< 耶利米書 44 >
1 以下是關於住在埃及地,住在米革多耳,塔黑培乃斯、諾夫和帕特洛斯地的一切猶太人,傳給耶肋米亞的話:「
Shoko iri rakasvika kuna Jeremia pamusoro pavaJudha vose vakanga vagere zasi kweIjipiti, muMigidhori nomuTapanesi nomuNofi, nokumusoro kweIjipiti, richiti,
2 萬軍的上主,以色列的天主這樣說:你們看見了我對耶路撒冷和猶大各城召來的一切災禍,看,今日已成為無人居住的曠野。
“Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Makaona njodzi huru yandakauyisa pamusoro peJerusarema nomumaguta ose eJudha. Nhasi uno asiyiwa angova matongo
3 這是因為他們做了惹我動怒的惡事,向他們、你們和你們的祖先從不認識的外方神祇焚香敬拜;
nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Vakanditsamwisa nokuda kwokupisira zvinonhuhwira uye nokunamata vamwe vamwari vavasina kumboziva ivo kana imi kana madzibaba enyu.
4 雖然我早就不斷洽你們派遣我所有的先知僕人們說:你們切不可做我所憎恨的可惡之事!
Ndakatuma ndatumazve varanda vangu vaprofita kuti vati, ‘Regai kuita chinhu chinonyangadza chandinovenga!’
5 他們卻沒有側耳聽從,沒有放棄他們向外方神祇焚香的惡習。
Asi havana kunzwa kana kuteerera: havana kudzoka kubva pane zvakaipa zvavo kana kurega kupisa zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari.
6 於是我的憤恨如火發作,焚毀了猶大城市和耶路撒冷的街市,使她成為荒涼的曠野,有如今日。
Naizvozvo kutsamwa kwangu kunotyisa kwakadururwa; kukapisa maguta eJudha uye nenzira dzeJerusarema ndikazviparadza zvikava matongo sezvazvakaita nhasi.
7 現在,上主萬軍的天主以色列的天主這樣說:為什麼你們招來這樣大的災禍,加害自己,使你們中的男人、婦女、幼童、嬰兒,全由猶大滅絕,不給你們留下遺民﹖
“Zvino, zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Munouyisireiko njodzi yakakura kudai pamusoro penyu nokuparadzira kubva kuJudha varume navakadzi, navana, navacheche nokudaro muchisara musina kana nomumwe?
8 為什麼你們做惹我動怒的事,向你們來寄居的埃及地的外方神祇獻香,使你們自遭滅亡,成為普世萬民詛咒和恥笑的對象﹖
Munonditsamwisireiko nezvamunoita namaoko enyu, muchipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari vomuIjipiti kwamakaenda kundogara? Muchazviparadza pachenyu mukazviita chinhu chinotukwa nechinozvidzwa pakati pendudzi dzose dzepanyika.
9 難道你們忘了你們的祖先、猶大君王和他們的妻妾、你們自己和你們的女人,在猶大地和耶路撒冷街上犯的種種罪惡﹖
Makanganwa here zvakashata zvakaitwa namadzibaba enyu namadzimambo navanamambokadzi veJudha uye zvakashata zvakaitwa nemi navakadzi venyu munyika yeJudha nomunzira dzeJerusarema?
10 他們直到今日尚不後悔,也不畏懼,更不履行我給你們和你們的祖先頒布的法律和誡命。
Kusvikira pazuva ranhasi havana kuzvininipisa kana kuratidza rukudzo, kana kutevera murayiro wangu nezvirevo zvangu zvandakatema pamberi penyu napamberi pamadzibaba enyu.
11 為此,萬軍的上主,以色列的天主這樣說:看,我面向你們,是為降災,消滅整個猶大。
“Naizvozvo, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndafunga kuuyisa njodzi pamusoro penyu ndigoparadza Judha yose.
