< 何西阿書 12 >
1 厄弗辣因愛好颶風,整日追逐東風,說許多謊話,行許多暴行,既與亞述結盟,又給埃及送油。
Efuremu anodya mhepo; anodzingana nemhepo yokumabvazuva zuva rose uye anowedzera nhema pamwe chete nechisimba. Anoita sungano neAsiria, uye anoendesa mafuta omuorivhi kuIjipiti.
2 上主要與以色列爭辯,要按他們的行徑懲罰雅各伯,依照他的行為報復他:
Jehovha ane mhaka yaanopa Judha; acharanga Jakobho maererano nenzira dzake uye achamupa mubayiro maererano namabasa ake.
3 他在母胎中就欺騙了他的弟兄,及至壯年又曾與天神搏鬥;
Muchizvaro akabata chitsitsinho chomukoma wake; somunhu akaita mutsimba naMwari.
4 他與天神博鬥,並且獲得了勝利;他哭了,曾懇求他開恩;在貝特耳再遇見了他,在那裏天主對他說:──
Akaita mutsimba nomutumwa akamukurira; akachema akakumbira kuti anzwirwe nyasha naye. Akamuwana paBheteri akataura naye ipapo,
Jehovha Mwari Wamasimba Ose, Jehovha ndiro zita rake raane mukurumbira naro!
6 「至於你,你應當歸向你的天主,遵守仁愛和正義,時刻仰望你的天主。」
Asi unofanira kudzokera kuna Mwari wako; chengetedza rudo nokururamisira, uye umirire Mwari wako nguva dzose.
7 厄弗辣因有如客納罕人,手裏拿著欺詐的天秤,喜行欺騙。
Mutengesi anoshandisa chiero chinonyengera; anofarira kubiridzira.
8 厄弗辣因說:「我現在實在成了富翁,發了大財。」然而他所獲得的一切,為補贖他所犯的罪孽,仍嫌不夠。
Efuremu anozvikudza achiti, “Ndakapfuma kwazvo; ndazova mupfumi chaiye. Noupfumi hwangu hwose havangawani mandiri chakaipa chipi zvacho kana chivi mukati mangu.”
9 自從在埃及地時,我就是上主,你的天主:我必再使你住在帳幕中,如在盛會的節日一樣。
“Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti; ndichakugarisazve mumatende, sapamazuva emitambo yakatarwa.
10 是我向先知們說了話,是我增多了異象,我也必藉先知們消滅他們。
Ndakataura kuvaprofita, ndikavapa zviratidzo zvizhinji uye ndikataura mifananidzo kubudikidza navo.”
11 在基肋阿得只有罪惡,的確,他們只是虛無;在基耳加耳 他們向牛犢獻了祭,因此他們的祭壇必將成為田畦中的石堆。
Ko, Gireadhi yakaipa here? Vanhu vayo havana maturo! Vanobayira nzombe here paGirigari? Aritari dzavo dzichava semirwi yamatombo mumunda wakarimwa.
12 雅各伯曾逃到阿蘭平原,以色列曾為娶妻而服役,曾為娶妻而放羊。
Jakobho akatizira kunyika yeAramu; Israeri akashandira kuti awane mukadzi, uye kuti amuwane akafudza makwai.
13 上主曾藉一位先知領以色列出離埃及,也藉一位先知保護了他們。
Jehovha akashandisa muprofita kuti abudise Israeri kubva muIjipiti, nomuprofita akavachengeta.
14 但厄弗辣因大大激怒了上主,他的血債必要歸到他身上,他的主必要在他身上報復自己受的凌辱。
Asi Efuremu akamutsamwisa zvikuru kusvikira ashatirwa; Ishe wake achaisa paari mhosva dzake dzokudeura ropa uye achamupa mubayiro wokuzvidza kwake.