< 雅各書 1 >
1 天主及主耶穌基督的僕人雅各伯,祝散居的十二支派安好。
Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri ari mukupararira: Kwaziwai.
2 我的弟兄們,幾時你們落在各種試探裏,要認為是大喜樂,
Zvitorei semufaro wese, hama dzangu, kana muchiwira mumiedzo yakasiyana-siyana,
3 因為你們應知道:你們的信德受過考驗,纔能生出堅忍。
muchiziva kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunobudisa kutsungirira;
4 但這堅忍又必須有完美的實行,好使你們既成全而又完備,毫無缺欠。
asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakapedzeredzwa nekukwana, musingatairi pachinhu.
5 你們中誰若缺乏智慧,就該向那慷慨施恩於眾人,而從不責斥的天主祈求,天主必賜給他。
Uye kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopavhurira vese, uye asingatuki, zvino achadzipiwa.
6 不過,祈求時要有信心,決不可懷疑,因為懷疑的人,就像海裏的波濤,被風吹動,翻騰不已。
Asi ngaakumbire murutendo, asiri asina chokwadi nechinhu; nokuti asina chokwadi wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richidzungaidzwa.
Nokuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu kuna Ishe.
Murume ane moyo miviri anoshanduka-shanduka panzira dzake dzese.
Asi hama yakaderera ngaizvikudze pakukudzwa kwake;
10 富有的,卻要因自卑而誇耀,因為他要過去,如同草上的花一樣:
nemufumi pakuderedzwa kwake; nokuti seruva reuswa achapfuura.
11 太陽一出來,帶著熱風,將草曬枯,它的花便凋謝了,它的美麗也消失了;富有的人在自己的行為上,也要這樣衰落。
Nokuti zuva rinobuda pamwe nekupisa, ndokuomesa uswa, neruva rahwo rinowira pasi, nekunaka kwechimiro chahwo kwakaparara; saizvozvowo mufumi achabvuruvara panzira dzake.
12 忍受試探的人是有福的,因為他既經得起考驗,必能得到主向他愛的人,所預許的生命之冠。
Wakaropafadzwa munhu anotsungirira pamuedzo; nokuti kana atendwa, achagamuchira korona yeupenyu, Ishe yaakavimbisa kune vanomuda.
13 人受誘惑,不可說:「我為天主所誘惑,」因為天主不會為惡事所誘惑,他也不誘惑人。
Kusava nemunhu anoti achiidzwa ati: Ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, naiye amene haaidzi munhu.
14 每個人受誘惑,都是為自己的私慾所勾引,所餌誘;
Asi umwe neumwe anoidzwa, kana achikwehwa nekuchiva kwake pachake, nekukwezwa.
15 然後,私慾懷孕,便產生罪惡;罪惡完成之後,遂生出死亡來。
Ipapo kuchiva kana kwarema kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu.
Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
17 一切美好的贈與,一切完善的恩賜,都是從上,從光明之父降下來的,在他內沒有變化或轉動的陰影。
Chipo chese chakanaka nechipiwa chese chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, navo pasina kupinduka, kana mumvuri wekushanduka.
18 他自願用真理之言生了我們,為使我們成為他所造之物中的初果。
Nekuda kwake wakabereka isu neshoko rechokwadi, kuti isu tive sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake.
19 我親愛的弟兄們,你們要知道:每人都該敏於聽教,遲於發言,遲於動怒,
Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, munhu umwe neumwe ngaave anokurumidza pakunzwa, anononoka pakutaura, anononoka pakutsamwa;
nokuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari.
21 因此,你們要脫去一切不潔和種種惡習,而以柔順之心,接受那種在你們心裏,而能救你們靈魂的聖言。
Naizvozvo bvisai zvinyangadzo zvese nekuwandisa kwekuipa, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakabatanidzwa pamuri, rinogona kuponesa mweya yenyu.
22 不過,你們應按這聖言來實行,不要只聽,自己欺騙自己;
Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi chete, muchizvinyengera pachenyu.
23 因為,誰若只聽聖言而不去實行,他就像一個人,對著鏡子照自己生來的面貌,
Nokuti kana umwe ari munzwi weshoko uye asiri muiti, iye wakafanana nemunhu anoona chiso chake chechisikirwo muchionioni;
24 照完以後,就離去,遂即忘卻了自己是什麼樣子。
nokuti anozviona pachake, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wanga akadini.
25 至於那細察賜予自由的完美法律,而又保持不變,不隨聽隨忘,卻實際力行的,這人因他的作為必是有福的。
Asi uyo anotarisisa mumurairo wakaperedzerwa werusununguko ndokurambirirapo, uyo asati ari munzwi anokanganwa asi muiti webasa, uyu acharopafadzwa pakuita kwake.
26 誰若自以為虔誠,卻不箝制自己的唇舌,反而欺騙自己的心,這人的虔誠便是虛假的。
Kana umwe pakati penyu achiti anotenda, kana asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, chitendero cheuyu hachina maturo.
27 在天主父前,純正無瑕的虔誠,就是看顧患難中的孤兒和寡婦,保持自己不受世俗的玷污。
Chitendero chakachena chisina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndechichi: Kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, azvichengete asina gwapa kubva kunyika.