< 創世記 21 >

1 上主照所許的,眷顧了撒辣;上主對撒辣實踐了他所說的話。
Zvino Jehovha akaitira Sara nyasha sezvaakanga areva, uye Jehovha akaitira Sara zvaakanga avimbisa.
2 撒辣懷了孕,在天主所許的時期,給年老的亞巴郎生了一個兒子。
Sara akava nemimba uye akaberekera Abhurahama mwanakomana munguva yokukwegura kwake, panguva chaiyo yakanga yavimbiswa naMwari.
3 亞巴郎為撒辣給他所生的兒子,起名叫依撒格。
Abhurahama akatumidza mwanakomana waakaberekerwa naSara zita rokuti Isaka.
4 生後第八天,亞巴郎照天主所吩咐的給自己的兒子依撒格行了割損。
Mwanakomana wake Isaka paakanga ava namazuva masere okuberekwa, Abhurahama akamudzingisa, sezvaakanga arayirwa naMwari.
5 他兒子依撒格誕生時,亞巴郎正一百歲;
Abhurahama akanga ava namakore okuberekwa zana paakaberekerwa mwanakomana wake Isaka.
6 為此撒辣說:「天主使我笑,凡聽見的也要與我一同笑。」
Sara akati, “Mwari andivigira kuseka, uye vose vachanzwa nezvazvo vachaseka neni.”
7 又說:「誰能告訴亞巴郎,撒辣要哺養兒子呢﹖可是我在他老年,卻給他生了個兒子。」
Uye akatizve, “Ndianiko aizoti kuna Abhurahama, Sara achazorera vana? Asi ndamuberekera mwanakomana panguva yokukwegura kwake.”
8 孩子漸漸長大,斷了乳;在依撒格斷乳的那天,亞巴郎擺了盛宴。
Mwana akakura uye akarumurwa, uye pazuva rakarumurwa Isaka, Abhurahama akaita mutambo mukuru.
9 撒辣見那埃及女人哈加爾給亞巴郎生的兒子,戲笑自己的兒子依撒格,
Asi Sara akaona mwanakomana akanga aberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita achiseka,
10 就對亞巴郎說:「你該趕走這婢女和她的兒子,因為這婢女的兒子不能和我的兒子依撒格一同承受家業。」
ndokubva ati kuna Abhurahama, “Dzinga mukadzi murandakadzi uyo nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi uyo haangatongogovani nhaka nomwanakomana wangu Isaka.”
11 亞巴郎為了他這兒子的事很是苦惱。
Nyaya iyi yakatambudza Abhurahama zvikuru kwazvo nokuti yaiva nechokuita nomwanakomana wake.
12 但天主對亞巴郎說:「你不必為這孩子和你的婢女苦惱;凡撒辣對你說的,你都可聽從,因為只有藉依撒格你的名才能傳後。
Asi Mwari akati kwaari, “Usanyanya kutambudzika hako pamusoro pomukomana uye napamusoro pomurandakadzi wako. Teerera zvaunoudzwa naSara, nokuti muna Isaka ndimo muchaverengerwa vana vako.
13 至於這婢女的兒子,我也要使他成為一大民族,因為他也是你的孩子。」
Ndichaitawo rudzi kubudikidza nomwanakomana womurandakadzi, nokuti naiyewo mwana wako.”
14 第二天,亞巴郎清早起來拿了餅和一皮囊水,交給哈加爾,放在她肩上,又將孩子交給她,打發她走了。她一路前行,在貝爾舍巴曠野迷失了路。
Mangwanani akatevera, Abhurahama akatora zvokudya neguchu redehwe rine mvura akazvipa kuna Hagari. Akazviisa pamapfudzi ake ipapo akamuendesa pamwe chete nomukomana. Akaenda uye akadzungaira ari mugwenga reBheerishebha.
15 那時皮囊裏的水已用盡,她把孩子丟在一堆小樹下,
Mvura yaiva muguchu redehwe yakati yapera, akaisa mukomana pasi pegwenzi.
16 自己走開,在約離一箭之遠的對面坐下,自言自語說:「我不忍見這孩子夭折。」就坐在對面放聲大哭。
Ipapo akabvapo akandogara pedyo naipapo, nhambwe inenge ingasvika museve, nokuti akafunga mumwoyo make akati, “Handingatariri mukomana achifa.” Uye agere pedyo ipapo akatanga kuchema.
