< 約伯記 5 >
1 任你呼求,看有誰答應你﹖諸聖者中,看你轉向那一位﹖
“Chidana zvino kana uchida, asi ndianiko achadavira? Uchadzokera kuno upiko wavatsvene?
Kutsamwa kunouraya benzi, uye godo rinouraya asina mano.
Ini pachangu ndakaona benzi richidzika midzi, asi pakarepo imba yake yakatukwa.
4 他的子女,無人支援,在城門前被踐踏,無人救護。
Vana vake havana kuchengetedzeka, vanopwanyiwa padare vasina anovarwira.
5 他們收穫的,飢餓者來吃;且將剩餘的,搶去儲存;他們的財富,為口渴者喝盡。
Vane nzara vanodya zvaakacheka, vachizvitora kunyange pakati peminzwa, uye vane nyota vanodokwairira pfuma yake.
Nokuti kutambudzika hakubudi muvhu, uye nhamo haimeri muvhu.
Asi munhu anoberekerwa nhamo, zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro.
“Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.
9 他所作的大事,高深莫測;他所行的奇事,不可勝數:
Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
Anopa mvura panyika; anotuma mvura pamusoro penyika.
Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira, uye vaya vanochema vanosimudzirwa kuchinzvimbo chokuchengetedzwa.
Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri, kuitira kuti maoko avo abate pasina.
13 以智者的計謀捕捉智者,使奸猾人的策畫即時成空;
Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo, uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa.
Rima rinosvika pamusoro pavo masikati; vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.
15 他搭救被剝削者脫離人口,挽救窮人擺脫強暴的手。
Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo; anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.
Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wako.
17 的確,天主所懲戒的人是有福的:全能者的訓戒,你不可忽視。
“Akaropafadzwa munhu anogadziridzwa zvaari naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.
18 因為他打傷了,而又包紮傷口;他擊碎了,而又親手治療。
Nokuti anopa vanga, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.
19 你六次遭難,他次次拯救;到第七次,災難不會臨於你。
Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu; kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira.
20 饑饉中,他必救你不死;戰爭中,必使你得免刀劍。
Munzara achakudzikinura kubva parufu, uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.
21 唇槍舌劍,你必能躲藏;大難來臨,你不必張惶;
Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi, uye haungatyi panosvika kuparadza.
22 對大難和饑荒,你可置之一笑;對地上的野獸,也不用驚惶。
Uchaseka kuparadza nenzara, uye haufaniri kutya zvikara zvenyika.
23 你將與田野的頑石立約,曠野的猛獸必與你和好。
Nokuti uchaita sungano namabwe esango, uye zvikara zvesango zvichava norugare newe.
24 你將見到你的帳幕平安無恙,察看羊欄時,一無所失。
Uchaziva kuti tende rako rakasimba, uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana.
Uchaziva kuti vana vako vachava vazhinji, uye zvizvarwa zvako zvichaita souswa hwenyika.
Uchasvika paguva une simba guru, sezvisote zvakaunganidzwa panguva yazvo.
27 看,這是我們所觀察的真理,你若細聽,自會獲益良多。
“Takazviedza izvi, uye ndezvechokwadi. Saka chizvinzwa ugozviita iwe pachako.”