< 何西阿書 4 >

1 [後編:以色列的罪惡和懲罰]四:以色列子民,請聽上主的話! 因為上主譴責此地的居民:因為此地沒有誠實,沒有仁愛,沒有人認識天主;
Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri, nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa kwamuri imi vagere munyika: “Hapana akatendeka, hapana ane rudo, hapana anoziva Mwari munyika.
2 只有詛咒、謊言、殺戳、偷竊、姦淫、強暴和纍纍的血案。
Mune kutuka chete, kunyengera nokuuraya, kuba noupombwe; vanoparadza zvose zvinovadzivisa, uye kudeuka kweropa kunotevera kudeuka kweropa.
3 因此,此地必要荒廢;凡住在這地上的,甚至田間的野獸和天空的飛鳥都要絕跡,連海中的魚類也要消滅。
Nokuda kwaizvozvi nyika inochema, navose vanogara mairi vanoperezeka. Mhuka dzesango neshiri dzedenga nehove dzegungwa zviri kufa.
4 但是沒有人爭辯,也沒有人譴責! 司祭啊,我要與你爭辯!
“Asi ngapasava nomunhu anopa mhosva, ngapasava nomunhu anopomera mumwe nokuti vanhu venyu vakafanana neavo vanopomera muprista mhaka.
5 你白天黑夜跌倒,先知也同你一齊跌倒,你竟然使你的人民喪亡。
Imi munogumburwa masikati nousiku, uye vaprofita vanogumburwawo pamwe chete nemi. Saka ndichaparadza mai venyu.
6 我的百姓因缺乏知識而滅亡;因為你拋棄了知識,我也要拋棄你,不讓你充當我的司祭;你既然忘卻了你的天主的法律,我也要忘記你的子孫。
Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo. “Sezvo maramba zivo, ini ndinokurambaiwo savaprista vangu; nokuti makashayira hanya murayiro waMwari wenyu, ini ndichashayirawo hanya vana venyu.
7 司祭越增多,也越得罪我,竟以羞辱作為他們的光榮。
Vaprista vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo; vakatsinhanisa kukudzwa nechimwe chinhu chinonyadzisa.
8 他們賴我百姓的罪惡自肥,一心渴望他們的過犯。
Vanodya zvivi zvavanhu vangu uye vachifarira zvakaipa zvavo.
9 由此百姓和司祭,一律看待:我將按他的行徑懲治他,對他的行為予以報復,
Uye zvichaitika kuti: Zvakaita vanhu, ndizvo zvichaitawo vaprista. Ndicharanga vose, nokuda kwenzira dzavo uye ndichavapa mubayiro wamabasa avo.
10 好使他們吃,卻吃不飽,行淫而不能繁殖;因為他們捨棄了上主,縱慾,
“Vachadya asi havangaguti; vachaita ufeve asi havangawandi, nokuti vakatiza Jehovha kuti vazvipire
11 行淫:老酒新酒叫人失去良知。
kuufeve, newaini yakare neitsva, zvinobvisa kunzwisisa
12 我的人民求教於木偶,讓木杖啟示他;因為淫心迷往了他們,使他們行淫,遠開了他們的天主。
kwavanhu vangu. Vanobvunza chifananidzo chedanda uye vanopindurwa netsvimbo yomuti. Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika, havana kutendeka kuna Mwari wavo.
13 在山頂上獻祭,在丘陵上、在橡樹、楊樹和篤耨香下焚香,在濃蔭下多麼愉快;因此你們的女兒行淫,你的兒媳犯姦。
Vanobayira pamusoro pamakomo uye vanopisira zvinonhuhwira pazvikomo, pasi pemiouki, mipopura nemiterebhini, pane mimvuri yakanaka. Naizvozvo vanasikana venyu vanotendeukira kuufeve navaroora venyu kuupombwe.
14 但我卻不因你們的女兒行了淫,而懲罰她們,也不因你們的兒息媳犯了姦,而處罰她們;因為她們同蕩婦走往偏僻之處,又同廟妓一同獻祭:但無知的百姓卻因此而墮落!
“Handizorangi vanasikana venyu pavanotendeukira kuufeve, kana varoora venyu pavanoita upombwe, nokuti varume pachavo vanoenda kuzvifeve uye vanobayira pamwe chete nezvifeve zvepashongwe, vanhu vasinganzwisisi vachasvika pakuparadzwa.
15 以色列,如果你行了淫,但願猶大不要陷於罪惡! 你們不要到基耳加耳去,不要上貝特阿文,也不要起誓願 2上主永在! 」
“Kunyange uchiita upombwe, iwe Israeri, usaita kuti Judha ave nemhosva. “Usaenda kuGirigari; usakwidza uchienda kuBheti Avheni. Uye usapika uchiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu!’
16 的確,以色列倔強,有如一頭倔強的母牛,那麼上主那能牧放他們,有如在廣闊的草場牧放羔羊﹖
VaIsraeri vakasindimara, setsiru rakasindimara. Zvino Jehovha achavafudza sei samakwayana pamafuro?
17 厄弗辣因與偶像結了不解之緣:任憑他們吧!
Efuremu akabatana nezvifananidzo; musiyei ari oga!
18 他們與醉客為伍,任意荒淫,喜愛羞恥勝於上主的光榮。
Kunyange zvokunwa zvavo pazvinenge zvapera, vanoramba vachiita ufeve hwavo; vatongi vavo vanoda kwazvo nzira dzinonyadzisa.
19 暴風要伸展羽翼將他們捲去,他們必因自己的祭壇蒙受恥辱。
Chamupupuri chichavatsvairira kure, uye zvibayiro zvavo zvichavaunzira kunyadziswa.

< 何西阿書 4 >