< 約伯記 32 >

1 因為約伯自以為義,那三個友人就不再回答他。
Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake.
2 那時,有個布次蘭族的人,他是巴辣革耳的兒子厄里烏,為了約伯在天主前自以為義人,便大為憤怒;
Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari.
3 同時也對約伯的三個友人大為震怒,因為他們找不到適當的答覆,又以天主為不公。
Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva.
4 厄里烏先等他們同約伯講完話,因為他們都比他年老。
Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari.
5 他一見他們三人無話可說:遂大為憤怒。
Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.
6 於是布次人巴辣革耳的兒子厄里烏發言說:我年齡小,你們年紀大,故此我退縮畏懼,不敢在你們前表示我的見解。
Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.
7 我心想:「老人應先發言,年高者應教人智慧。」
Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’
8 但人本來都具有靈性,全能者的氣息賦與人聰明;
Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.
9 並不是年高者就有智慧,老年人就通曉正義。
Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.
10 故此我請你們且聽我說,我也要表示我的見解。
“Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; neniwo ndichakuudzai zvandinoziva.
11 直到如今,我等待你們講話,靜聽你們的理論,等待你們尋出適當的言詞;
Ndakambomirira pamaitaura, ndakateerera pfungwa dzenyu; pamakanga muchitsvaka mashoko,
12 但現今我已明白看出了,你們中沒一個能駁倒約伯,能回答他的話的。
ndakanyatsokuteererai. Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho; hakuna pamuri akapindura mashoko ake zvinogutsa.
13 你們不要說:「我們尋到了智慧! 只有天主可說服他,人卻不能。」
Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri; regai Mwari amukonese, kwete munhu.’
14 我決不那樣辯論,也決不以你們說的話答覆他。
Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri, uye handingamupinduri namashoko enyu.
15 他們已心亂,不能再回答,且已窮於辭令。
“Vashamiswa uye havachina chokureva; vapererwa namashoko.
16 他們已不再講話了,他們已停止,不再答話了,我還等什麼﹖
Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara, zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?
17 現在我要開始講我的一段話,表示出我的見解。
Neniwo ndichava nechokutaura; neniwo ndichareva zvandinoziva.
18 因為我覺著充滿了要說的話,內心催迫著我。
Nokuti ndizere namashoko, uye mweya uri mandiri unondimanikidza;
19 看啊! 我內心像尋覓出口的新酒,要將新酒囊爆裂。
mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa, sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.
20 我一說出,必覺輕鬆,我定要開口發言。
Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe; ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.
21 我決不顧情面,也決不奉承人。
Handina munhu wandichatsaura, uye handingabati kumeso munhu upi zvake;
22 因為我不會奉承,不然,造我者必立即將我消滅。
nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso, Muiti wangu aizokurumidza kunditora.

< 約伯記 32 >