uye akapidigura tafura dzavo.
16 給賣鴿的人說:「把這東西從這裏拿出去,不要使我父的殿宇成為商場。」
Akati kuna avo vakanga vachitengesa njiva, “Budisai zvinhu izvi muno! Hamufaniri kushandura imba yababa vangu muchiita musika wokutengeserana!”
17 衪的門徒們就想起了經上記載的:『我對你的殿宇所懷的熱忱,把我耗敬盡。』的話。
Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.”
18 猶太人便追問衪說:「你給我們顯什麼神跡,證明你有權柄作這些事?」
Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Ungatipa chiratidzo chipi chingatiradza pachena kuti unoita zvinhu izvi zvose nesimba ripi?”
19 耶穌回答他們說:「你們拆毀這座聖殿,三天之內,我要把它重建起來。」
Jesu akavapindura akati, “Paradzai temberi iyi, uye ini ndichaivakazve mumazuva matatu.”
20 猶太人就說:「這座聖殿建築了四十六年,你在三天之內就會重建起它來嗎?」
VaJudha vakapindura vakati, “Zvakatora makore makumi mana namatanhatu kuti temberi iyi ivakwe, uye iwe uchaimutsa mumazuva matatu?”
Asi temberi yaaireva waiva muviri wake.
22 所以,當衪所死者中復活以後,衪的門徒就想起了衪曾說過這話,便相信了聖經和耶穌說過的話。
Shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira zvaakanga ambotaura. Ipapo vakatenda Magwaro namashoko akanga ataurwa naJesu.
23 當耶穌在耶路撒冷過逾越節時,有許多人看見衪所行的神跡,便信從了衪;
Zvino paakanga ari muJerusarema paMutambo wePasika, vanhu vazhinji vakaona zviratidzo zvaakanga achiita vakatenda muzita rake.
Asi Jesu haana kuvimba navo, nokuti aiziva vanhu vose.
25 衪並不需要誰告訴衪,人是怎麼的,因為衪認識人心裏有什麼。
Akanga asingatsvaki uchapupu hwomunhu pamusoro pomunhu nokuti akanga achiziva zvakanga zviri mumunhu.