< 以西結書 2 >
Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, simuka netsoka dzako nditaure newe.”
2 他向我講話時,有一種神力進入我內,使我站起來,也聽見他同我講話。
Akati achitaura, Mweya wakapinda mandiri ukandisimudza netsoka dzangu, ndikamunzwa achitaura neni.
3 他向我說:「人子,我派遣你到以色列子民,到反抗我的那個叛逆的人民那裏去,他們和他們的祖先,直到今天還違背我。
Akati, “Mwanakomana womunhu, ndiri kukutuma kuvaIsraeri, kurudzi runomukira irwo rwakandimukira; ivo namadzibaba avo vanga vachingondipandukira kusvikira zuva ranhasi.
4 那些子民雖厚顏無恥,心腸頑硬,我仍派遣你到他們那裏,向他們說:吾主上主這樣說:
Vanhu vandinokutuma kwavari, vakavangarara uye vakasindimara. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha.’
5 他們或是聽,或是不聽──他們原是叛逆的家族──終究要承認在他們中有一位先知。
Uye kunyange vakanzwa kana kuti vakaramba kunzwa, nokuti ivo imba inomukira, vachaziva kuti muprofita akanga ari pakati pavo.
6 人子,你不必怕他們,也不要怕他們說什麼,也不要怕他們反抗你,輕慢你,好像叫你坐在毒蠍之上;不要怕他們說什麼,在他們面前,也不要膽怯,因為他們是叛逆的家族。
Uye iwe, mwanakomana womunhu, usavatya kana mashoko avo. Usatya, kunyange wakakombwa neminzwa norukato uye ugere pakati pezvinyavada. Usatya zvavanotaura kana kuvhundutswa navo, kunyange vari imba inomukira.
7 無論他們聽,或是不聽,你應向他們宣講我的話,他們原是叛逆的家族。」「
Unofanira kutaura mashoko angu kwavari kunyange vakateerera kana kuti vakaramba kuteerera, nokuti ivo vanondimukira.
8 人子,你要聽我向你講的話,你不要叛逆,像叛逆的家族。你要張口,把我給你的吞下。」
Asi iwe, mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza. Usandimukira sezvinoita imba iyo inondimukira; shama muromo wako udye zvandinokupa.”
9 我觀望時,看,有一隻手向我伸來,手上有一卷書。
Ipapo ndakatarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri. Marwuri makanga mune gwaro,
10 他把那卷書在我面前展開,內外都寫著字,寫的是:「哀傷、悲歎和災禍。」
rakapetenurwa pamberi pangu. Rakanga rakanyorwa kumativi aro ose mashoko okuchema nokuungudza nenhamo.