< 何西阿書 9 >
1 以色列! 你不要高興,不要像異民一樣狂歡,因為你行了淫,離棄了你的天主,在所有的禾場上只是喜歡淫資。
Rega kufara, iwe Israeri; rega kupembera sezvinoita dzimwe ndudzi. Nokuti hauna kunge wakatendeka kuna Mwari wako; unofarira mubayiro wechifeve, pamapuriro ose.
Mapuriro nezvisviniro zvewaini hazvingagutsi vanhu. Waini itsva ichavanyengera.
3 他們必不能在上主的地方居住;厄弗辣因必要回到埃及,且要在亞述吃不潔之物。
Havangarambi vari munyika yaJehovha; Efuremu achadzokera kuIjipiti agodya zvokudya zvakasvibiswa muAsiria.
4 他們不能向上主奠洒,也不能再向衪奉獻的祭品;他們的餅好似喪餅,凡吃這餅的,必受玷污;因為他們的餅只可為他們自用,不能帶進上主殿內。
Havangadiri zvipiriso zvewaini kuna Jehovha, uye zvibayiro zvavo hazvingamufadzi. Zvibayiro zvakadai zvichava kwavari sechingwa chavanochema; vose vanozvidya vachava vakasvibiswa. Zvokudya izvi zvichava zvavo; hazvingaunzwi mutemberi yaJehovha.
5 那麼你們在盛會之日,在上主火節日,可作什麼呢﹖
Muchaiteiko pazuva rakatarwa remitambo yenyu, pamazuva emitambo yaJehovha?
6 因為,看,他們由毀滅裏逃走,埃及要收集他們,摩夫要埋葬他們;他們的尊貴的銀器將為蒺藜所承受,他們的帳幕將被荊棘所佔有。
Kunyange dai vakapunyuka kubva pakuparadzwa, Ijipiti ichavaunganidza, uye Memufisi ichavaviga. Matura avo esirivha achafukidzwa norukato, uye minzwa ichamera mumatende avo.
7 懲罰的日子來了,報復的日子到了,以色列要喊說:先知是愚人,受靈感的人是瘋子! 是,這是因為你的過犯繁多,因為你的罪惡重大。
Mazuva okurangwa ari kuuya, mazuva okutsiva ava pedyo. Israeri ngaazvizive izvi. Nokuti zvivi zvako zvizhinji kwazvo uye ukasha hwako hwakakura kwazvo. Muprofita anoonekwa sebenzi, nomurume ano mweya somunhu anopenga.
8 厄弗辣因窺伺先知的帳幕,在他的路上處處佈下了羅網,在自己天主的殿內只敵視。
Muprofita, pamwe chete naMwari wangu, ndiye nharirire yaEfuremu, asi zvakadaro misungo yakamumirira panzira dzake dzose, uye ruvengo muimba yaMwari wake.
9 他們窮凶已到了極點,就如在基貝亞的時日一樣;上主必不忘你們的罪孽,必要懲罰他們的邪惡。
Vanyura kwazvo kwazvo muhuori, sapamazuva eGibhea. Mwari acharangarira uipi hwavo uye achavaranga nokuda kwezvivi zvavo.
10 我發現了以色列,就如曠野中發現葡萄;看見你們的祖先,就如在無花果樹上看見初熱的果實;但當他們來到了巴耳培敖爾時,便將自己獻給了可憎之物,使自己也成了可憎惡的,如他們所善愛的邪神一樣。
“Pandakawana Israeri, zvakanga zvakafanana nokuwana mazambiringa murenje; pandakaona madzibaba enyu, zvakanga zvakaita sokuona zvibereko zvokutanga pamuti womuonde. Asi pavakauya kuBhaari Peori, vakazvitsaura kuti vazviise kuchiumbwa ichocho chinonyadzisa, vakava vasina maturo uye vakafanana nechinhu chavakada.
11 至於厄弗辣因,因他們的光榮,就如飛鳥飛去,必不生產,不懷胎,不妊娠。
Kukudzwa kwaEfuremu kuchabhururuka seshiri, pasina kubereka, pasina pamuviri, pasina kubata pamuviri.
12 既使他們把自己的子女養大,我也必使他們喪亡,一個不留;幾時我捨棄他們,他們才是有禍的。
Kunyange zvavo vakarera vana, ndichavauraya vose mumwe nomumwe. Vachava nenhamo pandichavafuratira!
13 厄弗辣因,一如我所見的,必使自己的子女成為獵物;厄弗辣因必把自己的子女交出屠殺。
Ndakaona Efuremu, seTire, akasimwa panzvimbo yakanaka. Asi Efuremu achabudisa vana vake kumuurayi.”
14 上主,求你賜給他們....賜給他們什麼呢﹖要使他們胎荒,乳乾!
Vapei, imi Jehovha, zvino muchavapeiko? Vapei zvibereko zvinopfupfudzika namazamu akaoma.
15 他們所行的一切惡事,全在基耳加耳開始,因此,在那裏我就恨了他們;為了他們的惡行,我必將他們從我父的家趕出去;我不再喜愛他們,他們的首領全是叛徒
“Nokuda kwouipi hwavo hwose muGirigari, ndakavavenga ikoko. Nokuda kwamabasa avo akaipa, ndichavadzinga kubva mumba mangu. Handichazovadazve; vatungamiri vavo vose vakapanduka.
16 厄弗辣因受了打擊,根子也乾枯了,再不能結果實;既使他們生了孩子,我也必將他們的寧馨兒殺死。
Efuremu arohwa, mudzi wavo wasvava, havabereki chibereko. Kunyange vakabereka vana, ndichauraya vana vavo ivava vavanodisa.”
17 我的天主必要拋棄他們,因為他們沒有聽從衪;他們必要在各民族中飄流。
Mwari wangu achavaramba nokuti havana kumuteerera; vachava vadzungairi pakati pendudzi.