< 創世記 18 >
1 天正熱的時候,亞巴郎坐在帳幕門口,上主在瑪默勒橡樹林那裏,給他顯現出來。
Jehovha akazviratidza kuna Abhurahama pedyo nemiti mikuru yeMamure panguva yaakanga agere pamukova wokupinda patende rake masikati zuva richipisa.
2 他舉目一望,見有三人站在對面。他一見就由帳幕門口跑去迎接他們,俯伏在地,
Abhurahama akasimudza meso ake ndokuona varume vatatu vamire naye. Akati avaona, akamhanya achibva pamukova wetende rake kuti andosangana navo uye akakotamira pasi.
3 說:「我主如果我蒙你垂愛,請不要由你僕人這裏走過去,
Akati, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu, musapfuura henyu muranda wenyu.
4 我叫人拿點水來,洗洗你們的腳,然後在樹下休息休息。
Regai muvigirwe mvura shoma, mugoshamba tsoka dzenyu mose uye mugozorora pasi pomuti uyu.
5 你們既然路過你僕人這裏,等我拿點餅來,吃點點心,然後再走。」他們答說:「就照你所說的做罷! 」
Regai ndikutorerei zvokudya kuti mudye, kuitira kuti musimbiswe ipapo mugoenderera henyu mberi norwendo rwenyu, sezvo zvino masvika pamuranda wenyu.” Vakapindura vakati, “Zvakanaka, ita hako sezvawareva.”
6 亞巴郎趕快進入帳幕,到撒辣前說:「你快拿三斗細麵,和一和,作些餅。」
Saka Abhurahama akakurumidza kuenda kutende kuna Sara. Akati kwaari, “Kurumidza, tora zviero zvitatu zvoupfu hwakatsetseka uhukanye ugobika chingwa.”
7 遂又跑到牛群中,選了一頭又嫩又肥的牛犢,交給僕人,要他趕快煮好。
Ipapo iye akamhanyira kumombe akandosarudza mhuru yakaisvonaka, akaipa kumuranda, uyo akakurumidza kuigadzira.
8 亞巴郎遂拿了凝乳和牛奶,及預備好了的牛犢,擺在他們面前;他們吃的時候,自己在樹下侍候。
Ipapo akauyisa ruomba nomukaka uye nemhuru yakanga yagadzirwa, akazvigadzika pamberi pavo. Pavakanga vachidya, akamira pedyo navo pasi pomuti.
9 他們對他說:「你的妻子撒辣在那裏﹖」他答說:「在帳幕裏。」
Vakamubvunza vakati, “Mukadzi wako Sara aripiko?” Iye akati, “Ari mutende umo.”
10 其中一位說:「明年此時我必回到你這裏,那時,你的妻子撒辣要有一個兒子。」辣其時正在那人背後的帳幕門口竊聽。
Ipapo Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichadzokazve gore rinouya nenguva inenge seino, uye Sara mukadzi wako achava nomwanakomana.” Zvino Sara akanga achiteerera ari pamukova wetende wakanga uri shure kwake.
11 亞巴郎和撒辣都已年老,年紀很大,而且撒辣的月經早已停止。
Abhurahama naSara vakanga vakwegura uye vava namakore mazhinji, uye Sara akanga atopfuura zera rokubereka vana.
12 撒辣遂心裏竊笑說:「現在,我已衰老,同我年老的丈夫,還有這喜事嗎﹖」
Saka Sara akaseka mumwoyo make paakafunga achiti, “Ndichazovawo nomufaro uyu here zvino shure kwokuchembera kwangu, vatenzi vangu vakwegura?”
13 上主對亞巴郎說:「撒辣為什麼笑﹖且說:像我這樣老,真的還能生育﹖
Ipapo Jehovha akati kuna Abhurahama, “Seiko Sara aseka achiti, ‘Ndichava nomwana zvechokwadi here, sezvo zvino ndakwegura?’
14 為上主豈有難事﹖明年這時,我必要回到你這裏,那時撒辣必有一個兒子。」
Pane chinhu chakaoma kuna Jehovha here? Ndichadzokazve kwauri gore rinouya senguva dzakatarwa uye Sara achava nomwanakomana.”
15 撒辣害怕了,否認說:「我沒有笑。」但是那位說:「不,你實在笑了。」
Sara akatya, saka akareva nhema akati, “Handina kuseka.” Asi iye akati, “Hongu, waseka.”
16 後來那三人由那裏起身,望著索多瑪前行;亞巴郎送他們,也一同前行。
Varume vakati vasimuka kuti vaende, vakatarisa vakananga zasi kuSodhomu, uye Abhurahama akafamba navo achivaperekedza.
Ipapo Jehovha akati, “Ko, ndichavanzira Abhurahama zvandiri kuda kuita here.
18 因為他要成為一強大而又興盛的民族,地上所有的民族,都要因他蒙受祝福;
Zvirokwazvo Abhurahama achava rudzi rukuru rune simba, uye ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa kubudikidza naye.