12 凡決意往埃及地去,要六那裏寄居的猶大遺民,我必要剷除,叫他們全死在埃及地,喪身刀下,饑餓而死;不分老幼都死於刀劍、饑荒,飽受憎恨、厭惡、詛咒和侮辱。
Ndichabvisa vakasara veJudha vakanga vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako. Vose vachafira muIjipiti, vachafa nomunondo kana kufa nenzara. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru, vachafa nomunondo kana nenzara. Vachava chinhu chinotukwa nechinosemwa, chinhu chinoshorwa nechinonyadzisa.
13 我必以刀劍、饑荒和瘟疫懲罰住在埃及地的人,如懲罰耶路撒冷一樣,
Ndicharanga vaya vanogara kuIjipiti nomunondo, nenzara uye nedenda sokuranga kwandakaita Jerusarema.
14 使前往寄居埃及的猶大遺民,無一能幸免逃脫,返回他們所渴望回去居住的猶大地;除少數脫身者外,他們不會回來了。」
Hakuna kuna vakasara veJudha vakaenda kunogara kuIjipiti vachapunyuka kana kurarama kuti vadzoke kunyika yeJudha, uko kwavanoshuva kuti vadzokere kundogara; hakuna achadzoka kunze kwavashoma vachatiza.”
15 於是凡知道自己的女人曾向外方神祇燒香的人,和一大群環立在旁的婦女,以及住在埃及地和帕特洛斯的全體人民,就答覆耶肋米亞說:「
Ipapo varume vose vaiziva kuti vakadzi vavo vaipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari, pamwe chete navakadzi vose vaivapo, ungano huru, navanhu vose vakanga vagere Kumusoro neZasi kweIjipiti, vakati kuna Jeremia,
“Hatingateereri shoko rawataura kwatiri muzita raJehovha!
17 至於凡出自我們口中的話,我們必定實行,給天后焚香奠酒,如同我們、我們的祖先、君王及首領,在猶大城和耶路撒冷街上所做的一樣;那時我們都豐衣足食,安享太平,不見災禍。
Zvirokwazvo tichaita zvinhu zvose zvatakati tichaita. Tichapisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga nokumudururira zvipiriso zvokunwa sezvatakaita isu namadzibaba edu, namadzimambo edu uye namachinda edu mumaguta eJudha nomunzira dzomuJerusarema. Panguva iyoyo takanga tine zvokudya zvizhinji uye takanga tigere zvakanaka tisina zvaitirwadza.
18 可是,自從我們斷絕向天后獻香,不給她奠酒以來,我們就什麼也缺乏,死於刀劍和饑荒。
Asi kubva patakamira kupisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga nokudururira zvipiriso zvokunwa kwaari, hapana chatakawana uye tanga tichingofa nomunondo nenzara.”
19 至於我們的女人向天后焚香奠酒,又那能沒有我們男人的同意,依照她的形狀,給她備製祭餅,向她奠酒呢﹖」
Vakadzi vakapamhidzira vachiti, “Patakapisira zvinonhuhwira kuna Mambokadzi woKudenga, uye tikadururira zvipiriso zvokunwa kwaari, varume vedu vakanga vasingazivi here kuti taimuitira makeke akaita somufananidzo wake uye tichimudururira zvipiriso zvinonwiwa?”
20 耶肋米亞便對全體人民,對答覆他的男人和婦女以及所有的人說:「
Ipapo Jeremia akati kuvanhu vose, varume navakadzi, vakanga vachimupindura,
21 難道你們、你們的祖先、君王、首領和地方上的人民,在猶大城和耶路冷街上燒香的事,上主就不記得了,再也不懷念在心了嗎﹖
“Ko, Jehovha haana kurangarira here uye akafunga pamusoro pezvinonhuhwira zvaipiswa mumaguta eJudha nomunzira dzeJerusarema nemi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu uye navanhu venyika?
