< 出埃及記 25 >

1 上主訓示梅瑟說:
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 「你吩咐以色列子民,叫他們送給我獻儀。凡甘心樂捐的人,你們可以收下他們獻於我的獻儀。
“Taurira vaIsraeri kuti vandivigire chipiriso. Unofanira kugamuchira chipiriso changu kubva kumunhu upi noupi anosundwa nomwoyo wake kuti ape.
3 以下是你們要接受的獻儀:金銀銅,
“Izvi ndizvo zvipiriso zvaunofanira kugamuchira kubva kwavari: “goridhe, sirivha, ndarira;
4 紫色、紅色、朱紅色的毛線,細麻和山羊毛,
wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nemicheka yakaisvonaka; makushe embudzi;
5 染紅的公羊皮、海豚皮和皂莢木,
matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuunga;
6 燈油,為傅體用的油和焚香的香料,
mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuhwira zvemafuta okuzodza anonhuhwira uye nezvimwe zvinonhuhwira;
7 紅瑪瑙石和為鑲在「厄弗得」和胸牌上的各種寶石。
mabwe eonikisi nezvimwe zvinokosha zvinofanira kuiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.
8 他們要為我建造一座聖所,好讓我住在他們中間。
“Ipapo uite kuti vaite nzvimbo yangu tsvene, uye ini ndichagara pakati pavo.
9 我現今指示你作帳棚和其中一切器皿的式樣,要完全按照式樣去製造。約櫃式樣
Muite tabhenakeri iyi nemidziyo yayo yose nomufananidzo wandichakuratidza.
10 應用皂莢木製造一個櫃,長二吋半,寬一肘半,高一肘半;
“Uite kuti vaite bhokisi ramatanda omuunga, rakareba makubhiti maviri nehafu, upamhi kubhiti nehafu, uye kubhiti nehafu pakukwira.
11 要內外全包上純金,上端周圍應鑲上金花邊。
Murifukidze negoridhe rakaisvonaka, mukati nokunze, uye muite hata yegoridhe yakaripoteredza.
12 鑄四個金環,安在櫃的腳上:這邊兩個,那邊兩個。
Muiumbire mhete ina dzegoridhe mugodzisungira pamakumbo aro mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye mhete mbiri kuno rumwe rutivi.
13 用皂莢木作兩根杠桿,包上金;
Ipapo mugoita matanda omuunga uye negoridhe.
14 將杠桿穿入櫃邊的環內,作抬櫃之用。
Muise matanda aya mukati memhete dziri parutivi rwebhokisi kuti mutakure bhokisi nawo.
15 穿入櫃環內的杠桿,不可抽出。
Matanda anofanira kugara ari mumhete dzebhokisi iri; haafaniri kubviswa.
16 將我要交給你的約版放在櫃內。
Ipapo mugoisa muareka chipupuriro, chandichakupai.
17 用純金做贖罪蓋,長二肘半,
“Muite chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafu pakureba uye kubhiti nehafu paupamhi.
18 寬一肘半。在贖罪蓋的兩端用鎚工造一對金革魯賓,
Uye muite makerubhi maviri egoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro.
19 在這端做一個革魯賓,在那端做一個革魯賓,應使兩端的革魯賓與贖罪蓋連在一起。
Muite kerubhi rimwe chete kuno rumwe rutivi uye kerubhi rechipiri kuno rumwe rutivi; muite bandi rimwe chete rekerubhi nechifukidzo, pamativi maviri.
20 革魯賓的翅膀應伸開遮住贖罪蓋;他們的臉彼此相對,面朝贖罪蓋。
Mapapiro amakerubhi anofanira kutambanudzirwa kumusoro, akafukidzira chifunhiro. Makerubhi anofanira kutarisana, akatarira kuchifunhiro.
21 你把贖罪蓋安裝在約櫃上面,將我交給你的約版放在櫃內。
Muise chifunhiro pamusoro peareka uye mugoisa muareka, Chipupuriro chandichakupai.
22 我要在那裏與你會晤,從贖罪蓋上,從約櫃上的兩革魯賓中間,將我命令以色列子民的一切事,都告訴給你。供桌式樣
Ipapo, pamusoro pechifunhiro chiri pakati pamakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeChipupuriro, ndichasangana newe ndigokupa mirayiro yangu yose yavaIsraeri.
