< 申命記 6 >
1 以下是上主你們的天主吩咐我教給你們的誡命、法令和規則,叫你們在過河後去佔領的地內遵行,
Iyi ndiyo mitemo, nemirayiro zvandakarayirwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei kuti muzviite munyika yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu,
2 好使你和你的子子孫孫,終生日日敬畏上主你的天主,遵守我吩咐你的一切法令和誡命,使你獲享長壽。
kuitira kuti iwe, navana vako navana vavo vachavatevera mutye Jehovha Mwari wenyu pakurarama kwenyu nokuchengeta mitemo nemirayiro yake yose yandinokupai, uye kuitira kuti muve namazuva mazhinji okurarama.
3 以色列! 你要聽,且謹守遵行,好使你在流奶流蜜的地方,獲得幸福,人數增多,如上主你祖先的天主所許給你的。
Chinzwa, iwe Israeri, uchenjere kuti uzviite kuitira kuti zvikunakire uye kuti muwande kwazvo munyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu.
4 以色列! 你要聽:上主我們的天主,是唯一的上主。
Chinzwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu, ndiJehovha mumwe chete.
Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose.
Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu.
7 並將這些話灌輸給你的子女。不論你住在家裏,或在路上行走,或臥或立,常應講論這些話;
Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.
8 又該繫在你的手上,當作標記;懸在額上,當作徽號;
Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu.
Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu.
10 上主你的天主,幾時領你進入他向你的祖先亞巴郎、依撒格和雅各伯起誓,要賜給你的地方,那裏有高大壯觀的城邑,而不是你所建造的;
Zvino kana Jehovha Mwari wenyu achinge akupinzai munyika yaakapikira kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho, kuti achakupai, nyika ina maguta makuru akanaka, amusina kuvaka imi,
11 有充滿各樣寶物的住宅,而不是你裝滿的;有蓄水池,而不是你挖掘的;有葡萄園和橄欖樹林,而不是你栽植的;──當你吃飽時,
dzimba dzizere nezvinhu zvakanaka zvamarudzi ose zvamusina kutsvaka imi, matsime amusina kuchera, minda yemizambiringa namasango nemiti yemiorivhi yamusina kusima, zvino kana muchinge madya uye mukaguta,
12 你應留心,不要忘了領你由埃及地,為奴之家,出來的上主。
muchenjerere kuti murege kukanganwa Jehovha, akakubudisai kubva muIjipiti, kubva munyika youranda.
13 你要敬畏上主你的天主,只事奉他,只以他的名起誓。
Itya Jehovha Mwari wako, ushumire iye oga ugoita mhiko dzako muzita rake.
Musatevera vamwe vamwari, vamwari vendudzi dzakakupoteredzai;
15 因為在你中間的上主你的天主,是忌邪的天主,免得上主你的天主發怒,將你由地上消滅。
nokuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari ane godo uye hasha dzake dzichapisa pamusoro penyu, uye achakuparadzai kubva pamusoro penyika.
16 你們不可試探上主你們的天主,如同在瑪撒試探了他一樣。
Musaedza Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita paMasa.
17 應謹慎遵守上主你們天主所吩咐你的誡命、教訓和法令。
Chenjererai kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nezvaakatema nemitemo yaakakupai.
18 應做上主眼中視為正義和美善的事,使你能獲得幸福,能去佔領上主誓許與你祖先的那塊肥美的土地,
Itai zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuitira kuti zvigokunakirai, mugopinda mugotora nyika yakanaka iyo Jehovha akavimbisa nemhiko kumadzitateguru enyu,
19 能由你面前驅逐你的一切仇敵,如上主所應許的。
agoparadza vavengi venyu vose pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha.
20 假使日後你的兒子問你說:「上主我們的天主吩咐你們的這些教訓、法令和規則,究竟有什麼意思﹖」
Panguva inotevera, kana mwanakomana wako akakubvunza achiti, “Ko, zvakatemwa izvi, mitemo nemirayiro yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu zvinorevei?”
21 你應對你的兒子說:我們曾在埃及作過法郎的奴隸,上主卻以大能的手將我們由埃及領了出來。
Umuudze kuti, “Takanga tiri varanda vaFaro muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba.
22 上主在我們的眼前,對埃及,對法郎和他全家,行了轟轟烈烈的神蹟和奇事;
Jehovha akatumira pamberi pedu zviratidzo nezvishamiso zvinotyisa pamusoro peIjipiti naFaro neimba yake yose.
23 將我們從那裏領出來,領我們進入他誓許給我們的祖先,要賜給我們的土地。
Asi akatibudisamo kuti atipinze nokutipa nyika yaakavimbisa nemhiko kumadzibaba edu.
24 那時,上主吩咐我們遵行這一切法令,為敬畏上主我們的天主,為使我們時時得享幸福,得保生命,就如今日一樣。
Jehovha akatirayira kuti titeerere mitemo iyi yose nokutya Jehovha Mwari wedu, kuitira kuti tibudirire nguva dzose nokurarama sezvatakaita nhasi.
25 我們在上主我們的天主面前,照他所吩咐我們的,謹慎遵行這一切誡命,就是我們的義德。
Uye kana tichichenjerera kuteerera murayiro uyu wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvaakatirayira, ndiko kuchava kururama kwedu.”