< 創世記 13 >
1 亞巴郎帶了妻子和他所有的一切,與羅特一同由埃及上來,往乃革布去。
Saka Abhurama akakwidza achibva kuIjipiti akaenda kuNegevhi, nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo, uye Roti akaenda naye.
Abhurama akanga apfuma kwazvo pamombe nesirivha uye negoridhe.
3 他由乃革布逐漸往貝特耳移動帳幕,到了先前他在貝特耳與哈依之間,支搭帳幕的地方,
Kubva kuNegevhi akafamba nzvimbo nenzvimbo kudzamara asvika kuBheteri, kunzvimbo iri pakati peBheteri neAi kwaimbova netende rake kare
uye kwaakanga atanga kuvaka aritari. Abhurama akadana kuzita raJehovha ikoko.
Zvino Roti, uyo akanga achifamba naAbhurama, akanga ana makwai nemombewo namatende.
6 那地方容不下他們住在一起,因為他們的產業太多,無法住在一起。
Asi nyika haina kugona kuvaringana kuti vagare pamwe chete, nokuti pfuma yavo yakanga yakawanda kwazvo zvokuti vakanga vasisakwanisi kugara pamwe chete.
7 牧放亞巴郎牲畜的人與牧放羅特牲畜的人,時常發生口角--當時客納罕人和培黎齊人尚住在那裏。
Uye gakava rakamuka pakati pavafudzi vaAbhurama navafudzi vaRoti. VaKenani navaPerizi vakanga vachigarawo munyika panguva iyoyo.
8 亞巴郎遂對羅特說:「在我與你,我的牧人與你的牧人之間,請不要發生口角,因為我們是至親。
Saka Abhurama akati kuna Roti, “Ngaparege kuva negakava pakati pako neni, kana pakati pavafudzi vako nevangu, nokuti tiri hama.
9 所有的地方不是都在你面前嗎﹖請你與我分開。你若往左,我就往右;你若往右,我就往左。」
Ko, nyika yose iyi haisi pamberi pako here? Ngatiparadzane. Kana ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana ukaenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.”
10 羅特舉目看見約但河整個平原,直到左哈爾一帶全有水灌溉,--這是在上主消滅索多瑪和哈摩辣以前的事,--有如上主的樂園,有如埃及地。
Roti akatarira kumusoro akaona bani rose reJorodhani kuti rakanga rakanyatsonyorova, sebindu raJehovha, kufanana nenyika yeIjipiti, kwakanangana neZoari. (Panguva iyi Jehovha akanga achigere kuparadza Sodhomu neGomora.)
11 羅特選了約但河的整個平原,遂興東方遷移;這樣,他們就彼此分開了:
Saka Roti akazvisarudzira bani rose reJorodhani uye akasimuka akananga kumabvazuva. Varume vaviri ava vakaparadzana:
12 亞巴郎住在客納罕地;羅特住在平原的城市中,漸漸移動帳幕,直到索多瑪。
Abhurama akagara munyika yeKenani, Roti akagara pakati pamaguta omumapani uye akadzika matende ake pedyo neSodhomu.
Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa uye vaitadzira Jehovha kwazvo.
14 羅特與亞巴郎分離以後,上主對亞巴郎說:「請你舉起眼來,由你所在的地方,向東西南北觀看;
Jehovha akati kuna Abhurama shure kwokubva kwaRoti, “Simudza meso ako uri pauri ipapo uye utarire kumusoro nezasi, kumabvazuva nokumavirira.
15 凡你看見的地方,我都要永遠賜給你和你的後裔。
Nyika yose yauri kuona ndichakupa iwe navana vako nokusingaperi.
16 我要使你的後裔有如地上的灰塵;如果人能數清地上的灰塵,也能數清你的後裔。
Ndichaita kuti vana vako vave seguruva renyika, zvokuti kana pano munhu angagona kuverenga guruva, naizvozvo vana vako vachagona kuverengwawo.
17 你起來,縱橫走遍這地,因為我要將這地賜給你。」
Enda, famba munyika, muurefu nomuupamhi hwayo, nokuti ndichaipa kwauri.”
18 於是亞巴郎移動了帳幕,來到赫貝龍的瑪默勒橡樹區居住,在那裏給上主築了一座祭壇。
Saka Abhurama akabvisa matende ake uye akandogara pedyo nemiti mikuru yeMamure paHebhuroni, uye akavakira Jehovha aritari ipapo.