< 以賽亞書 2 >

1 阿摩茲的兒子依撒意亞關於猶大和耶路撒冷所見的事情:
Izvi ndizvo zvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi, pamusoro peJudha neJerusarema:
2 到末日,上主的聖殿山必要矗立在群山之上,超乎一切山岳,萬民都要向它湧來。
Mumazuva okupedzisira, gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa, richava guru pakati pamakomo; richakwiridzirwa pamusoro pezvikomo, uye ndudzi dzose dzichamhanyira kwariri.
3 將有許多民族前去,說:「來!我們攀登上主的聖山,往雅各伯天主的殿裏去!他必指示我們他的道路,教給我們循行他的途徑。因為法律將出自熙雍,上主的話將出自耶路撒冷。」
Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti, “Uyai ngatiendei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho Iye achatidzidzisa nzira dzake, kuitira kuti tigofamba mumakwara ake.” Nokuti murayiro uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva kuJerusarema.
4 他將統治萬邦,治理眾民;致使眾人都把自己的刀劍鑄成鋤頭,將自己的槍矛製成鐮刀;民族與民族不再持刀相向,人也不再學習戰鬥。
Achatonga pakati pendudzi uye achapedza gakava pakati pamarudzi mazhinji. Vachapfura minondo yavo vagoiita miromo yamagejo, namapfumo avo vagoaita mapanga okuchekerera miti nawo. Rudzi rumwe harungazosimudziri munondo kuno rumwe rudzi, kana kuzodzidzirazve kurwa.
5 雅各伯家! 來讓我們在上主的光明中行走罷!
Uyai, imi imba yaJakobho, ngatifambei muchiedza chaJehovha.
6 是的!上主拋棄了自己的百姓──雅各伯家族──因為他們充滿了術士和占卜者,有如培肋舍特人一樣,且與異民握手言歡。
Nokuti makasiya vanhu venyu, ivo imba yaJakobho. Vakazara nezvinamato zvokuMabvazuva; vanoita zvokuvuka kufanana navaFiristia, vachibatana maoko nevedzimwe ndudzi.
7 他們的地域充滿了金銀,財寶不可估計;他們的地域充滿了馬匹,戰車不可勝數。
Nyika yavo izere nesirivha negoridhe; pfuma yavo haiperi. Nyika yavo izere namabhiza; ngoro dzavo hadziperi.
8 遍地都是偶像,人人崇拜自己手做的東西,崇拜自己手指的造像。
Nyika yavo izere nezvifananidzo; vanopfugamira mabasa amaoko avo, kuzvinhu zvakaitwa neminwe yavo.
9 如此,人自甘卑下,自甘墮落,對他們決無救援。
Naizvozvo munhu achaderedzwa uye marudzi avanhu achaninipiswa, musavakanganwira.
10 當上主起來震撼大地時,你要潛入巖穴,躲在土中,為逃避上主的威嚇和他顯赫的光輝。
Pinda mumapako, uvande muguruva, ubve mukutyisa kwaJehovha nokubwinya kwoumambo hwake!
11 目空一切的人必被抑制,性情高傲的人必被屈服:那一日,唯有上主受尊崇。
Meso omunhu anozvikudza achaninipiswa, uye kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; asi Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro.
12 因為萬軍的上主必有一日,要攻擊所有驕矜自誇和自高自大的人,並加以抑制。
Nokuti Jehovha Wamasimba Ose ane zuva raakachengetera avo vose vanozvikudza navanodada, navose vanokudzwa (uye vachaninipiswa),
13 必要攻擊黎巴嫩的一切高大香柏樹和巴商的一切樟樹;
nemisidhari yose yeRebhanoni, yakareba neyakakwirira, nemiouki yose yeBhashani,
14 必要攻擊一切高山和聳峙的山嶺,
namakomo ose akakwirira, nezvikomo zvose zvakakwirira,
15 一切高塔和一切堅固的城牆,
neshongwe dzose dzakakwirira, namasvingo ose akasimba,
16 塔爾史士的一切船隻和一切美觀的畫舫。
nezvikepe zvose zveTashishi, nemidziyo yose yakanaka.
17 人的傲慢必被屈服,人的驕矜必被抑制:那一日唯有上主受尊崇。
Kuzvikudza kwomunhu kuchaderedzwa, uye kuzvikudza kwavanhu kuchaninipiswa; Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro,
18 上主必要完全毀滅偶像。
uye zvifananidzo zvichapera zvachose.
19 當上主起來震撼大地時,你們應潛入巖洞,躲在土穴中,為逃避上主的威嚇和顯嚇的光輝。
Vanhu vachatizira kumapako amatombo, nokumwena yapasi nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka achizungunutsa nyika.
20 那一日,人必將為自己製造來崇拜的銀像和金像,拋給鼴鼠和蝙蝠,
Pazuva iro vanhu vacharasira kumakonzo nokuzviremwaremwa, zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvegoridhe, zvavakaita kuti vazvinamate.
21 以便在上主起來震撼大地的時候,逃避上主的威嚇和他顯赫的光輝,而隱藏在磐石的孔洞裏和巖石的隙縫中。
Vachatizira kumapako amatombo nokumikaha yakarembera, nokuda kwokutya Jehovha, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka kuti azungunutse nyika.
22 你們不要依恃人,因為他只有一口氣在鼻孔裏,他可算得什麼﹖
Regai kuvimba nomunhu, anongova nokufema mumhino dzake. Anobatsireiko?

< 以賽亞書 2 >