< 申命記 32 >

1 蒼天,傾聽,我要發言;大地,聆聽我口要說的話!
Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura; inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu.
2 願我的教訓如雨下降,我的言語似露滴落,像降在綠茵上的細雨,像落在青草上的甘霖!
Regai dzidziso yangu inaye semvura uye mashoko angu ayerere sedova, sokupfunha pauswa hunyoro, semvura zhinji papfumvudza nyoro.
3 因為我要宣揚上主的名,請讚頌我們的天主!
Ndichaparidza zita raJehovha. Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu!
4 他是磐石,他的作為完美無比;他的行徑公平正直,他是忠實無妄的天主,公義而又正直。
Ndiye ibwe, mabasa ake akakwana, uye nzira dzake dzakarurama. Mwari akatendeka asina chaanotadza, akarurama uye ndowezvokwadi.
5 那不堪稱為子女的,自趨墮落,背叛了他,實在是個邪惡敗壞的世代!
Vakaita zvakaipa kwaari; vakazvinyadzisa uye havasisiri vana vake, asi vava rudzi rwakatsauka rwakakombama,
6 愚昧無知的人民,你們就這樣報答上主嗎﹖他不是生育你,創造你,使你生存的大父嗎﹖
Ko, iyi ndiyo nzira yamunoripira nayo Jehovha here, imi mapenzi navanhu vasina kuchenjera? Ko, haazi iye Baba wenyu, noMusiki wenyu here, akakuitai nokukuumbai?
7 你回想往古的時日,思念歷代的歲月;問你的父親,問你的長輩,他必給你講述;
Rangarira mazuva akare; ufunge marudzi akare kare. Ubvunze baba vako, uye vachakuudza, vakuru vako vachakutsanangurira.
8 當至高者為民族分配產業時,分佈人的子孫時,按照天使的數目,為萬民劃定了疆界;
Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka, nguva yaakakamura marudzi ose, akaisira vanhu miganhu, zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri.
9 但雅各伯是上主所保留的一分,以色列成為他特有的產業。
Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake, Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa.
10 上主在曠野之地,在野獸咆哮的原野,發見了他,遂將他抱起,加以撫育,加以保護,有如自己的眼珠。
Akamuwana munyika yomurenje, musina chinhu, munotyisa. Akamudzivirira uye akamuchengeta; akamuchengetedza semboni yeziso rake,
11 老鷹怎樣守候自己的窩巢,飛翔在幼雛之上,上主也怎樣伸展雙翅,把他背在自己的翼上。
segondo rinogadziridza dendere raro nokuengerera pamusoro pavana varo, rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe, rovabereka pamapapiro aro.
12 上主獨自領導了他,他旁邊並沒有外邦的神祇。
Jehovha oga ndiye akamutungamirira; kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye.
13 上主使他馳騁於高原之上,以田間的出產養育他,使他享受巖穴間的蜜,堅石中的油,
Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyika uye akamupa zvibereko zveminda kuti adye. Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo, uye namafuta akabva padombo romusarasara,
14 牛酪和羊乳,肥美的羔羊和公羊,巴商的公牛與山羊,以及上等的麥麵;並以葡萄美酒作你的飲品。
noruomba nomukaka kubva pamombe namakwai uye namakwayana nembudzi zvakakodzwa, namakondobwe akaisvonaka eBhashani, netsanga dzakanakisisa dzegorosi. Akanwa furo reropa ramazambiringa.
15 雅各伯吃肥了,耶叔戎吃胖了,會踢人了。──的確,你胖了,肥了,飽滿了。──他遂拋棄了造他的天主,輕視了救他的磐石。
Jeshuruni akazokora uye akapfura; aguta nezvokudya, akava mukobvu uye akava namafuta. Akasiya Mwari akamuita uye akaramba Ibwe, Muponesi wake.
16 他們以邪神的敬禮激起他的妒火,以可憎惡的事物,惹他動怒;
Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumwe uye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza.
17 他們所祭祀的是邪神,而非真神,是向來所不認識的神,是近來新興,你們的祖先所不敬畏的神。
Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vatsva vakanga vachangomuka, vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu.
18 你忽略了那生你的磐石,忘記了那使你出世的天主。
Wakasiya Ibwe rakakubereka; wakakanganwa Mwari akakubereka.
19 上主一見,大為震怒,遂拋棄了自己的子女,
Jehovha akaona izvi akavaramba nokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake.