23 用皂莢木做一張供桌,長二肘,寬一肘,高一肘半,
“Uite tafura namatanda omuunga yakareba makubhiti maviri, kubhiti rimwe chete paupamhi uye kubhiti nehafu pakukwirira.
24 包上純金,周圍做上金花邊。
Muifukidzire negoridhe rakaisvonaka uye mugoipoteredza nezvakaumbwa zvegoridhe.
25 周圍做上一掌寬的框子,框子四周也做上金花邊。
Uyewo uite vhiri rinoipoteredza rino upamhi hwakaita sechanza choruoko ugoisa goridhe rakaumbwa pamusoro pevhiri.
26 還要作四個金環,將這些金環安在桌四腳的角上。
Uite mhete ina dzegoridhe dzetafura ugodzisungira kumakona mana, pane makumbo ayo.
27 環子要靠近框子,為穿抬供桌的紅桿。
Mhete idzi dzinofanira kuva pedyo nevhiri kuti dzibate matanda anoshandiswa kutakura tafura.
28 用皂莢木做兩根紅桿,包上金,為抬供桌之用。
Uite matanda omuunga, uafukidze negoridhe uye mugotakura tafura nawo.
29 再製造供桌上的盤、碟、杯和奠祭用的爵,全用純金製造。
Uye uite ndiro dzayo namadhishi negoridhe rakaisvonaka, uyewo namatende ayo nembiya dzokudirisa zvipiriso.
30 要常常在供桌上,在我面前擺上供餅。燈台式樣
Uise chingwa choKuratidza patafura iyi kuti chive pamberi pangu nguva dzose.
31 用純金製造一座燈台,要用鎚工打成這燈台;燈台燈幹和花朵,即花托與花瓣,都應由燈台發出。
“Uite chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye ugoipambadzira pasi payo pamwe chete nerwiriko rwayo; mbiya dzayo, mabukira namaruva acho zvichava chinhu chimwe chete nacho.
32 燈台兩面發出右叉:這面三叉,那面三叉。
Matavi matanhatu anofanira kutambarara achibva mumativi echigadziko chomwenje, matatu kuno rumwe rutivi uye matatu kuno rumwezve.
33 在一叉上應有像杏花的三朵花,有花托和花瓣;在另一叉上應有像杏花的三朵花,有花托和花瓣;由燈台所發出的六叉都要這樣。
Mikombe mitatu yakaumbwa samaruva omuarimondi namabukira uye namaruva zvinofanira kuva padavi rimwe chete, matatu kune rimwe davi, uye zvimwe chetezvo kumativi matanhatu ose anotambarara kubva pachigadziko chomwenje.
34 在燈台的直幹上應有像杏花的四個花朵,有花托和花瓣。
Uye pachigadziko chomwenje panofanira kuva nemikombe mina yakaumbwa samaruva omuarimondi ane mabukira namaruva.
35 由燈幹發出的每兩叉之下,各有一個花朵;從燈幹發出的六個叉都應如此。
Bukira rimwe chete richava pasi pamatavi maviri okutanga anotambarara kubva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri riri pasi pamamwe matavi maviri, uye bukira rechitatu riri pasi pamamwezve pamatavi maviri, mativi ose ari matanhatu.
36 這些花朵和燈叉應由燈台發出,全用整塊純金鎚成。
Mabukira namatavi achava ebandi rimwe chete nechigadziko chomwenje, negoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa.
37 燈台上應做七盞燈,把七盞燈放上,使光照耀燈台前面的空間。
“Ipapo ugoita mwenje yacho minomwe uye ugoigadzika pamusoro pacho kuitira kuti zvigovhenekera nzvimbo iri mberi kwacho.
38 燈台的燈剪和碟子,應是純金的。
Mbato dzacho nendiro dzacho zvinofanira kuva zvegoridhe rakaisvonaka.
39 為製造燈台和這些用具,應用一「塔冷通」鈍金。
Tarenda regoridhe rakaisvonaka rinofanira kushandiswa pachigadziko chomwenje nemimwe midziyo yose iyi.
40 要留神按照在山上指示給你的式樣去做。
Uone kuti wazviita zvichienderana nomufananidzo wawakaratidzwa pagomo.

< 出埃及記 25 >