< 申命記 27 >
1 梅瑟與以色列的長老吩咐人民說:「你們應遵守我今天吩咐你們的一切命令。
Zvino Mozisi navakuru veIsraeri vakarayira vanhu vachiti, “Chengetai mirayiro iyi yose yandinokupai nhasi.
2 在你們過約但河,進入上主你的天主賜給你的土地的那一天,應豎立幾塊大石,塗上石灰;
Kana muchinge mayambuka Jorodhani muchipinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, munofanira kumisa mabwe makuru mugoapenda nesuko.
3 在你過河進入上主你的天主賜給你的地方,即上主你祖先的天主許給你的流奶流蜜的地方之後,要立即將這法律的一切話刻在上面。
Mugonyora pamusoro pawo mashoko ose nomurayiro uyu kana muchinge mayambuka mhiri kuti mupinde munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu.
4 所以,你們一過了約但河,就該照我今日吩咐你們的,在厄巴耳山上豎立這些石頭,塗上石灰;
Zvino kana muchinge mayambuka Jorodhani, misai mabwe aya paGomo reEbhari, sezvandakurayirai nhasi, mugoapenda nesuko.
5 並在那裏給上主你的天主建築一座祭壇,一座未用斧鑿的石頭修的祭壇;
Muvake aritari yaJehovha Mwari wenyu ipapo, aritari yamabwe. Musashandisa simbi pakumisa mabwe aya.
6 應用未加入人工的石頭建築上主你的天主的祭壇,在上面給上主你的天主奉獻全燔祭,
Muvake aritari yaJehovha Mwari wenyu namabwe asina kuvezwa uye mugobayirapo kuna Jehovha Mwari wenyu zvipiriso zvinopiswa.
7 祭獻和平祭,並在那裏設宴,在上主你的天主面前歡樂。
Mubayire zvipiriso zvokuwadzana ipapo, muzvidye muchipembera pamberi paJehovha Mwari wenyu.
8 在這些石頭上,應清清楚楚刻上這法律的一切話。」
Uye munofanira kunyora mashoko aya ose omurayiro pamabwe amakamisa aya zvinonyatsoonekwa.”
9 梅瑟和肋未司祭對全以色列人說:「以色列人! 你們應靜默細聽:你今天既成了上主你的天主的人民,
Ipapo Mozisi navaprista vanova vaRevhi, vakataura kuvaIsraeri vose vakati, “Nyararai imi Israeri, uye muteerere! Iye zvino mava rudzi rwaJehovha Mwari wenyu.
10 就應聽從上主你的天主的話,遵行我今日給你吩咐的上主的誡命和法令。」
Naizvozvo teererai Jehovha Mwari wenyu uye mugotevera mirayiro nemitemo yandinokupai nhasi.”
Pazuva rimwe chetero Mozisi akarayira vanhu achiti:
12 你們過了約但河以後,應站在革黎斤山上祝福人民的,是西默盎、肋未、猶大、依撒加爾、若瑟和本雅明;
Kana muchinge mayambuka Jorodhani, aya ndiwo marudzi anofanira kundomira pamusoro peGomo reGerizimu kuti varopafadze vanhu: Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Josefa naBhenjamini.
13 站在厄巴耳山上宣布詛咒的,是勒烏本、加得、阿協爾、則步隆、丹和納斐塔里。
Uye marudzi aya ndiwo achamira paGomo reEbhari kuti vadanidzire kutuka: Rubheni, Gadhi, Asheri, Zebhuruni, Dhani, naNafutari.
VaRevhi vachataura kuvanhu vose veIsraeri nenzwi guru vachiti:
15 那製造上主所憎惡的雕像或鑄像,並將匠人的作品,放在暗處的人,是可咒罵的。全體人民應答說:阿們。
“Ngaatukwe munhu anoita chifananidzo chakavezwa kana chakaumbwa, chinhu chinonyangadza Jehovha, basa ramaoko emhizha, uye agochimisa pakavanzwa.”
16 蔑視父親和母親的,是可咒罵的。全體人民應答說:阿們。
“Ngaatukwe munhu anozvidza baba kana mai vake.”
17 移動鄰人地界的,是可咒罵的。全體人民應答說:阿們。
“Ngaatukwe munhu anoshandura muganhu womuvakidzani wake.”
18 領瞎子走錯路的,是可咒罵的。全體人民應答說:阿們。
“Ngaatukwe munhu anotsausa bofu panzira.”
19 侵犯外方人、孤兒和寡婦權利的,是可咒罵的。全體人民應答說:阿們。
“Ngaatukwe munhu anorega kururamisira mutorwa, nherera kana chirikadzi.”
20 與父親的妻子同寢的,是可咒罵的,因為他揭開了父親的衣襟。全體人民應答說:阿們。
“Ngaatukwe munhu anovata nomukadzi wababa vake, nokuti azvidza nhoo yababa vake.”
21 與獸交合的,是可咒罵的。全體人民應答說:阿們。
“Ngaatukwe munhu anovata nemhuka ipi zvayo.”
22 與同父異母,或同母異父的姊妹同寢的,是可咒罵的。全體人民應答說:阿們。
“Ngaatukwe munhu anovata nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake.”
23 與岳母同寢的,是可咒罵的。全體人民應答說:阿們。
“Ngaatukwe munhu anovata namai vomukadzi wake.”
24 暗殺鄰人的,是可咒罵的。全體人民應答說:阿們。
“Ngaatukwe munhu anouraya muvakidzani pakavanda.”
25 接受賄賂去殺害無辜的,是可咒罵的。全體人民應答說:阿們。
“Ngaatukwe munhu anogamuchira fufuro kuti auraye munhu asina mhosva.”
26 不堅持這法律的話而執行的,是可咒罵的。全體人民應答說:阿們。
“Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu nokuaita.”