< 出埃及記 26 >
1 至於帳棚,應用十幅布幔做成;布幔用捻的細麻,紫色、紅色、朱紅色的毛線織成,用鏽工繡上革魯賓。
“Uite tabhenakeri nezvidzitiro gumi zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, nowebhuruu, pepuru nomutsvuku, namakerubhi akasonerwa mairi nemhizha dzamabasa amaoko.
2 每幅布幔長二十八肘,寬四肘;每幅布幔都是一樣的尺寸。
Zvidzitiro zvose zvinofanira kuva zvakaenzana, zvakareba makubhiti makumi maviri namasere uye makubhiti mana paupamhi.
Ubatanidze zvidzitiro zvishanu pamwe chete, ugoita zvimwe chetezvo nezvimwe zvishanu.
4 在這組布幔末端的邊上,應做上紫色的鈕;另一組布幔末幅的邊上,也應這樣作。
Uite zvishwe zvomucheka webhuruu kurutivi rwokumucheto wechidzitiro zvakabatanidzwa pamwe chete, uye ugoita zvimwe chete nechidzitiro chokumucheto mune zvimwe zvakabatanidzwa.
5 在這一幅上應做五十個鈕,在另一組布幔末幅的邊上,也應做上五十個鈕,這些鈕彼此相對。
Uite zvishwe makumi mashanu pachidzitiro chimwe chete uye makumi mashanu ezvishwe pamucheto wechidzitiro chezvimwe zvakabatanidzwa, zvishwe zvitarisane chimwe nechimwe.
6 又做五十個金鉤,用鉤子使兩組布幔彼此相連,成為一個帳棚。
Ipapo ugoita zvikoreko zvegoridhe makumi mashanu uye uzvishandise kubatanidza zvidzitiro pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe.
7 再用山羊毛做布幔,作帳棚頂之用;共做布幔十一幅。
“Uite zvidzitiro zvamakushe embudzi zvetende riri pamusoro petabhenakeri, zvose zvive gumi nerimwe pamwe chete.
8 每幅長三十肘,寬四肘;十一幅布幔都是一樣的尺寸。
Zvidzitiro zvose zviri gumi nerimwe zvinofanira kuenzana, makubhiti makumi matatu pakureba uye makubhiti mana paupamhi.
9 五幅布幔縫在一起,另六幅也縫在一起,但第六幅應在棚頂前面疊起。
Ubatanidze zvidzitiro zvishanu pamwe chete zviite chinhu chimwe chete uye zvimwe zvitanhatu zvivewo chinhu chimwe chete. Upete chidzitiro chechitanhatu kaviri pamberi petende.
10 在這一組布幔末幅的邊上,做上五十個鈕,在另一組布幔末幅的邊上,也做上五十個鈕,
Uite zvishwe makumi mashanu pamupendero wechidzitiro chokumucheto zvakabatanidzwa uyewo pamupendero wechidzitiro chokumucheto kwezvimwe zvakabatanidzwa.
11 再製五十個銅鉤穿入鈕內:這樣使棚頂連結在一起,成為一個。
Ipapo ugoita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu ugozviisa muzvishwe kuti zvibatanidze tende pamwe chete chigova chinhu chimwe chete.
12 至於棚頂布幔多出的一那一部份,即餘下的半幅布幔,應垂在帳棚後邊。
Kana zviri zvokuwedzera urefu hwezvidzitiro zvetende, hafu yechidzitiro inenge yasara inofanira kurembera necheshure kwetabhenakeri.
13 棚頂布幔的長度多出來的每邊一肘,應垂在帳棚的兩邊,好遮住帳棚。
Zvidzitiro zvetende zvinofanira kurebesa nekubhiti rimwe chete pamativi ose ari maviri; zvinenge zvasara zvinofanira kurembera pamativi etabhenakeri kuti zvigoifukidza.
14 再用染紅的公羊皮蒙在棚頂上,上邊再蒙上海豚皮。帳棚的木架
Uite chifukidzo chetende chamatehwe amakondobwe akapendwa nezvitsvuku, uye pamusoro paizvozvo chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa.
“Uitire tabhenakeri mapuranga akati twi amatanda omuunga.
