< 約伯記 38 >
Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati:
“Ndianiko uyu anodzimaidza zano rangu namashoko asina zivo?
Chizvishingisa somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.
4 我奠定大地的基礎時,你在那裏﹖你若聰明,儘管說罷!
“Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa.
5 你知道是誰制定了地的度量,是誰在地上拉了準繩﹖
Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi?
Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai, kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona,
panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete, uye vanakomana vaMwari vose vachipembera nomufaro?
“Ndianiko akapfigira gungwa mikova parakatsemuka richibva muchizvaro,
pandakaita makore kuti ave nguo yaro, uye ndikariputira murima guru,
pandakariisira miganhu yaro, uye ndikaisa makonhi aro namazariro panzvimbo yawo,
11 並下令說:「你到此為止,不得越過;你的狂潮到此為止。」
pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri; pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’?
12 你有生之日,何嘗給晨光出過命令,又何嘗使曙光知道它之所在﹖
“Wakambopa mutemo kumangwanani here, kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo,
kuti abate mipendero yenyika, uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi?
14 曙光改變大地,如在膠泥上蓋印;使萬物出現,如著錦衣;
Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo.
Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika.
“Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika?
Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here? Wakamboona masuo omumvuri worufu here?
Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here? Ndiudze kana uchiziva zvose izvi.
“Ko, nzira inoenda kunogara chiedza ndeipi? Ko, rima rinogarepi?
20 你知道如何引導黑暗到自己的境地,領黑暗回到自己居所的道路上嗎﹖
Ungagona kuzviisa kunzvimbo yazvo here? Unoziva nzira inoenda kwazvinogara here?
21 你總該知道,因為你那時已誕生了,而你的年歲已很高。
Zvirokwazvo iwe unoziva, nokuti wakanga waberekwa kare! Wararama kwamakore mazhinji kwazvo.
“Wakambopinda mudura rechando here, kana kuona dura rechimvuramabwe,
izvo zvandakachengetera nguva dzokutambudzika, mazuva ehondo neokurwa?
Ko, nzira inoenda kunogoverwa mheni ndeipi, kana nzvimbo inoparadzirwa mhepo dzokumabvazuva pamusoro penyika?
Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji, nenzira yechimvuramabwe,
kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu, gwenga risina munhu mariri,
kugutsa nyika yakaparadzwa nokuita kuti imere uswa?
Ko, mvura ina baba here? Ndianiko baba vemadonhwe edova?
Chando chinobva muchizvaro chaaniko? Ndianiko anobereka mazaya echando achibva kudenga,
panooma mvura ikaita sedombo, pamusoro pokwakadzika pachioma nechando?
“Ungagona kusunga nyeredzi dzeChimutanhatu here? Iwe ungasunungura mabote eOrioni here?
Ungabudisa mapoka enyeredzi panguva yadzo here, kana kutungamirira Akuturo navana vayo?
Unoziva mitemo yokumatenga here? Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here?
34 你豈能使你的聲音上達雲霄,使雨水沛然降在你處﹖
“Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here, uye ugozvifukidza namafashamu emvura?
35 你能否一發令,閃電就發出,且向你說:「我們在這裏﹖」
Ko, iwe unotuma mheni panzira yayo here? Ko, zvinodzoka kuzokuzivisa iwe here kuti isu tiri pano?
Ndianiko akaisa uchenjeri mumwoyo, kana kupa kunzwisisa kundangariro?
Ndianiko ane uchenjeri hwokuverenga makore? Ndianiko angagona kuteura matende emvura okudenga,
kana guruva raoma, uye mavhinga enyika anamatirana?
“Ko, iwe ungavhimira shumbakadzi chokudya here, uye ungagutsa shumba panzara yadzo here,
kana dzichitsivama mumapako adzo kana kuti dzakavandira mudenhere?
41 當雛鴉無食,往還飛翔,向天主哀鳴的時候,誰能為烏鴉備食﹖
Ndianiko anopa gunguo zvokudya kana vana varo vachichema kuna Mwari, uye vachidzungaira pose pose nokushayiwa zvokudya?