19 何況我揀選了他,是要他訓令自己的子孫和未來的家族,保持上主的正道,實行公義正道,好使上主能實現他對亞巴郎所許的事。」
Nokuti ndakamusarudza kuti agotungamirira vana vake neveimba yake kuti vachengete nzira yaJehovha nokuita zvakanaka nezvakarurama, kuitira kuti Jehovha agouyisa pamusoro paAbhurahama zvaakamuvimbisa.”
20 上主於是說:「控告索多瑪和哈摩辣的聲音實在很大,他們的罪惡實在深重!
Ipapo Jehovha akati, “Kuchema pamusoro peSodhomu neGomora kukuru kwazvo uye chivi chavo chaipisisa
21 我要下去看看,願意知道:是否他們所行的全如達到我前的呼聲一樣。」
zvokuti ndichaburuka kuti ndinoona kana zvavakaita zvakanyanya kuipa sokuchema kwakasvika kwandiri. Kana zvisina kudaro, ndichazviziva.”
22 三人中有二人轉身向索多瑪走去;亞巴郎卻仍立在上主面前。
Vanhu vaya vakabvapo uye vakaenda vakananga kuSodhomu, asi Abhurahama akaramba amire pamberi paJehovha.
23 亞巴郎近前來說:「你真要將義人同惡人一起消滅嗎﹖
Ipapo Abhurahama akaswedera kwaari akati, “Ko, muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here?
24 假如城中有五十個義人,你還要消滅嗎﹖不為其中的那五十個義人,赦免那地方嗎﹖
Ko, kana muguta mune vanhu makumi mashanu vakarurama? Muchariparadza zvechokwadi here mukasasiya nzvimbo iyo nokuda kwavanhu makumi mashanu varimo?
25 你決不能如此行事,將義人同惡人一併誅滅;將義人如惡人一樣看待,你決不能! 審判全地的主,豈能不行公義﹖」
Zvakadaro ngazvive kure nemi kuti muite chinhu chakadai, kuti muuraye vakarurama pamwe chete navatadzi, muchiitira vakarurama zvakafanana navatadzi. Zvakadaro ngazvive kure nemi! Ko, mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?”
26 上主答說:「假如我在索多瑪城中找出了五十個義人,為了他們我要赦免整個地方。」
Jehovha akati, “Kana ndikawana vanhu vakarurama makumi mashanu vari muguta reSodhomu, ndichaponesa nzvimbo yose nokuda kwavo.”
Ipapo Abhurahama akataurazve akati, “Zvino zvandatanga kudai kuti nditaure kuna Ishe, kunyange hazvo ndisiri chinhu asi guruva namadota,
28 我雖只是塵埃灰土,膽敢再對我主說:假如五十個義人中少了五個怎樣﹖你就為了少五個而毀滅全城嗎﹖」他答說:「假如我在那裏找到四十五個,我不毀滅。」
ko, kana kukashayikwa vashanu kune vakarurama vana makumi mashanu? Muchaparadza guta rose nokuda kwavashanu ava here?” Akati, “Kana ndikawana makumi mana navashanu imomo, handingariparadzi.”
29 亞巴郎再向他進言說:「假如在那裏找到四十個怎樣﹖」他答說:「為了這四十個我也不做這事。」
Zvakarezve akataura kwaari akati, “Ko, kana kukawanikwa makumi mana chete?” Iye akati, “Nokuda kwamakumi mana iwayo, handingaiti izvozvo.”
30 亞巴郎說:「求我主且勿動怒,容我再進一言:假如在那裏找到三十個怎樣﹖」他答說:「假如在那裏我找到三十個,我也不做這事。」
Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai nditaure hangu. Ko, kana makumi matatu chete vakawanikwamo?” Iye akapindura akati, “Handingaiti izvozvo kana ndikawana makumi matatu chete.”
31 亞巴郎說:「我再放膽對我主進一言:假如在那裏找到二十個怎樣﹖」他答說:「為了這二十個,我也不毀滅。」
Abhurahama akati, “Zvino zvandatsunga hangu kudai kuti nditaure kuna Ishe, ko, kana makumi maviri akawanikwamo?” Iye akati, “Nokuda kwamakumi maviri iwayo, handingariparadzi.”
32 亞巴郎求:「求我主且勿動怒,容我最後一次進言:假如在那裏找到十個怎樣﹖」他答說:「為了這十個我也不毀滅。」
Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai hangu nditaurezve kamwe chete. Ko, kana gumi chete vakawanikwamo?” Iye akapindura akati, “Nokuda kwaivavo gumi, handingariparadzi.”
33 上主向亞巴郎說完話就走了;亞巴郎也回家去了。
Jehovha akati apedza kutaura naAbhurahama, akabva, uye Abhurahama akadzoka kumba kwake.