Puranga rimwe nerimwe rinofanira kureba makubhiti gumi uye kubhiti nehafu paupamhi,
17 每塊木板下要做兩個筍頭,彼此並列;帳棚所有的木板,全都這樣做。
nembambo mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Uite mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyoyi.
18 支帳棚的木板,在向陽的一面,即南邊,應做二十塊木板;
Uite mapuranga makumi maviri okurutivi rwezasi rwetabhenakeri
19 在二十塊木板下邊做四十個銀卯座,每塊木板下兩個卯座,為安木板的兩筍頭。
uye uite zvigadziko zvesirivha makumi mana kuti zvive pasi pawo, zvigadziko zviviri papuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembambo imwe neimwe.
Kuno rumwe rutivi, rwokumusoro kwetabhenakeri, uite mapuranga makumi maviri,
uye zvigadziko zvesirivha makumi mana. Zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.
Uite mapuranga matanhatu kurutivi rwokumucheto cheto, ndiko kumavirira etabhenakeri,
uye uite mapuranga maviri amakona okumucheto cheto.
24 木板下端應是雙的,直到上端第一環,都應是雙的。兩塊木板都應這樣做,形成兩個角。
Pamakona maviri aya, anofanira kuva maviri maviri kubva pasi kusvikira kumusoro, uye agadzikwe mumhete imwe chete; ose ari maviri ngaave saizvozvo.
25 所以共有八塊木板,十六個銀卯座,每塊木板下兩個卯座。
Saka pachava namapuranga masere uye zvigadziko zvesirivha gumi nezvitanhatu, zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.
26 再用皂莢木做橫木:為帳棚的這一面木板做五根,
“Uyewo uite mbariro dzamatanda omuunga: shanu dzamapuranga okuno rumwe rutivi rwetabhenakeri,
27 為帳棚另一面木板,也做五根橫木;為帳棚後面,即西邊的木板,也做五根橫木。
shanu dzaaya ari pano rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga okumavirira, kumucheto cheto kwetabhenakeri.
Mbariro yapakati inofanira kutandavara kubva kumucheto kusvikira kuno mumwe mucheto napakati pamapuranga.
29 木板應包上金,穿橫木的環子應是金做的,橫木也包上金。
Ufukidze mapuranga negoridhe uye ugoita mhete dzegoridhe kuti dzigobata mbariro. Uyewo ufukidze mbariro negoridhe.
30 應依照在山上指示給你的式樣,建造帳棚。帳棚與門簾
“Umise tabhenakeri maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.
31 應用紫色、紅色、朱紅色的毛線和捻的細麻做帳棚幔,用繡工繡上革魯賓。
“Uite chidzitiro chebhuruu, nechepepuru nechitsvuku chomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, namakerubhi akasonerwapo nenyanzvi yokusona.
32 將帳幔掛在四根包金的皂莢木柱子上;柱釘應是金的,柱子應安在四個銀卯座上。
Urirembedze nezvikorekedzo zvegoridhe pamatanda mana omuunga akafukidzwa negoridhe uye amire pamusoro pezvigadziko zvina zvesirivha.
33 帳幔懸在鉤上;將約櫃抬到裏面即帳幔後面:這樣帳幔給你們隔成聖所和至聖所。
Urembedze chidzitiro pazvikorekedzo uye ugoisa areka yeChipupuriro shure kwechidzitiro. Chidzitiro ichi chichaparadzanisa nzvimbo tsvene nevnzvimbo tsvene-tsvene.
Uise chifukidziro chokuyananisa pamusoro peareka yeChipupuriro iri munzvimbo tsvene-tsvene.
35 將供桌放在帳棚外邊;將燈台安置在帳棚的南邊,對著供桌,所以應把供桌放在北邊。
Uise tafura kunze kwechidzitiro nechokumusoro kwetabhenakeri ugogadzika chigadziko chomwenje chakatarisana nayo nechezasi.
36 再用紫色、紅色、朱紅色的毛線和捻的細麻,編織會幕的門簾。
“Pamukova wokupinda mutende uite chidzitiro chewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romusoni anogona.
37 為掛門簾應做五根皂莢木柱子,包上金,柱釘應是金的;為柱子再鑄五個銅卯座。
Uite zvikorekedzo zvegoridhe zvechidzitiro ichi uye matanda mashanu omuunga akafukidzwa negoridhe. Uye uaumbire zvigadziko zvishanu zvendarira.