< 約伯記 28 >
“Mugodhi wesirivha uripo, nenzvimbo inonatswa goridhe.
Simbi inocherwa pasi, uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura.
3 人給黑暗制定了界限,探討幽暗陰晦的堅石,挖至地層深處。
Munhu anoita kuti rima ripere; anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko, mhangura iri murima rakasviba kwazvo.
4 在無人居住之處開鑿礦穴,上面過路的人,也想不到他們遠離人間,身懸半空,搖擺不定。
Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu, kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu; kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku.
Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi, inoshandurwa nechapasi seinoshandurwa nemoto,
safire inobva mumatombo ayo, uye guruva rayo rine upfu hwegoridhe,
Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika, hakuna ziso rorukodzi rakaiona.
Mhuka dzinozvikudza hadziisi rutsokapo, uye hakuna shumba inofambapo.
Ruoko rwomunhu runorova dombo romusarasara uye ronoisa midzi yamakomo pachena.
Anochera mugero nomumatombo; meso ake anoona pfuma yawo yose.
Anotsvakisisa panotangira nzizi uye anobudisa zvinhu zvakavanzika pachena.
“Asi uchenjeri hungawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?
Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo; hahungawanikwi munyika yavapenyu.
14 深淵說:「她不在我這裏。」海洋說:「她不與我同域。」
Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’ Gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’
15 她非精金所能購買,也不能稱量銀子作她的代價。
Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka, uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha.
16 敖非爾金不能與她較量,寶石和碧玉也不能與她相比。
Hahungatengwi negoridhe reOfiri, namatombo anokosha eonikisi kana esafire.
17 黃金與琉璃不能與她同列,純金的器皿也不能與她交換。
Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari, uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe.
Korari nejasipa hazvingatongorehwi; mutengo wouchenjeri unokunda maparera.
19 雇士的黃玉不足與她相比,純金也不能與她較量。
Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo; hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka.
“Zvino uchenjeri hunobvepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?
Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose, zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga.
22 毀滅」與「死亡」都說:「我們只風聞過她的聲望。」
Kuparadza noRufu zvinoti, ‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’
Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri, uye ndiye oga anoziva kwahunogara,
nokuti anoona magumo enyika, uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga.
Paakasimbisa simba remhepo uye akayera mvura,
paakaita chirevo chemvura negwara rokutinhira wemheni,
ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera; akahusimbisa uye akahuedza.
28 然後對人說:「看,敬畏上主,就是智慧;遠離邪惡,就是明智。」
Zvino akati kumunhu, ‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri, uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’”