17 天主聽見孩子啼哭,天主的使者由天上呼喚哈加爾說:「哈加爾! 你有什麼事﹖不要害怕,因為天主已聽見孩子在那裏的哭聲。
Mwari akanzwa mukomana achichema, uye mutumwa waMwari akadana Hagari kubva kudenga akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya; Mwari anzwa kuchema kwomukomana paakavata apo.
18 起來,去扶起孩子來,用手攙著他,因為我要使他成為一大民族。」
Simudza mukomana umubate noruoko, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.”
19 天主於是開了她的眼,她看見了一口水井,遂去將皮囊灌滿了水,給孩子喝。
Ipapo Mwari akasvinudza meso ake uye akaona tsime remvura. Saka akaenda akandozadza guchu nemvura ndokubva apa mukomana kuti anwe.
20 天主與孩子同在,他漸漸長大住在曠野,成了個弓手。
Mwari akava nomukomana pakukura kwake. Akagara mugwenga akazova munhu aipfura nouta.
21 他住在帕蘭曠野;他母親由埃及地給他娶了一個妻子。
Paakanga achigara mugwenga reParani, mai vake vakamutsvakira mukadzi aibva kuIjipiti.
22 那時阿彼默肋客同他的司令非苛耳對亞巴郎說:「在你所作的一切事上,天主常與你同在。
Panguva iyoyo Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake, akati kuna Abhurahama, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita.
23 現在你在這裏要指著天主對我起誓:總不要虧待我和我的子子孫孫。我怎樣厚待了你,你也要怎樣厚待我和你寄居的地方。」
Zvino ndipikire pano pamberi paMwari kuti hauzondinyengeri ini, kana vana vangu kana zvizvarwa zvangu. Ndiitirei tsitsi ini nenyika yaugere mairi somutorwa, kuti sezvandakakuitira tsitsi uchaita zvimwe chetezvo newewo.”
24 亞巴郎回答說:「我願起誓。」
Abhurahama akati, “Ndinopika.”
25 亞巴郎為了阿彼默肋客的僕人霸佔了一口水井,就責斥阿彼默肋客。
Ipapo Abhurahama akamhanʼara kuna Abhimereki pamusoro petsime remvura rakanga ratorwa navaranda vaAbhimereki.
26 阿彼默肋客回答說:「我不知道誰作了這事,你也沒有通知我,我到今天才聽說。」
Asi Abhimereki akati, “Handizivi akaita izvozvo. Iwe hauna kundiudza, uye ndatozvinzwa izvozvo nhasi chaiye.”
27 亞巴郎遂把牛羊交給阿彼默肋客,二人互相立了約。
Saka Abhurahama akauya namakwai nemombe akazvipa kuna Abhimereki, uye varume vaviri ava vakaita sungano.
28 亞巴郎又將羊群中七隻母羔羊,另放在一邊。
Abhurahama akatsaura sheche nomwe dzamakwayana kubva kuboka,
29 阿彼默肋客問亞巴郎說:「將這七隻母羔羊另放一邊,請問有什麼意思﹖」
uye Abhimereki akabvunza Abhurahama akati, “Sheche dzamakwai idzi dzawatsaura dzinoreveiko?”
30 他答說:「你要由我手中接受這七隻母羔羊,作我挖了這口水井的憑據。」
Akapindura achiti, “Gamuchira makwayana manomwe aya kubva muruoko rwangu sechapupu chokuti ndini ndakachera tsime iri.”
31 因為他們二人在那裏起了誓,為此那地方叫做貝爾舍巴。
Saka nzvimbo iyo yakanzi Bheerishebha, nokuti varume vaviri ava vakapika mhiko ipapo.
32 他們在貝爾舍巴立了約,阿彼默肋客同他的司令非苛耳起身回培肋舍特地去了。
Mushure mokuitwa kwesungano paBheerishebha, Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake vakadzokera kunyika yavaFiristia.
33 亞巴郎在貝爾舍巴栽了一株檉柳,在那裏呼求了上主,永恒天主的名。
Abhurahama akadyara muti womutamarisiki muBheerishebha, uye ipapo akadana kuzita raJehovha, Mwari Wokusingaperi.
34 亞巴郎在培肋舍特人地內住了許久。
Uye Abhurahama akagara munyika yavaFiristia kwenguva refu.

< 創世記 21 >