20 說我要掩面不顧他們,要看他們的結局如何;這實在是敗壞的一代,毫無信實的子女。
“Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro, “tigoona kuti magumo avo achazodii; nokuti rudzi rwakatsauka, vana vasina kutendeka.
21 他們以虛妄之神,激起我的怒火,以虛無之物,惹我動怒;我也要以那不成子民的人激起他們的妒火,以愚昧的民族惹他們發怒。
Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari, vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo. Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu; ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi.
22 我的怒火一燃起,必燒到陰府的深底,吞滅大地及其出產,焚毀山岳的基礎。 (Sheol h7585)
Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu, idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu. Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayo uye dzichapisa nheyo dzamakomo. (Sheol h7585)
23 我要將災禍不斷加在他們身上,向他們射盡我的箭矢。
“Ndichatutira njodzi pamusoro pavo uye ndichapedza miseve yangu ndichivapfura.
24 他們必因饑餓而衰弱,必為熱症、毒疫所消滅;我還使尖牙的野獸和土中爬行的毒蟲傷害他們。
Ndichatumira nzara inoondesa pamusoro pavo, nokuparadza kunopisa zvikuru nedenda rakaipisisa; ndichatumira meno ezvikara zvesango kwavari, uturu hwenyoka dzomuguruva.
25 外有刀劍,內有恐怖,使少男少女,乳兒白頭,同歸於盡。
Munzira munondo uchaparadza vana vavo vose; mudzimba dzavo vachagara vachivhundutswa. Majaya nemhandara vachaparadzwa, vacheche navatana vachaparadzwawo.
26 我原想粉碎他們,將他們的記念由人間消滅;
Ndakati ndichavaparadzira ndigodzima kurangarirwa kwavo kubva pakati pamarudzi,
27 但我怕仇人自誇,怕敵人誤會說:「是我的手得勝了,而不是上主行了這一切。」
asi ndakazotya kutuka kwomuvengi, kuti vavengi vavo vasazozvinzwisisa uye vakazoti, ‘Ruoko rwedu rwatikundisa; haazi Jehovha akaita izvi zvose.’”
28 他們原是無謀的民族,沒有一點見識。
Nokuti ivo rudzi rusina mano, havagoni kunzvera pakati pavo.
29 如果他們有點智慧,定會明瞭此事,看清未來的局勢。
Dai chete vakanga vakachenjera uye dai vaizonzwisisa izvi nokunzvera kuti magumo avo achazova akaita sei!
30 「若不是他們的磐石出賣了他們,上主放棄了他們一人怎能追擊一千,兩人怎能打跑一萬﹖」
Ko, munhu mumwe chete angadzinga sei chiuru chavanhu, kana kuti vanhu vaviri vangaita kuti vanhu zviuru gumi vatize sei, kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa, kunze kwokunge Jehovha ari iye avaisa mumaoko avo?
31 連我們的仇人也承認,他們的磐石不如我們的磐石。
Nokuti dombo ravo harina kufanana neDombo redu, sezvinofungwa navavengi vedu.
32 誠然,他們的葡萄秧,出自索多瑪的葡萄園,來在哈摩辣的田園;他們的葡萄是毒葡萄,粒粒葡萄皆酸苦。
Nokuti mazambiringa avo anobva pamizambiringa yeSodhomu nokuminda yeGomora. Mazambiringa avo azere nomuchetura, uye masumbu avo azere nokuvava.
33 他們的酒是蛇的毒汁,是蝮蛇的猛烈毒液。
Waini yavo uturu hwenyoka, uturu hwakaipisisa hwemhakure.
34 這事豈不是貯藏在我身旁,封閉在我府庫裏﹖
“Ko, handina kuchengeta izvi here, uye ndikazvipfigira mumatura angu?
35 等到他們失足之時,我必復仇報復;他們滅亡的日子確已臨近,給他們預定的命運就要來到。
Kutsiva ndokwangu; ndichatsiva. Nenguva yakafanira tsoka dzavo dzichatedzemuka; zuva renjodzi yavo rava pedyo uye kuparadzwa kwavo kunokurumidza kuuya pamusoro pavo.”
36 因為上主要衛護自己的人民,憐恤自己的僕人。當他看見他們的能力已逝,奴隸與自由人已到絕境,
Jehovha achatonga vanhu vake uye achanzwira tsitsi varanda vake, paanoona simba ravo rapera uye pasina asara, akatapwa kana asina.
