< 希伯來書 11 >
Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi nezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.
Nokuti izvi ndizvo zvakaita kuti vanhu vekare vapupurirwe zvakanaka.
3 因著信德,我們知道普世是藉天主的形成,看得見的是由看不見的化成的。 (aiōn )
Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika yakaitwa nokurayira kwaMwari, zvokuti zvinhu zvinoonekwa zvakaitwa kubva pane zvinhu zvisingaonekwi. (aiōn )
4 因著信德,亞伯爾向天主奉獻了比加音因高貴的祭品;因著信德,因著信德,亞伯爾被褒揚為義人,因為有天主為衪的供品作證;因這信德,衪雖死了,卻仍發言。
Nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chiri nani pane chaKaini. Nokutenda akapupurirwa kuti akanga ari munhu akarurama, Mwari paakataura zvakanaka pamusoro pezvipo zvake. Uye nokutenda achiri kutaura nazvino kunyange zvake akafa.
5 因著信德,哈諾客被接去了,叫他不見死亡,世人也找不著他了,因為天主已將他接去;原來被接去之前,已有了中悅天主的明證
Nokutenda Enoki akatorwa kubva paupenyu huno, zvokuti haana kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa, akanga achipupurirwa somunhu aifadza Mwari.
6 沒有信德是不可能中悅天主的因為凡接近天主的人,應該信衪存在,且信衪對信衪的人是賞報者。
Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo.
7 因著信德,諾厄對尚未見得的事得了啟示,懷著敨畏製造了方舟,為自己的家庭;因著信德,衪定了世界的罪,且成了由信德得正義的承繼者。
Nokutenda Noa, akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvakanga zvichigere kuonekwa, akavaka areka nokutya Mwari kuti aponese mhuri yake. Nokutenda kwake akapa nyika mhosva uye akava mugari wenhaka yokururama kunouya nokutenda.
8 因著信德,亞巴郎一蒙召選,就聽命往他將要承受為產業的地方去了:他出走時,還不知道要到那裏去。
Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda.
9 因著信德,他旅居在所應許的地域,好像是在外邦,與有同樣恩許的承繼人依撒格和雅各伯寄居在帳幕內,
Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, saanogara munyika yavamwe; akagara mumatende, sezvakaita Isaka naJakobho, vakanga vari vadyi venhaka yechipikirwa pamwe chete naye.
10 因為他期待著那有堅固基礎的城,此城的工程師和建築師是天主。
Nokuti akanga achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.
11 因著信德,連石女撒辣雖然過了適當的年齡,也蒙受了懷孕生子的能力,因為她相信那應許者是忠信的。
Nokutenda Abhurahama, kunyange zvake akanga apfuura zera, uye Sara pachake akanga asingabereki, akapiwa simba rokuva baba, nokuti akati iye akamupikira akatendeka.
12 為此由一個人,且是由一個已近於死的人,生了子孫,有如天上的星辰那麼多,又如海岸上的沙粒那麼不可勝數。
Uye nokudaro kubva pamunhu mumwe, akanga oita seafa, kwakava nezvizvarwa zvakawanda senyeredzi dzokudenga, zvisingaverengeki sejecha pamahombekombe egungwa.
13 這些人都懷著信德死了,沒有獲得所恩許的,只由遠處觀望,表示歡迎明認自己在世上只是外方人和旅客。
Vanhu ava vose vakanga vachirarama nokutenda kusvikira panguva yokufa. Havana kuwana zvinhu zvavakavimbiswa; vakangozviona chete vakazvigamuchira zviri kure. Uye vakabvuma kuti ivo vakanga vari vaeni navatorwa panyika.
14 的確,那些說這樣話的人,表示自己是在尋求一個家鄉。
Vanhu vanotaura zvinhu zvakadai vanoratidza kuti vari kutsvaka nyika yavo chaiyo.
15 如果他們是懷念所離開的家鄉,他們還有返回的機會;
Dai vakanga vachifunga nyika yavakabva kwairi vangadai vakawana mukana wokudzokera.
16 其實他們如今所渴望的,實是一個更美麗的家鄉,即天上的家鄉。為此,天主自稱是他們的天主,不以他們為羞恥,因為衪已給他們準備了一座城。
Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta.
17 因著信德,亞巴郎在受試探的時候,獻上了依撒格,就是那承受了恩許的人,獻上了自己的獨生子;
Nokutenda Abhurahama, paakaedzwa naMwari, akapa Isaka sechibayiro. Iye akanga agamuchira zvipikirwa akanga obayira mwanakomana wake mumwe oga,
18 原來天主曾向他說過:『只有由依撒格所生的,才稱為你的後裔。』
kunyange zvazvo Mwari akanga akati kwaari, “Nokuna Isaka zvizvarwa zvako zvichazovapo.”
19 他想天主也有使人從死者中復活的能力,為此他又把依撒格得了回來以作預像。
Abhurahama akafunga akati Mwari aigona kumutsa vakafa, uye tichitaura nomufananidzo, akagamuchira Isaka kubva kuvakafa.
20 因著信德,依撒格也關於未來的事是有福的,因為祝福了雅各伯和厄撒烏。
Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvaizoitika.
