< 以賽亞書 11 >

1 由葉瑟的樹幹將生出一個嫩枝,由它的根上將發出一個幼芽。
Bukira richabva kudzinde raJese; Davi rinobva pamidzi yake richabereka muchero.
2 上主的神,智慧和聰敏的神,超見和剛毅的神,明達和敬畏上主的神將住在他內。【
Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wouchenjeri newokunzwisisa, mweya wokurayira nowesimba, mweya wokuziva newokutya Jehovha,
3 他將以敬畏上主為快慰,】他必不照他眼見的施行審訊,也不按他耳聞的執行判斷。
uye achafarira kutya Jehovha. Haazotongi nezvaanoona nameso ake, kana kutonga nezvaanonzwa nenzeve dzake,
4 他將以正義審訊微賤者,以公理判斷世上的謙卑者,以他口中的棍杖打擊暴戾者,以他唇邊的氣息誅殺邪惡者。
asi nokururama achatongera varombo, nokururamisira achatongera vanyoro vapanyika. Acharova nyika neshamhu yomuromo wake; nokufema kwemiromo yake achauraya vakaipa.
5 正義將是他腰間的束帶,忠誠將是他脅下的佩帶。
Kururuma ndiro richava bhanhire rake uye kutendeka bhanhire romuchiuno chake.
6 豺狼將與羔羊共處,虎豹將與小山羊同宿;牛犢和幼獅一同飼養,一個幼童即可帶領牠們。
Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzi, mhuru neshumba nezvakakodzwa zvichafura pamwe chete; uye mwana mudiki achazvitungamirira.
7 母牛和母熊將一起牧放,牠們的幼雛將一同伏臥;獅子將與牛一樣吃草。
Mhou ichafura nebere, vana vazvo vachavata pasi pamwe chete, uye shumba ichadya uswa senzombe.
8 吃奶的嬰兒將遊戲於蝮蛇的洞口,斷奶的幼童將伸手探入毒蛇的窩穴。
Mwana mucheche achatambira pedyo nomwena wemhakure, uye mwana mudiki achaisa ruoko rwake mumwena wenyoka.
9 在我的整個聖山上,再沒有誰作惡,也沒有誰害人,因為大地充滿了對上主的認識,有如海洋滿溢海水。
Hazvingazokuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha semvura zhinji inofukidza gungwa.
10 那一日,葉瑟的根子將成為萬民的旗幟,列邦必將尋求他;他駐節之地,將是輝煌的。
Pazuva iro Mudzi waJese uchamira somureza wamarudzi; ndudzi dzichamhanyira kwaari, uye nzvimbo yake yokuzorora ichabwinya.
11 那一日,吾主將再舉起自己的手,贖回他百姓的殘存者,即殘留於亞述、埃及、帕特洛斯、雇士、厄藍、史納爾、哈瑪特和海島上的人。
Pazuva iro Jehovha achatambanudza ruoko rwake kechipiri kuti adzorezve vakasara ivo vanhu vake vakasiyiwa kubva kuAsiria, kubva zasi kweIjipiti, nokubva kumusoro kweIjipiti nokubva kuEtiopia, nokubva kuEramu, nokubva kuBhabhironi, nokuHamati uye nokubva kuzviwi zvegungwa.
12 他將向列邦高舉旗幟,召集以色列的流徙者,由大地四極聚集猶大的離散者。
Achasimudzira marudzi mureza uye achaunganidza vakadzingwa vaIsraeri; achaunganidza vakaparadzirwa vavanhu veJudha, kubva kumativi mana enyika.
13 厄弗辣因的嫉妒必將止息,猶大的仇視勢必消滅:厄弗辣因不在忌恨猶大,猶大亦不再敵視厄弗辣因。
Godo raEfuremu richapera uye vavengi vavaJudha vachagurwa; Efuremu haachazovi negodo naJudha, naJudha haangaitire Efuremu hasha.
14 他們將往西撲向培勒舍特的山麓,一起擄掠東方的子民;厄東和摩阿布將屬於他們的權下,阿孟子民將順服於他們。
Asi vachawira pamusoro pamateru eFiristia kumavirazuva; pamwe chete vachapamba vanhu vokumabvazuva. Vachatora Edomu neMoabhu, uye vaAmoni vachava varanda vavo.
15 上主將使埃及海灣涸竭,藉烈風向大河揮手把它分成七個支流,使人穿著鞋即可渡過。
Jehovha achaomesa chose chikamu chegungwa reIjipiti; nemhepo inopisa achatsvaira noruoko rwake pamusoro peRwizi rweYufuratesi. Acharukamura-kamura agoruita hova nomwe, kuitira kuti vanhu vagone kuyambuka vachienda mhiri vakapfeka shangu.
16 為他百姓的殘存者,即存留在亞述中者,將有一條大道,有如為當日由埃及地上來的以色列一樣。
Pachava nomugwagwa mukuru wavanhu vake vakasara, vakasiyiwa kubva kuAsiria, sezvazvakanga zviri kuvaIsraeri pavakabva kuIjipiti.

< 以賽亞書 11 >