< 以西結書 29 >

1 十年十月十二日,上主的話傳給我說:「
Mugore regumi, mumwedzi wegumi pazuva regumi namaviri, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 人子,你面向埃及王法郎,講預言攻擊他和埃及全國。
“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro paFaro mambo weIjipiti.
3 你應發言說:吾主上主這樣說:埃及王法郎,你這臥在河中的大鱷魚! 看,我要攻擊你;你曾說過:『河是我的,是我造成的。』
Taura kwaari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “‘Ndine mhaka newe, iwe Faro mambo weIjipiti, iyewe shato huru uvete pakati pehova dzako. Iwe unoti, “Nairi ndorwangu; ndakazvigadzirira pachangu.”
4 但是我要用鉤子鉤住你的鰓,使你河中的魚都附在你的鱗上,將你和你河中所有附在你鱗上的魚,從河中拉上來;
Asi ndichaisa zvikokovono mushaya dzako, uye ndichaita kuti hove dzomuhova dzako dzinamatire pamakwati ako. Ndichakukwevera kunze ubve pakati pehova dzako, nehove dzose dzakanamatira pamakwati ako.
5 將你和你河中的魚拋在曠野;你要倒斃在地面上,而無人收殮,也無人掩埋;我要把你交給地上的走獸和空中的飛鳥作食物;
Ndichakusiya mugwenga, iwe nehove dzose dzomuhova dzako. Uchawira pasi pabani pachena zvapo, uye haungaunganidzwi kana kunongwa. Ndichakupa sechokudya kuzvikara zvenyika neshiri dzedenga.
6 如此,所有埃及的居民便承認我是上主,因為你曾作過支持以色列家族的蘆葦,
Ipapo vose vagere muIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha. “‘Wakanga uri tsvimbo yorutsanga kuimba yaIsraeri.
7 當他們手中握著你時,你就破裂了,刺傷了他們的手掌;他們依靠你時,你就折斷了,使他們的腰顫慄;
Vakati vachikubata namaoko avo, iwe ukatsemuka, ukabvarura mapfudzi avo; pavakasendamira pauri, wakavhunika misana yavo ndokuminama.
8 為此,吾主上主這樣說:看,我要使刀臨於你,消滅你境內的人和獸,
“‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisa munondo kuzokurwisa nokuuraya vanhu vako nezvipfuwo zvavo.
9 埃及地將成為荒野沙漠:這樣,他們便承認我是上主;因為你說過:『河是我的,是我造成的。』
Ijipiti ichava dongo rakaparadzwa. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha. “‘Nokuti iwe wakati, “Nairi ndorwangu; ndini ndakaruita,”
10 為此,看,我要攻擊你和你的河,我要使埃及地,由米革多耳到色威乃,直到雇士邊界,都成為荒野和沙漠。
naizvozvo ndine mhaka newe nehova dzako, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparadzwe ive dongo kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, kundosvika kumuganhu weEtiopia.
11 人足不再經過那裏,獸蹄也不從那裏踏過;無人居住凡四十年之久。
Hakuna rutsoka kana rwemhuka ruchapfuura nomo; hakuna achagaramo kwamakore makumi mana.
12 我要使埃及地成為荒蕪地中最荒蕪的,使她的城變為荒廢城中最荒廢的,凡四十年之久;我便要把埃及人分散到外邦,散佈在各地。
Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta ayo achava matongo kwamakore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo. Uye ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi, ndichavadzingira kunyika zhinji.
13 因為吾主上主這樣說:過了四十年,我必從各民族中把四散的埃及人聚集起來,
“‘Asi zvanzi naIshe Jehovha: Mushure mamakore makumi mana ndichaunganidza vaIjipita kubva kundudzi dzandakanga ndavadzingira.
14 我要轉變埃及人的命運,領他們回到他們出生的帕特洛斯地方,他們要在那裏成立一個小國。
Ndichavadzosa kubva kuutapwa ndigovadzosera kunyika yePatirosi, nyika yamadzitateguru avo. Vachava ushe hwakazvidzwa ikoko.
15 在萬國中她是最小的,再也不得高踞萬民之上;我還要減少他們的人數,使她不再統治列國,
Huchava ushe hwakazvidzika chose uye hahuchazozvisimudzirizve pamusoro pedzimwe ndudzi.
16 也不再做以色列家族的靠山,卻使以色列記起求救於他們的罪行:如此,他們必承認我是上主。」
Ijipiti haichazombovizve chivimbo chavanhu veIsraeri asi ichava chirangaridzo chechivi chavo chokucheukira kwairi kuti vabatsirwe. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’”
17 二十七年一月一日,上主的話傳給我說:「
Mugore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga pazuva rokutanga, shoko rakasvika kwandiri richiti,
18 人子,巴比倫王拿步高為攻打提洛,使自己的軍隊服了重役,他們的頭都禿了肩也磨破了;但是他和他的軍隊為攻打提洛所服的重役,從提洛卻沒有報酬;
“Mwanakomana womunhu, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; musoro mumwe nomumwe wakasvuurwa uye pfudzi rimwe nerimwe rakasvotorwa. Kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kuwana mubayiro pamusoro pebasa ravakaita achirwa naro.
19 為此吾主上主這樣說:看,我必將埃及地交給巴比倫王拿步高,他要運走她的財富,奪去她的掠物,搶去她的戰利品,作為自己軍隊的報酬。
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kuzopa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye iye achatapa pfuma yayo. Achapamba nokutora nyika somuripo wehondo yake.
20 我將埃及地賜給他,作為他服役的報酬,因為他們為我而工作──吾主上主的斷語──
Ndakamupa Ijipiti somubayiro wokushingaira kwake nokuti iye nehondo yake vakandibatira ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
21 在那一天我要給以色列興起一位大能者,我要使你在他們中間開口:如此他們必承認我是上主。」
“Pazuva iro ndichameresa runyanga rweimba yaIsraeri, uye ndichazarura muromo wako pakati pavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

< 以西結書 29 >