< 約翰福音 17 >

1 穌講完了這些話,便舉目向天說:「父啊!時辰來到了,求你光榮你的子,好叫子也光榮你:
Jesu akati ataura izvi, akatarira kudenga akanyengetera achiti: “Baba, nguva yasvika. Kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei.
2 因為你賜給了他權柄掌管凡有血肉的人,是為叫他將永生賜給一切你所賜給他的人。 (aiōnios g166)
Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. (aiōnios g166)
3 永生就是:認識你,唯一的真天主,和你所派遣來的耶穌基督。 (aiōnios g166)
Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. (aiōnios g166)
4 我在地上,已光榮了你,完成了你所委託我所作的工作。
Ndakauyisa kukudzwa kwamuri panyika nokuti ndakapedza basa ramakandipa kuti ndiite.
5 父啊! 現在,在你面前光榮我罷!賜給我在世界未有以前,我在你前所有的光榮罷!」
Zvino, Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako ndinemi nyika isati yavambwa.
6 「我已將你的名,顯示給那些你由世界中所賜給我的人。他們原屬於你,你把他們托給了我,他們也遵守了你的話。
“Ndakaratidza zita renyu kuna avo vamakandipa panyika. Vakanga vari venyu; mukavapa kwandiri uye vakateerera shoko renyu.
7 現在他們已知道:凡你賜給我的,都是由你而來的,
Zvino vanoziva kuti zvinhu zvose zvamakandipa zvinobva kwamuri.
8 因為你所授給我的話,我都傳給了他們;他們也接受了,也確實知道我是出於你,並且信是你派遣了我。
Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa uye vakaagamuchira. Vakaziva zvechokwadi kuti ndakabva kwamuri, uye vakatenda kuti makandituma.
9 我為他們祈求,不為世界祈求,只為你賜給我的人祈求,因為他們原是屬於你的。
Ndinovanyengeterera. Handisi kunyengeterera nyika, asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu.
10 我的一切都是你的,你的一切都是我的: 因他們已受到了光榮。
Zvose zvandinazvo ndezvenyu, uye zvose zvamunazvo ndezvangu. Uye kukudzwa kwakauya kwandiri kubudikidza navo.
11 從今以後,我不在世界上了,但他們仍在世界上,我卻到你那裏去。聖父啊! 求你因你的名,保全那些你所賜給我的人,使他們合而為一,正如我們一樣。
Ini handichagarizve munyika, asi ivo vachiri munyika, uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vadzivirirei nesimba rezita renyu, zita ramakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe.
12 當我和他們同在時,我因你的名,保全了你所賜給我的人,護衛了他們,其中除了那喪亡之子,沒有喪亡一個,這是應驗經上的話。
Pandainge ndiinavo, ndakavadzivirira uye ndikavachengeta zvakanaka nezita ramakandipa. Hakuna akarasika kunze kwouyo akatongerwa kuparadzwa kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe.
13 但如今我到你那裏去,我在世上講這話,是為叫他們的心充滿我的喜樂。
“Zvino ini ndiri kuuya kwamuri, asi ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri munyika, kuitira kuti vave nomufaro wangu wakazara mukati mavo.
14 我己將你的話授給了他們,世界卻憎恨他們,因為他們不屬於世界,就如我不屬於世界一樣。
Ndakavapa shoko renyu uye nyika yakavavenga, nokuti havachisiri venyika sezvandisiri wenyika.
15 我不求你將世界上撤去,只求你保護他們脫免邪惡。
Munyengetero wangu hausi wokuti muvabvise panyika asi kuti muvadzivirire pane akaipa.
16 他們不屬於世界,就如我不屬於世界一樣。
Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.
17 求你以真理祝聖他們,你的話就是真理。
Vaitei vatsvene nechokwadi chenyu; shoko renyu ndiro chokwadi.
18 就如你派遣我到世界上來,照樣我也派遣他們到世界上去。
Sezvamakandituma munyika, neniwo ndakavatuma munyika.
19 我為他們祝聖我自己,為叫他們也因真理而被祝聖。」「
Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuti naivowo vaitwe vatsvene muzvokwadi.
20 我不但為他們祈求,而且也為那些因他們的話而信從我的人祈求。
“Munyengetero wangu hausi waava voga. Ndinonyengetererawo avo vachazotenda kwandiri kubudikidza nemharidzo yavo,
21 願眾人都合而為一! 父啊! 願他們在我們內合而為一,就如內你在我內,我在你內,為叫世界相信是你派遣了我。
kuti vose vave vamwe, Baba, sezvo imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri. Naivowo ngavave matiri kuitira kuti nyika igotenda kuti makandituma.
22 我將你賜給我的光榮賜給了他們,為叫他們合而為一,就如我們原為一體一樣。
Ndakavapa kubwinya kuya kwamakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe:
23 我在他們內,你在我內,使他們完全合而為一,為叫世界知道是你派遣了我,並且你愛了他們,如愛了我一樣。
imi mavari uye imi mandiri. Ngavakwaniswe muhumwe kuti nyika izive kuti makandituma uye makavada kunyange sezvamakandida ini.
24 父啊! 你所賜給我的人,我願我在那裏,他們也同我在一起,使他們享見你所賜給我的光榮,因為你在創世之前,就愛了我。
“Baba, ndinoda kuti vaya vamakandipa vave neni pandinenge ndiri, uye kuti vaone kubwinya kwangu, iko kubwinya kwamakandipa nokuti makandida nyika isati yasikwa.
25 公義的父啊! 世界沒有認識你,我卻認識了你,這些人也知道是你派遣了我。
“Baba vakarurama, kunyange nyika isingakuziviyi, ini ndinokuzivai, uye ivo vanoziva kuti makandituma.
26 我已將你的名宣示給他們了,我還要宣示,好使你愛我的愛,在他們內,內我也在他們內。」
Ndakakuzivisai kwavari, uye ndicharamba ndichiita kuti vakuzivei kuitira kuti rudo rwamakandida narwo rwuve mavari uye kuti ini pachangu ndive mavari.”

< 約翰福音 17 >