22 上主再也不能容忍你們邪惡的行為,和你們做的可惡的事,為此你們的土地變成了荒野,成了驚愕和詛咒的對象,無人居住,有如今日:
Jehovha akati haasisina mwoyo murefu pakuipa kwezviito zvenyu nezvinhu zvinonyangadza zvamakaita, nyika yenyu ikava chinhu chinotukwa uye nedongo risina anogaramo, sezvazvakaita nhasi.
23 就因為你們燒香得罪了上主,不聽上主的勸告,不覆行他的法律、誡命和法令,纔給你們招來了像今日這樣的災禍。」
Nokuda kwokuti makapisira zvinonhuhwira uye makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera kana kutevera murayiro wake kana zvirevo zvake kana zvaakatema, njodzi iyi yaiswa pamusoro penyu sezvamunoona zvino.”
24 以後,耶肋米亞又對全體人民和全體婦女說:「凡在埃及境內的猶大人,請聽上主的話!
Ipapo Jeremia akati kuvanhu vose kusanganisira vakadzi, “Inzwai shoko raJehovha, imi vanhu vose veJudha vari muIjipiti.
25 萬軍的上主,以色列的天主這樣說:你們和你們的女人都要親手做你們親口說的事;你們說:我們決意實踐我們許的誓願,向天后燒香奠酒。你們就實踐你們的誓願,舉行你們的奠祭罷!
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Imi navakadzi venyu maratidza nezviito zvenyu, zvamakavimbisa pamakati, ‘Zvirokwazvo mhiko dzedu dzatakapika tichadzizadzisa nokupisa zvinonhuhwira uye nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna Mambokadzi woKudenga.’ “Endererai henyu mberi zvino, itai zvamakavimbisa! Chengetai mhiko dzenyu!
26 但是,所有住在埃及地的猶大人,你們且聽上主的話:看,我以我偉大的名起誓──上主說:在埃及全地任何猶大人的口中,不會再呼號我名說:我主上主永在!
Asi inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha mose munogara muIjipiti: ‘Ndinopika nezita rangu guru,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti hakuna anobva kuJudha agere papi napapi zvapo muIjipiti achadana zita rangu kana kupika achiti: “Zvirokwazvo naIshe Jehovha mupenyu,”
27 看,我注視他們,是為降災,不是為賜福,使在埃及地所有的猶大人,都死於刀劍饑荒,徹底消滅;
Nokuti ndinovarindira kuti ndivaitire zvakaipa kwete zvakanaka, vaJudha vari muIjipiti vachafa nomunondo uye nenzara kusvikira vose vaparadzwa.
28 即使有逃脫刀劍,從埃及地回到猶大的人,為數也寥寥無幾。到埃及地來寄居的全體猶大遺民,終於會知道:誰的話要應驗,是我的還是他們的。
Avo vachapunyuka pamunondo vakadzokera kunyika yeJudha vachibva kuIjipiti vachava vashoma kwazvo. Ipapo vose vakasara vavaJudha vakauya kuzogara kuIjipiti vachaziva kuti shoko rinogara nderani, rangu kana ravo.
29 這為你們是個徵兆──上主的斷語──就在這地方我要懲罰你們,叫你們知道:我對你們要降災的話,必要絕對應驗。
“‘Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri chokuti ndichakuranga panzvimbo ino,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuitira kuti muzive kuti mashoko eyambiro yangu pamusoro penyu achamira zvirokwazvo.’
30 上主這樣說:看,我必將埃及王法郎曷斐辣交在他仇人和圖謀他性命的人手中,就如我曾將猶大王漆德克雅,交在他仇人和圖謀他性命的巴比倫王拿步高的手中一樣。」
Zvanzi naJehovha: ‘Ndiri kuisa Faro Hofira mambo weIjipiti mumaoko avavengi vake vanotsvaka kumuuraya, sezvandakaita Zedhekia mambo weJudha mumaoko aNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, iye muvengi akanga achitsvaka kumuuraya.’”