< 創世記 2 >
Naizvozvo matenga nenyika zvakapera mukushongedzwa kukuru kwazvo kwose.
2 到第七天天主造物的工程已完成,就在第七天休息,停止了所作的一切工程。
Pazuva rechinomwe Mwari akanga apedza basa raakanga achiita; saka pazuva rechinomwe akazorora pamabasa ake ose.
3 天主祝福了第七天,定為聖日,因為這一天,天主停止了他所行的一切創造工作。
Uye Mwari akaropafadza zuva rechinomwe akariita dzvene nokuti pazuva iro akazorora pabasa rose rokusika raakanga aita.
Iyi ndiyo rondedzero yamatenga nenyika pazvakasikwa. Jehovha Mwari paakaita nyika namatenga,
5 地上還沒有灌木,田間也沒有生出蔬菜,因為上主天主還沒有使雨降在地上,也沒有人耕種土地,
uye kwakanga kusati kwava namakwenzi esango panyika, uye miriwo yesango yakanga isati yamera, nokuti Jehovha Mwari akanga asati anayisa mvura panyika uye kwakanga kusina munhu wokuzorima panyika,
asi hova dzaibuda dzichibva pasi uye dzichinyorovesa pasi pose,
7 上主天主用地上的灰土形成了人,在他鼻孔內吹了一口生氣,人就成了一個有靈的生物。
Jehovha Mwari akaumba munhu kubva paguruva revhu uye akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, uye munhu akava mupenyu.
8 上主天主在伊甸東部種植了一個樂園,就將他形成的人安置在裏面。
Zvino Jehovha Mwari akanga adyara bindu kumabvazuva, muEdheni; uye akaisa munhu waakanga aumba imomo.
9 上主天主使地面生出各種好看好吃的果樹,生命樹和知善惡樹在樂園中央。
Uye Jehovha Mwari akaita mhando dzose dzemiti kuti dzimere kubva muvhu, miti yaifadza meso uye yakanga yakanaka pakudya. Pakati pebindu pakanga pano muti woupenyu nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.
10 有一條河由伊甸流出灌溉樂園,由那裏分為四支:
Rwizi rwaidiridza bindu rwaiyerera ruchibva muEdheni; kubva imomo rwakaparadzana rukava hova ina.
Zita rerwokutanga ndiPishoni; runopoterera nomunyika yose yeHavhira, imomo mune goridhe.
(Goridhe romunyika iyoyo rakanaka; uyewo dheriamu nebwe reonikisi zvirimo.)
Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; runopoterera nomunyika yose yeEtiopia.
14 第三支河名叫底格里斯,流入亞述東部;第四支河即幼發拉的。
Zita rorwizi rwechitatu ndiTigirisi; runoyerera ruchitevedza rutivi rwamabvazuva eAshuri. Uye rwizi rwechina ndiYufuratesi.
15 上主天主將人安置在伊甸的樂園內,叫他耕種,看守樂園。
Jehovha Mwari akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni kuti aririme nokurichengeta.
16 上主天主給人下令說:「樂園中各樹上的果子,你都可吃,
Uye Jehovha Mwari akarayira munhu achiti, “Wakasununguka kuti udye zvinobva pamuti upi zvawo uri mubindu;
17 只有知善惡樹上的果子你不可吃,因為那一天你吃了,必定要死。」
asi haufaniri kudya zvinobva pamuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti pauchaudya uchafa zvirokwazvo.”
18 上主天主說:「人單獨不好,我要給他造個與他相稱的助手。」
Jehovha Mwari akati, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.”
19 上主天主用塵土造了各種野獸和天空中的各種飛鳥,都引到人面前,看他怎樣起名;凡人給生物起的名字,就成了那生物的名字。
Zvino Jehovha Mwari akanga aumba kubva muvhu, mhuka dzose dzesango neshiri dzose dzedenga. Akazviuyisa kumunhu kuti aone kuti achazvitumidza mazita api, uye chisikwa chipenyu chimwe nechimwe sezvachakatumidzwa nomunhu, ndiro rakava zita racho.
20 人遂給各主畜牲、天空中的各種飛鳥和各種野獸起了名字;但他沒有找著一個與自己相稱的助手。
Saka munhu akatumidza mazita kuzvipfuwo zvose, nokushiri dzose dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi kuna Adhamu kwakanga kusina kuwanikwa mubatsiri akamukwanira.
21 上主天主遂使人熟睡,當他睡著了,就取出了他的一根肋骨,再用肉補滿原處。
Saka Jehovha Mwari akaita kuti munhu avate hope huru; uye paakanga achakavata, akatora rumwe rumbabvu rwomunhu akavhara nenyama nzvimbo yaakarubvisa.
22 然後上主天主用那由人取來的肋骨,形成了一個女人,引她到人前,
Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume.
23 遂說:「這才真是我的親骨肉,她應稱為「女人,」因為是由男人取出的。」
Murume akati, “Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu; achanzi ‘mukadzi’, nokuti akatorwa kubva pamurume.”
24 為此人應離開自己的父母,依附自己的妻子,二人成為一體。
Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
Murume nomukadzi wake vakanga vasina kusimira vose, uye havana kutongonyara.