< 約伯記 11 >
Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:
2 難道喋喋不休,就不需要答覆﹖難道多嘴多舌的人,就證明有理﹖
“Mashoko aya ose haangapindurwi here? Ko, mutauri uyu anofanira kushayirwa mhosva here?
3 你的空談,豈能叫人緘默﹖你如此謾罵,難道無人使你羞愧﹖
Ko, kubvotomoka kwako kunganyaradza vanhu here? Ko, pangashaya anokutsiura paunenge uchituka here?
4 你說過:「我的品行是純潔的,我在你眼中是清白的。」
Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama uye ndakachena pamberi penyu.’
Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura, kuti dai ashamisa hake muromo wake pamusoro pako,
6 將智慧的秘密,-即那難以理解的事-啟示給你,那麼你便知道,天主還忽略了你的一些罪過。
uye akuzarurire zvakavanzika zvouchenjeri, nokuti uchenjeri hwechokwadi huri paviri. Uzive izvi: Mwari akatokanganwa kare zvimwe zvivi zvako.
“Ko, unganzwisisa zvakavanzika zvaMwari here? Unganzwisisa panogumira Wamasimba Ose here?
8 完美高於諸天,你能作什麼﹖深於陰府,你能知道什麼﹖ (Sheol )
Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko? (Sheol )
Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika uye zvakapamhama kupfuura gungwa.
10 天主若經過,誰能扣留他﹖他若下了逮捕令,誰能阻擋他﹖
“Kana iye akasvika akakupfigira mujeri uye akakoka dare remhosva, ndianiko angapikisana naye?
Zvirokwazvo anoziva vanhu vanonyengera; uye paanoona chakaipa, anoshaya hanya here?
12 如此,愚蠢者纔可獲得智慧,野性驢駒纔能變為馴良。
Asi munhu asina kuchenjera haangagoni kuva akangwara sezvo zvisingagoneki kuti mwana wembizi angaberekwa nomunhu.
“Asi kana mwoyo wako ukazvipira kwaari, uye ukatambanudzira maoko ako kwaari,
14 你若將手中的罪惡除掉,不容不義留在你的帳幕內;
kana ukaisa kure chivi chiri muruoko rwako, uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako,
15 那麼你定能仰首無愧,一定站立穩定,一無所懼;
ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi, uchamira wakasimba uye usingatyi.
Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako, uchangoirangarira semvura yakaerera.
Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru, uye rima richaita samangwanani.
18 因有希望,你纔感覺安全;因有保護,你纔坦然躺臥;
Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko; ucharinga-ringa ugozorora murugare.
19 你躺臥,無人敢來擾亂你,反而有多人來奉承你。
Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa, uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako.
20 然而惡人的眼必要昏花,他們安身之所必全毀壞,他們的希望只在吐出最後的一口氣。
Asi meso avakaipa achaneta, uye vachashayiwa kwokutizira; tariro yavo ichava yokufa.”