< 以賽亞書 9 >

1 因為遭受災難的,必將免於黑暗。往昔上主曾使則步隆和納翡塔里地域受了侮辱,但日後卻使沿海之路,約但東岸,外方人的加里肋亞獲得了光榮。
Kunyange zvakadaro, hakuchazovazve nerima kuna avo vakanga vari munhamo. Pamazuva akare akaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva inouya achakudza Garirea reveDzimwe Ndudzi, nenzira yokugungwa mhiri kwaJorodhani.
2 在黑暗中行走的百姓看見了一道皓光,光輝已射在那寄居在漆黑之地的人們身上。
Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chakavavhenekera.
3 你加強了他們的快樂,擴大了他們的歡喜;他們在你面前歡樂,有如人收割時的歡樂,又如分贓時的愉快;
Makakurisa rudzi mukawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu savanhu vanofara panguva yokukohwa, sokufara kwavarume, kana vachigoverana zvakapambwa.
4 因為你折斷了他們所負的重軛、他們肩上的橫木,以及壓迫他們者的短棍,有如在米德楊那天一樣;
Nokuti sapamazuva okukundwa kwavaMidhia, vamakaparadzira joko raivaremera, nedanda raichinjika mafudzi avo, iyo tsvimbo yavamanikidzi vavo.
5 因為戰士所穿發響的軍靴,和染滿血跡的戰袍,都要被焚毀,作為火燄的燃料。
Shangu imwe neimwe yomurwi yakashandiswa muhondo, nenguo imwe neimwe yakaumburudzwa muropa, zvichapiswa, zvichava huni dzomoto.
6 因為有一個嬰孩為我們誕生了,有一個兒子賜給了我們;他肩上擔負著王權,他的名子要稱為神奇的謀士、強有力的天主、永遠之父、和平之王。
Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana, uye umambo huchava pamapfudzi ake. Uye achanzi Gota Rinoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare.
7 他的王權是偉大的,達味的御座和他王國的平安是無限的,他將以正義與公平對王國加以鞏固與保持,從今時直到永遠:萬軍上主的熱誠必要完成這事。
Kukura kwoumambo hwake nekworugare rwake hazvizovi namagumo. Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi napamusoro poumambo hwake, achihusimbisa nokuhutsigira, nokururamisira uye nokururama, kubva panguva iyoyo kusvikira nokusingaperi. Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita.
8 吾主發出了一句相反雅各伯的話,這話臨於以色列。
Jehovha akatuma shoko pamusoro paJakobho; richawira pamusoro paIsraeri.
9 整個民眾,即厄弗辣因和撒瑪黎雅的居民,終必領悟,因為他們曾自負,且心高氣傲說:「
Vanhu vose vachariziva, Efuremu navagari vomuSamaria, ivo vanoti nokuzvikudza kwavo uye namanyawi emwoyo,
10 假使磚瓦墮毀了,我們將以方石再建;假使桑樹伐倒了,我們將代以香柏! 」
“Zvidhinha zvakoromokera pasi, asi tichavakazve namatombo; mionde yatemerwa pasi, asi tichaitsiva nemisidhari.”
11 所以上主必興起他的對手,慫恿他的仇敵來攻擊他:
Asi Jehovha akamutsira Rezini vadzivisi akakurudzira vavengi vavo.
12 東有阿蘭,西有培肋舍特,他們必張口併吞以色列;然而他的震怒並未因此而熄滅,他的手仍然伸著。
VaAramu vachibva nokumabvazuva navaFiristia vachibva nokumavirira vakapedza vaIsraeri nomuromo wakashama. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake ruchatongotambanudzwa.
13 但民眾仍沒有歸依打擊他們的天主,仍不尋求萬軍的上主。
Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye akavarova, kana kutsvaka Jehovha Wamasimba Ose.
14 因此,上主要在一天之內,砍斷以色列的首尾、棕枝和蘆葦。【
Naizvozvo Jehovha achadimura vaIsraeri vose musoro nomuswe, zvose davi romuchindwe norutsanga pazuva rimwe;
15 長者和尊者是首,傳授謊言的先知是尾。】
vakuru navarume vanokudzwa ndivo musoro, vaprofita vanodzidzisa nhema ndivo muswe.
16 因為領導這民族的人走入了歧途,受引導的人陷入了混亂。
Vanotungamirira vanhu ava vanovatsausa, navose vanotungamirirwa vanotsauswa.
17 因此,吾主將毫不憐憫他的少年,毫不撫恤他的孤兒和寡婦,因為他們都是乖戾邪惡的,並且都是口出惡言的,然而他的震怒並未因此而熄滅,他的手仍然伸著。
Naizvozvo Jehovha haachazofariri majaya, kana kuva netsitsi nenherera nechirikadzi, nokuti mumwe nomumwe wavo haana umwari uye akaipa, muromo mumwe nomumwe unotaura zvoupenzi. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa.
18 罪惡猶如燃燒的火燄,焚毀荊棘和蒺藜,使叢林燎起大火,煙柱因此旋轉上騰。
Zvirokwazvo zvakaipa zvinopfuta somoto; unopisa rukato neminzwa, unopisa matenhere edondo zvokuti unokwira kudenga mushongwe youtsi.
19 由於萬軍上主的憤怒,地域將被燒毀,百姓成為火燄的柴薪,無人撫恤自己的弟兄,
Kubudikidza nokutsamwa kwaJehovha Wamasimba Ose nyika ichapiswa kwazvo uye vanhu vachava huni dzomoto; hapana achaponesa hama yake.
20 各吃自己近人的肉:向右攫食的,仍舊遭受飢餓;向左吞噬的,依然不得果腹。
Kurudyi vachadya asi vacharamba vane nzara; kuruboshwe, vachadya asi havangaguti. Mumwe nomumwe achadya nyama yomwana wake.
21 默納協吞噬厄弗辣因,厄弗辣因吞滅默納協,二者又合力併吞猶大;然而他的震怒並未因此而熄滅,他的手仍然伸著。
Manase achadya Efuremu uye Efuremu achadya Manase; pamwe chete vachamukira Judha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa.

< 以賽亞書 9 >