< 約伯記 10 >
1 我實在厭惡我的生活,我要任意苦訴我的怨情,傾吐我心中的酸苦。
“Ndinosema upenyu hwangu chaihwo, naizvozvo ndicharega kunyarara pakunyunyuta kwangu ndigotaura mukushungurudzika kwemwoyo wangu.
2 我要對天主說:不要定我的罪! 請告訴我:你為何與我作對﹖
Ndichati kuna Mwari: Musandiwanira mhosva asi mundiudze mhaka yangu nemi.
3 你對親手所造的,加以虐待和厭棄,卻顯揚惡人的計劃,為你豈有好處﹖
Ko, kundimanikidza kunokufadzai, kuti muzvidze basa ramaoko enyu, muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here?
Ko, imi muna meso enyama here? Munoona sokuona kunoita munhu anofa here?
Ko, mazuva enyu akaita seavaya vanofa, kana makore enyu samakore omunhu,
kuti muongorore mhosva yangu uye mutsvage chivi changu,
7 其實你知道我並沒有罪過,也知道無人能拯救我脫離你的掌握。
kunyange muchiziva kuti handina mhosva, uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here?
8 你親手形成了我,創造了我;此後你又轉念想消滅我。
“Maoko enyu akandiumba uye akandigadzira. Zvino modzoka kuzondiparadza here?
9 求你記憶:你造我時就像摶泥,難道還使我歸於泥土﹖
Rangarirai kuti makandiumba sevhu. Zvino mondidzoserazve kuvhu here?
Hamuna kundidurura somukaka here uye mukandigwambisa sechizi,
11 用皮和肉作我的衣服,用骨和筋把我全身聯絡起來﹖
mukandifukidza neganda nenyama mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here?
12 是你將我生命的恩惠賜給了我,細心照顧維持了我的氣息。
Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni, uye nehanya yenyu mukachengeta mweya wangu.
“Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu, uye ndinoziva kuti izvi zvaiva mupfungwa dzenyu.
14 你監視我,看我是否犯罪;如果我有罪;你決不放過。
Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa, uye hamaizotendera kudarika kwangu kuti kurege kurangwa.
15 我若有罪,我就有禍了! 我若有義,也不敢抬頭,因為我已備嘗凌辱,吃盡苦頭。
Kana ndine mhosva, ndine nhamo! Kunyange dai ndisina mhosva, handingasimudzi musoro wangu, nokuti ndizere nenyadzi uye ndakanyura mukutambudzika kwangu.
16 我若抬頭,你就像獅子追捕我,向我表現你的奇能,
Kana ndikasimudza musoro wangu, imi munondironda sezvinoita shumba, uyezve munoratidza simba renyu rinotyisa pamusoro pangu.
Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosva uye munowedzera hasha dzenyu pamusoro pangu, hondo dzenyu dzinondirwisa, mapoka namapoka.
18 你為何叫我出離母胎﹖不如我那時斷氣,無人見我,
“Ko, zvino makandibudisirei mudumbu? Ndinoshuva kuti dai ndakafa hangu pasati pava neziso randiona.
19 就好像從未有過我一樣,一出母胎即被送入墳墓。
Dai chete ndakanga ndisina kumbovapo hangu, kana kuti ndakatakurwa ndichiendeswa kubwiro ndichangobva mudumbu ramai vangu!
Ko, mazuva angu haasi mashoma ava kutopera here? Ibvai kwandiri kuti ndimbofara hangu kwakanguva,
ndisati ndaenda kusingadzokwi, kunyika yerima nomumvuri wakadzama,
kunyika yerima guru, yomumvuri wakadzama nenyonganyonga, iko kunoti kunyange chiedza chakangofanana nerima.”