37 必問說:「他們的神祇在那裏,他們投靠的磐石究在何處﹖
Achati, “Ko, zvino vamwari vavo varipiko, dombo ravakahwanda mariri,
38 一向吃他們祭牲脂肪的,喝他們奠祭酒漿的,都在那裏﹖讓他們起來援助你們罷! 讓他們做你們的保障罷!
vamwari vakadya mafuta ezvibayiro zvavo nokunwa waini yezvipiriso zvavo zvinonwiwa? Ngavasimuke kuti vakubatsirei! Ngavakupei pokuvanda!
39 現在你們應認清,只有我是「那一位,」除我以外沒有別神;我使人死,也使人活;我擊傷人,也加以治療;誰也不能由我手中救出。
“Chionai zvino kuti ini pachangu ndini Iye! Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, ndinouraya uye ndinopa upenyu, ndakakuvadza uye ndichaporesa, uye hapana anogona kudzikinura muruoko rwangu.
40 我向天舉手宣誓:我生活至於永遠!
Ndinosimudza ruoko rwangu kudenga ndichiti: Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi,
41 我一磨亮我的刀劍,我一掌握裁判權,必向我的敵人雪恨,對恨我的人報復。
kana ndichirodza munondo wangu unopenya uye ruoko rwangu rwaubata mukutonga, ndichatsiva kuvavengi vangu uye ndigotsiva vaya vanondivenga.
42 我要使我的箭矢醉飲鮮血,使我的刀劍吞食血肉:陣亡和俘虜的鮮血,仇敵將領的頭顱。」
Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa ravo, uye munondo wangu uchadya nyama: ropa revakaurayiwa nevatapwa, nemisoro yavatungamiri vavavengi vangu.”
43 萬國,你們應向他的百姓祝賀! 因為上主必為自己的僕人報血仇,向仇敵報復,聖潔自己的土地和百姓。
Farai, imi ndudzi, navanhu vake, nokuti achatsiva ropa ravaranda vake; achatsiva kuvavengi vake agoyananisira nyika yake navanhu vake.
44 梅瑟和農的兒子若蘇厄前來,將這篇詩歌的話朗誦給百姓聽。
Mozisi akauya naJoshua mwanakomana waNuni uye akataura kwaari mashoko ose aya orwiyo urwu vanhu vachinzwa.
45 梅瑟向全以色列人一朗誦完了,
Mozisi akati apedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsraeri vose,
46 就對他們說:「你們應把我今日警告你們的一切話記在心內,好吩咐你們的子孫,謹守遵行這法律上的一切話。
akati kwavari, “Isai mumwoyo menyu mashoko ose andakupupurirai nhasi, kuitira kuti mugozorayira vana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omurayiro uyu.
47 因為這為你們不是空洞的話,而是關係你們的生命;由於遵守這話,你們纔能在過約但河後所要佔領的地上,長久居留。」
Haasi mashoko asina maturo kwamuri, asi kuti ndihwo upenyu hwenyu. Namashoko aya muchararama mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.”
48 上主就在當天對梅瑟說:「
Pazuva rimwe chetero Jehovha akataura kuna Mozisi akati,
49 你到摩阿布去,上這座阿巴陵山,即面對耶里哥的乃波山上去,觀看我要給以色列子民作產業的客納罕地。
“Kwira kumakomo eAbharimu uende mugomo reNebho muMoabhu, riri mhiri kweJeriko, ugoona nyika yeKenani, nyika yandiri kupa vaIsraeri kuti ive yavo.
50 你要死在你所上的山上,歸到你本族那裏,像你哥哥亞郎死在曷爾山,歸到他本族那裏一樣。
Ipapo pagomo pauchakwira ndipo pauchafira uye ugova pamwe navanhu vako, sokufa kwakaita mukoma wako Aroni akafira paGomo reHori uye akava navanhu vake.
51 因為你們在親曠野,卡德士的默黎巴水邊,在以色列子民中對我失信,沒有在他們中尊我為聖;
Izvi zvakaitika nokuti imi muri vaviri hamuna kutendeka kwandiri pamberi pavaIsraeri pamvura yeMeribha Kadheshi murenje reZini uye nokuti hamuna kusimudzira utsvene hwangu pakati pavaIsraeri.
52 為此,我賜給以色列子民的地方,你只可由對面眺望,卻不能進去。」
Naizvozvo, uchaona nyika iyi uri chinhambwe; asi haungapindi munyika yandiri kupa kuvanhu veIsraeri.”

< 申命記 32 >