21 因著信德,臨死的雅各伯祝福了若瑟的每一個兒子,也扶著若瑟的扙頭朝拜了天主。
Nokutenda Jakobho, paakanga ava kufa akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa, uye akanamata akazendamira pamusoro pomudonzvo wake.
22 因著信德,臨終的若瑟提及以色列子民出離埃及的事,並對他自己的骨骸有所吩咐。
Nokutenda, Josefa, magumo ake ava pedyo, akataura zvokubuda kwavaIsraeri kubva muIjipiti uye akarayira pamusoro pamapfupa ake.
23 因著信德,梅瑟一誕生就被他父母隱藏了三個月,因為他們見嬰孩俊美,便不怕君王的諭令。
Nokutenda Mozisi paakaberekwa, vabereki vake vakamuviga kwemwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana akanaka uye havana kutya murayiro wamambo.
24 因著信德,梅瑟長大以後,拒絕被稱為法郎公主的兒子,
Nokutenda Mozisi akati akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFaro.
25 他寧願同天主的百姓一起受苦,也不願有犯罪的暫時享受,
Akasarudza kutambudzwa pamwe chete navanhu vaMwari pano kufadzwa kwenguva duku namafaro ezvivi.
26 因為他以默西亞的恥辱比埃及的寶藏更為寶貴,因為他所注目的是天主的賞報。
Akati kuzvidzwa nokuda kwaKristu ipfuma huru kupfuura kupfuma kwose kweIjipiti, nokuti akanga achitarira mberi kumubayiro.
27 因著信德,他不害怕君王的憤怒,而離開了埃及,因為他好像看見了那看不見的一位,而堅定不移。
Nokutenda akabva muIjipiti asingatyi kutsamwa kwamambo; akatsungirira nokuti akanga aona iye asingaonekwi.
28 因著信德,他舉行了逾越節,行了灑血禮,免得那消滅首生者觸犯以色列子民的首生者。
Nokutenda akavamba Pasika nokusasa ropa, kuitira kuti muurayi wamatangwe arege kuuraya matangwe eIsraeri.
29 因著信德,他們渡過了紅海,如過旱地;埃及人一嘗試,就被淹沒了。
Nokutenda vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; asi vaIjipita pavakaedza kuzviita vakanyura.
30 因著信德,耶利哥城牆,被繞行七天之後,就倒塌了。
Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, mushure mokunge vanhu vafamba vachiapoteredza kwamazuva manomwe.
31 因著信德,妓女辣哈布平安地接待了偵探,沒有同抗命的人一起滅亡。
Nokutenda Rahabhi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vasori norugare.
32 此外,我還說什麼呢﹖我的確沒有足夠時間再論述基德紅、巴辣克、三松、依弗大、達味和撒慕爾以及眾先知的事:
Uye ndichataureiko zvimwe? Handichina nguva yokutaura pamusoro paGidheoni, Bharaki, Samusoni, Jefuta, Dhavhidhi, Samueri, navaprofita,
33 他們藉著信德征服列國,執行正義,得到恩許,杜往獅子的口,
vakakunda ushe nokutenda, vakatonga nokururamisira, uye vakawana zvakanga zvavimbiswa; vakadzivira miromo yeshumba,
34 熄滅烈火的威力,逃脫利劍,轉弱為強,成為戰爭中的英雄,擊潰外國的軍隊。
vakadzima simba romoto, uye vakapunyuka kubva pamunondo unopinza, utera hwavo hwakashandurwa hukava simba uye vakava nesimba guru pakurwa vakakunda hondo dzamamwe marudzi.
35 有些女人得了她們的復活,有些人受了酷刑拷打,不願接受釋放,為獲得更好的復活;
Vakadzi vakagamuchirazve vakanga vafa vavo vamutswa kuti vave vapenyu zvakare. Vamwe vakatambudzwa vakaramba kusunungurwa, kuitira kuti vagozopiwa kumuka kuri nani pakunaka.
Vamwe vakasekwa uye vakarohwa, uyezve vamwe vakasungwa vakaiswa mutorongo.
37 被石頭砸死,被鋸死死,被拷問,被利劍殺死,披著山羊皮到處流浪,受貧乏,受磨難,受虐待。
Vakatakwa namabwe; vamwe vakaitwa zvidimbu zviviri; vakaurayiwa nomunondo. Vakafamba vakapfeka matehwe amakwai namatehwe embudzi, vasina chinhu, vakatambudzwa uye vakaitirwa zvakaipa,
38 世界原配不上他們,他們遂在曠野、山嶺、山洞和地中穴中漂流無定。
nyika yakanga isina kufanirwa navo. Vaidzungaira murenje nomumakomo, mumapako nomumakomba enyika.
39 這一切人雖然因著信德獲得了褒揚,但是沒有獲得恩許的,
Vose ava vakapupurirwa kutenda kwavo, asi hapana kana mumwe wavo akagamuchira zvakanga zvavimbiswa.
40 因為天主早己為我們預備了一種更好的事,以致若沒有我們,他們決得不到成全。
Mwari akanga atigadzirira chimwe chinhu chiri nani pakunaka, kuitira kuti ivo pamwe chete nesu tigoitwa vakakwana.