< 以西結書 19 >
“Chema pamusoro pamachinda eIsraeri
2 說:「你的母親原像什麼﹖她像群獅中的一隻牝獅,臥在壯獅中養大了幼獅。
uti: “‘Mai vako vaiva shumbakadzi yakadii pakati peshumba! Yaivata pasi pakati peshumba duku uye yairera vana vayo.
3 牠養大了一隻幼小的。牠就長成了壯獅,學會了撕裂獵物,吞噬人類。
Yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba yakasimba. Yakadzidza kubvambura nyama, uye yaidya vanhu.
4 列國於是下令追捕牠,牠遂在她們所設的陷阱中被捕,人便用鼻環把牠牽到埃及地。
Ndudzi dzakanzwa nezvayo, dzikaibata muhunza yadzo. Vakaenda nayo nezvikokovono kunyika yeIjipiti.
5 母獅見自己所等待的,所希望的落了空,就另取了一隻幼獅,使牠成為壯獅。
“‘Yakati ichiona kuti tariro yayo haina kuzadziswa, yarasikirwa nezvayakanga yakatarisira, yakatora mumwe wevana vayo ndokumuita shumba yakasimba.
6 牠在群獅中徘徊,成了壯獅,學會了撕裂獵物,吞噬人類。
Yakafamba ichinyahwaira pakati peshumba, nokuti yakanga yava shumba ine simba zvino. Yakadzidza kubvambura chayabata uye yaidya vanhu.
7 牠把裂物帶到自己的穴中,恐嚇羊群,那地方和居民對牠的吼聲,無不驚懼。
Yakakoromora nhare dzavo uye ikaparadza maguta avo. Nyika navose vaivamo vakavhundutswa nokuomba kwayo.
8 於是各國由四周各地追蹤牠,設下羅網捕捉牠,終於在她們的陷阱中被捕。
Ipapo ndudzi dzakarwisana nayo, vaya vaibva kumatunhu akapoteredza. Vakaikandira mambure, iyo ndokubatwa muhunza yavo.
9 然後給牠帶上鼻環,把牠裝在籠中,將他解送到巴比倫王那裏,將牠囚禁在獄中,免得在以色列的山上再聽到牠的吼聲。
Vakaipinza muchizarira nezvikokovono vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi. Vakaiisa mutorongo, saka kuomba kwayo hakuna kuzonzwikwazve pamakomo aIsraeri.
10 你的母親像園中的一棵葡萄樹,栽植在水旁,因為水多,果實纍纍,枝葉繁茂。
“‘Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa mumunda wako wemizambiringa, wakasimwa pane mvura; wakanga une zvibereko uye uzere namatavi nokuda kwemvura zhinji.
11 她生出一根粗壯的枝條,可作統治者的權杖,它的軀幹高大,超過其他的枝葉。因它身量高大,在密茂的枝葉中,也可以見到。
Matavi awo akanga akasimba, akanakira kuva tsvimbo yomutongi. Wakanga wakareba kwazvo pamusoro pamatavi makobvu akapfumvutira, waionekera kumusoro-soro nokuda kwourefu hwawo, uye nokuda kwamatavi awo mazhinji.
12 但是在狂怒中,它竟被拔出,拋棄在地上,東風吹乾了它的果實,它粗壯的枝幹被折斷而乾枯,為火所焚燒。
Asi wakadzurwa nehasha ndokukandwa pasi. Mhepo yokumabvazuva yakauomesa, ukazunzwa michero yawo; matavi awo akasimba akaoma, uye moto ukaapisa.
Zvino wakasimwa mugwenga, munyika yakaoma ine nyota.
14 由枝梢上冒出一團火,焚燒了它的枝葉和果實,沒有給它留下一根粗壯的枝條,作統治者的權杖。」這是一篇哀歌,可為追悼之用。
Moto wakapambira uchibva kune rimwe davi rawo guru ndokupisa michero yawo. Hapana davi rakasimba rakasara pauri rakanakira kuva tsvimbo yomutongi.’ Uku kuchema uye kunofanira kushandiswa pakuchema.”