< 約伯記 38 >

1 上主由旋風中向約伯發言說:
Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati:
2 用無知的話,使我的計劃模糊不明的是誰﹖
“Ndianiko uyu anodzimaidza zano rangu namashoko asina zivo?
3 你要像勇士束好你的腰,我要問你,請指教我!
Chizvishingisa somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.
4 我奠定大地的基礎時,你在那裏﹖你若聰明,儘管說罷!
“Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa.
5 你知道是誰制定了地的度量,是誰在地上拉了準繩﹖
Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi?
6 地的基礎置在何處,是誰立了地的角石﹖
Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai, kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona,
7 當時星辰一起歌詠,天主的眾子同聲歡呼!
panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete, uye vanakomana vaMwari vose vachipembera nomufaro?
8 海水洶湧如出母胎時,是誰用門將海關閉﹖
“Ndianiko akapfigira gungwa mikova parakatsemuka richibva muchizvaro,
9 是我用雲彩作海的衣裳,用濃霧作海的襁褓。
pandakaita makore kuti ave nguo yaro, uye ndikariputira murima guru,
10 是我給海劃定了界限,設立了門和閂,
pandakariisira miganhu yaro, uye ndikaisa makonhi aro namazariro panzvimbo yawo,
11 並下令說:「你到此為止,不得越過;你的狂潮到此為止。」
pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri; pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’?
12 你有生之日,何嘗給晨光出過命令,又何嘗使曙光知道它之所在﹖
“Wakambopa mutemo kumangwanani here, kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo,
13 何嘗使光握緊大地四角,將惡人從那裏抖出去﹖
kuti abate mipendero yenyika, uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi?
14 曙光改變大地,如在膠泥上蓋印;使萬物出現,如著錦衣;
Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo.
15 撤去惡人的光明,折斷高舉的手。
Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika.
16 你曾否到過海的源流,走過深淵的底處﹖
“Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika?
17 死亡的門給你開啟過嗎﹖你見過死影之門嗎﹖
Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here? Wakamboona masuo omumvuri worufu here?
18 你知道大地的廣闊嗎﹖你若知道,請你說罷!
Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here? Ndiudze kana uchiziva zvose izvi.
19 赴光明之所的路是那一條,黑暗的住處在那裏﹖
“Ko, nzira inoenda kunogara chiedza ndeipi? Ko, rima rinogarepi?
20 你知道如何引導黑暗到自己的境地,領黑暗回到自己居所的道路上嗎﹖
Ungagona kuzviisa kunzvimbo yazvo here? Unoziva nzira inoenda kwazvinogara here?
21 你總該知道,因為你那時已誕生了,而你的年歲已很高。
Zvirokwazvo iwe unoziva, nokuti wakanga waberekwa kare! Wararama kwamakore mazhinji kwazvo.
22 你到過雪庫,見過雹倉嗎﹖
“Wakambopinda mudura rechando here, kana kuona dura rechimvuramabwe,
23 那是我為降災之時,為戰爭之日所存放的。
izvo zvandakachengetera nguva dzokutambudzika, mazuva ehondo neokurwa?
24 雲霧由那條路散開,東風由那條路吹往大地﹖
Ko, nzira inoenda kunogoverwa mheni ndeipi, kana nzvimbo inoparadzirwa mhepo dzokumabvazuva pamusoro penyika?
25 誰為暴雨啟開閘門,誰為雷電指示道路,
Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji, nenzira yechimvuramabwe,
26 好使雨落在無人之境,降在無人的荒野,
kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu, gwenga risina munhu mariri,
27 為潤澤荒野乾旱之地,好使原野中的綠草生長﹖
kugutsa nyika yakaparadzwa nokuita kuti imere uswa?
28 雨有父親嗎﹖誰生了露珠﹖
Ko, mvura ina baba here? Ndianiko baba vemadonhwe edova?
29 冰出自誰的胎﹖天上的霜是誰生的﹖
Chando chinobva muchizvaro chaaniko? Ndianiko anobereka mazaya echando achibva kudenga,
30 水怎樣凝結如石﹖深淵的表面怎樣固結﹖
panooma mvura ikaita sedombo, pamusoro pokwakadzika pachioma nechando?
31 你豈能栓住昂宿的紐結,解開參星的繩索﹖
“Ungagona kusunga nyeredzi dzeChimutanhatu here? Iwe ungasunungura mabote eOrioni here?
32 你豈能使晨星按時升出,引導北斗和它的星群﹖
Ungabudisa mapoka enyeredzi panguva yadzo here, kana kutungamirira Akuturo navana vayo?
33 你豈知道天體的定律,立定天律以管治大地﹖
Unoziva mitemo yokumatenga here? Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here?
34 你豈能使你的聲音上達雲霄,使雨水沛然降在你處﹖
“Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here, uye ugozvifukidza namafashamu emvura?
35 你能否一發令,閃電就發出,且向你說:「我們在這裏﹖」
Ko, iwe unotuma mheni panzira yayo here? Ko, zvinodzoka kuzokuzivisa iwe here kuti isu tiri pano?
36 誰將聰明給與鸛鳥,將智慧賦與雄雞﹖
Ndianiko akaisa uchenjeri mumwoyo, kana kupa kunzwisisa kundangariro?
37 誰能憑智力數清雲彩,能傾倒天上的水囊﹖
Ndianiko ane uchenjeri hwokuverenga makore? Ndianiko angagona kuteura matende emvura okudenga,
38 當土壤堅固,泥塊凝結之時,
kana guruva raoma, uye mavhinga enyika anamatirana?
39 你是否能為牝獅獵取食物,滿足幼獅的食慾﹖
“Ko, iwe ungavhimira shumbakadzi chokudya here, uye ungagutsa shumba panzara yadzo here,
40 當獅子伏於洞穴,臥於叢林埋伏的時候,
kana dzichitsivama mumapako adzo kana kuti dzakavandira mudenhere?
41 當雛鴉無食,往還飛翔,向天主哀鳴的時候,誰能為烏鴉備食﹖
Ndianiko anopa gunguo zvokudya kana vana varo vachichema kuna Mwari, uye vachidzungaira pose pose nokushayiwa zvokudya?

< 約伯記 38 >