< 以賽亞書 48 >

1 雅各伯家請聽這話:──你們以以色列的名字自稱,出自猶大之後,奉上主的名字起誓,又稱揚「以色列的天主,」但都不是出自誠心誠意;
“Inzwai izvi, imi imba yaJakobho, makatumidzwa zita raIsraeri, uye muchibva kurudzi rwaJudha, imi munoita mhiko muzita raJehovha, uye munodana kuna Mwari waIsraeri, asi musingaiti muzvokwadi kana mukururama,
2 雖然你們自稱是出自聖城,依賴名為「萬軍上主」的以色列的天主──「
imi munozviti vagari vomuguta dzvene, muchivimba naMwari weIsraeri; Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake:
3 那過去的事,我早就預言過了,由我口中所發出的,也叫人聽見了;轉瞬間我行了那事,那事也就成就了。
Ndakazivisa zvinhu zvakare, kare kare, muromo wangu wakazvireva uye ndakaita kuti zvizivikanwe; ipapo nokukurumidza ndakazviita, uye zvikaitika.
4 因為我知道你是頑固的,你的頸項似鐵槓,你的額是銅製的,
Nokuti ndaiziva kuti mwoyo wako wakanga wakasindimara sei; nokuti mutsipa wako wakanga uri runda rwesimbi, huma yako yakanga iri ndarira.
5 為此我早就告訴了你,在事未發生之前我就向你說明了,免得你說:「是我的神像行了這事,是我雕刻鑄成的神像命定了這事。」
Naizvozvo ndakakuudza zvinhu izvi kare kare; zvisati zvaitika ndakazvizivisa kwauri, kuitira kuti urege kuzoti, ‘Zvifananidzo zvangu, ndizvo zvakazviita; mufananidzo wangu wedanda namwari wangu wesimbi ndizvo zvakarayira izvozvo.’
6 你既聽見了,也看見了這一切,難道你們不該作證嗎﹖如今我要宣佈新事,即你不知的隱密事。
Wakazvinzwa zvinhu izvi; zvitarire zvose. Haungazvibvumi here? “Kubva zvino ndichakuzivisa zvinhu zvitsva, zvakavanzika zvausingazivi.
7 這些事是現今而不是從前造成的,是今日之前你從沒有聽說過的,免得你說:「看,我早就知道了!」
Zvava kusikwa zvino, uye hakusi kare; hauna kumbozvinzwa zuva ranhasi risati rasvika. Saka haugoni kuti, ‘Hongu, ndaizviziva.’
8 你從來沒有聽過,也不知道,也是你的耳朵聞所未聞的。因為我知道你好背信叛逆,你實在可稱為「胎生的叛徒。」
Hauna kumbonzwa kana kunzwisisa; kubva kare nzeve yako yakanga isina kudziurwa. Ndinoziva kwazvo kuti uri munyengeri akadii; wakanzi mhandu kubva pakuzvarwa kwako.
9 但是為了我名的緣故,我暫緩發怒;為了我榮譽的緣故,我抑制了我自己,而沒有消滅你。
Nokuda kwezita rangu ndinononoka kutsamwa; nokuda kwokurumbidzwa kwangu ndinozvidzora pamusoro pako, kuti ndisakuparadza.
10 看啊!我只是鍛煉了你,有如銀子,在患難的爐中磨煉了你。
Tarira, ndakakunatsa, kunyange zvisina kuita sesirivha; ndakakuedza muchoto chokutambudzika.
11 為了我自己,為了我自己的緣故,我必要去行。我豈能讓我的名字受褻瀆﹖我決不將我的光榮讓與別人。」
Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndinoita izvi. Ko, ndingaregererei zita rangu richimhurwa? Handingapi kukudzwa kwangu kuno mumwe.
12 雅各伯啊!我所召叫的以色列啊!你聽我說:我就是那位,我是元始, 我也是終末。
“Nditeerere, iwe Jakobho, Israeri, wandakadaidza; ndini iye: ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira.
13 我的手奠定了大地,我的右手展開了諸天;我一叫它們,它們就一同出現。
Ruoko rwangu ndirwo rwakateya nheyo dzenyika, uye ruoko rwangu rworudyi rwakatambanudza matenga; pandinozvidana, zvose zvinomira pamwe chete.
14 你們都集合起來聽罷!邪神中有誰預言了這事呢﹖「我所愛的,必實行我的旨意:攻擊巴比倫和加色丁的苗裔。」
“Unganai pamwe chete, imi mose muteerere; Ndechipiko chimwe chezvifananidzo chakakuudzai kuti zvinhu izvi zvichaitika? Iye anodikanwa naJehovha achaita zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi; ruoko rwake rucharwisa vaBhabhironi.
15 只有我,只有我預言了這事,召叫了他,引導了他,使他所行的道路順利。
Ini, iyeni ndataura; hongu, ndamudana. Ndichauya naye, uye achabudirira pane zvaanotumwa.
16 你們走近我前,聽這話罷!我從起初就沒有在暗處說過話,從實現之時起,我就在那裏。我上主現在即要施行救援。
“Swederai kwandiri muteerere izvi: “Kubvira pachiziviso chokutanga handina kumbotaura muchivande; panguva yazvinoitika, ndinenge ndiripo.” Uye zvino Ishe Jehovha andituma noMweya wake.
17 你的救主上主,以色列的聖者這樣說:「我是上主你的天主,教訓你為你有益的事,引你走當走的道路。
Zvanzi naJehovha Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri: “Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.
18 恨不得你一向聽從我的命令! 那麼你的安樂將似江河,你的幸福將似海濤;
Dai chete wakanga wateerera mirayiro yangu, rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, kururama kwako samafungu egungwa.
19 你的子孫多如海沙,出於你身的苗裔多似沙粒;你的名字在我前決不會抹去,也決不會被刪除。」
Zvizvarwa zvako zvingadai zvakaita sejecha, navana vako vakaita setsanga dzejecha dzisingaverengeki; zita ravo haraimboparara kana kuparadzwa pamberi pangu.”
20 你們出離巴比倫,逃出加色丁罷!你們要以歡樂的呼聲宣告此事,叫人聽見,傳佈到地極說:「上主救贖了他的僕人雅各伯。」
Mudai muBhabhironi, tizai vaBhabhironi! Zivisai izvi nomufaro mukuru, uye muzviparidze. Zvitumirei kumagumo enyika; muti, “Jehovha adzikinura muranda wake Jakobho.”
21 當上主率領他們過曠野時,他們並不覺渴,因為他使水由巖石中流出給他們喝;他分開了巖石,水就湧流出來。
Havana kunzwa nyota paakavatungamirira mugwenga; akaita kuti mvura iyerere ichibva mudombo, achiitira ivo; akatsemura dombo mvura ikatubuka.
22 上主說:惡人決無平安!
“Vakaipa havana rugare,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

< 以賽亞書 48 >