< 耶利米書 41 >

1 到了七月,厄里沙瑪的孫子,乃塔尼雅的兒子依市瑪耳──他是王家的後代,是君王的大臣──帶了十個人來到米茲帕阿希甘的兒子革達里雅那裏;當他們在米茲帕一同進餐時,
Mumwedzi wechinomwe, Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, uyo akanga ari worudzi rwamambo, uye akanga ari mumwe wamachinda amambo, akauya ane varume gumi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, paMizipa. Vachiri kudya pamwe chete ipapo,
2 乃塔尼雅的兒子依市瑪耳和他帶來的十個人就起來,拔刀擊殺了巴比倫王委派管理地方的沙番的孫子,阿希甘的兒子革達里雅。
Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume gumi vakanga vanaye vakasimuka vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya iye akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wenyika iyo.
3 凡在米茲帕與達里雅在一起的猶太人,和在那裏偶然相遇的加色丁兵士,依市瑪耳也都擊殺了。
Ishumaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naGedharia paMizipa, pamwe chete navarwi veBhabhironi vaivapo.
4 革達里雅被害後第二天,人尚一無所知。
Zuva rakatevera kuurayiwa kwaGedharia, pasati pava nomunhu aizviziva,
5 有八十個人從舍根、史羅、撒瑪黎雅前來,都剃去了鬍鬚,撕破了衣服,割傷了身體,手裏拿著素祭祭品和乳香,要帶到上主殿宇去,
varume makumi masere vaibva kuShekemu, neShiro neSamaria vakasvikapo vakaveura ndebvu dzavo, vakabvarura nguo dzavo uye vakazvicheka-cheka, vachiuya nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuhwira kuimba yaJehovha.
6 沿途且走且哭。乃塔尼雅的兒子依市瑪耳從米茲帕出來迎接他們,一遇見他們就對他們說:「你們往阿希甘的兒子革達里雅那裏去罷! 」
Ishumaeri mwanakomana waNetania akabuda paMizipa kuti andovachingamidza, akafamba achichema. Paakasangana navo, akati kwavari, “Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.”
7 他們到了城市中心,乃塔尼雅的兒子依市瑪耳和自己的部下就將他們殺了,扔在蓄水池裏。
Vakati vapinda muguta, Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vakanga vanaye vakavauraya ndokuvakanda mugomba.
8 其中有十個人卻對依市瑪耳說:「不要殺害我們,因為我們在田野裏藏有油、蜜、大麥和小麥。」他遂即住手,沒有將他們與他們的弟兄一同殺掉。
Asi vamwe vavo gumi vakati kuna Ishumaeri, “Musatiuraya! Isu tine gorosi nebhari, namafuta uye nouchi, zvakavigwa musango.” Naizvozvo akavarega akasavauraya pamwe chete navamwe.
9 依市瑪耳將所殺之人的屍首,丟在那裏的一個蓄水池內,那是一個很大的蓄水池,原是阿撒君王為對抗以色列君王巴厄沙而建造的;乃塔尼雅的兒子依市瑪耳用自己所殺之人的屍首填滿了這蓄水池。
Zvino gomba raakakandira mitumbi yose yavarume vaakanga auraya pamwe chete naGedharia ndiro rakanga racherwa naMambo Asa kuti azvidzivirire kubva kuna Bhaasha mambo weIsraeri. Ishumaeri mwanakomana waNetania akarizadza navakaurayiwa.
10 以後依市瑪耳擄去了留在米茲帕的遺民和王室閨秀,以及還留在米茲帕所有的人民:這些人,原是衛隊長乃步匝辣當委託給阿希甘的兒子革達里雅的;乃塔尼雅的兒子依市瑪耳卻將他們擄走,投往阿孟子民那裏去。
Ishumaeri akatapa vanhu vose vakanga vari paMizipa, vanasikana vamambo pamwe chete navamwe vose vakanga vasara ikoko, vaiswa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi pasi paGedharia mwanakomana waAhikami. Ishumaeri mwanakomana waNetania akavatapa ndokubvapo achida kuti ayambukire kuvaAmoni.
11 卡勒亞的兒子約哈南和隨從他的其餘部隊首領,得知乃塔尼雅的兒子依市瑪耳所做的一切惡事,
Johanani mwanakomana waKarea namachinda ose ehondo vaiva naye vakati vanzwa pamusoro pemhaka dzose dzakanga dzaparwa naIshumaeri mwanakomana waNetania,
12 就帶領自己所左的部下,去攻擊乃塔尼雅的兒子依市瑪耳,在基貝紅大水池旁與他相遇。
vakatora varume vose ndokuenda kundorwa naIshumaeri mwanakomana waNetania. Vakanomubatira pedyo nedziva guru reGibheoni.
13 與依市耳瑪在一起的全體人民,一見卡勒亞的兒子約哈南和隨他前來的眾部隊首領,無不喜出望外。
Vanhu vose vaiva naIshumaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea navakuru vehondo vakanga vainaye, vakafara.
14 依市瑪耳從米茲帕擄來的全體人民,都轉身歸順卡勒亞的兒子約哈南;
Vanhu vose vakanga vatapwa naIshumaeri paMizipa vakadzoka vakaenda kuna Johanani mwanakomana waKarea.
15 只有乃塔尼雅的兒子依市瑪耳和八個人,由約哈南面前逃脫,跑到阿孟子民那裏去了。
Asi Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vasere vakapunyuka kubva kuna Johanani vakatizira kuvaAmoni.
16 卡勒亞的兒子約哈南與隨從自己的眾部隊首領,就接收了乃塔尼雅的兒子依市瑪耳,在謀害阿希甘的兒子革達里雅後,從米茲帕擄走的全部遺民,能作戰的男子和婦女,幼童及宦官,從基貝紅將他們帶回來,
Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatungamirira vose vakasara kubva paMizipa avo vaakanga anunura kubva kuna Ishumaeri mwanakomana waNetania shure kwokunge auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti: varwi, vakadzi, vana namachinda edare vaakanga abva navo kuGibheoni.
17 一路前行,在靠近白冷的革魯特基默罕住下,有意進入埃及,
Vakaenderera mberi ndokunomira vava paGeruti Kimihami pedyo neBheterehema parwendo rwavo rwokuenda kuIjipiti
18 遠避加色丁人。他們實在害怕見到加色丁人,因為乃塔尼雅的兒子依市瑪耳,謀殺了巴比倫王委派管理地方的阿希甘的兒子革達里雅。
kuti vatize vaBhabhironi. Vakanga vachitya nokuti Ishumaeri mwanakomana waNetania akanga auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, uyo akanga agadzwa kuti ave mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.

< 耶利米書 41 >