< 申命記 17 >

1 有任何殘缺或瑕疵的牛羊,不可祭獻給上主你的天主,因為這為上主你的天主是可憎惡的事。
Musabayira Jehovha Mwari wenyu mombe kana gwai rine chakaipa pariri kana rakaremara, nokuti izvozvo zvinomunyangadza.
2 在你中間,即在上主你的天主賜給你的一座城內,若發見一個男人或女人,做了上主你的天主眼中視為惡的事,違犯了他的盟約,
Kana pakati penyu mune rimwe ramaguta amuri kupiwa naJehovha pakawanikwa murume kana mukadzi achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wenyu, achiputsa sungano,
3 去事奉敬拜其他的神,或太陽,或月亮,或任何天象,反對我所吩咐的事;
uye akapesana nomurayiro wangu anamata vamwe vamwari, achivapfugamira kana kupfugamira zuva kana mwedzi kana nyeredzi dzokudenga,
4 如果有人告訴了你,你一聽說,就應詳細調查。如果實有其事,真在以色列中做了這種可惡的事,
uye izvi zvaziviswa kwamuri, ipapo munofanira kunyatsozvibvunzisisa kwazvo. Kana chiri chokwadi uye zvanyatsoonekwa kuti chinhu ichi chinonyangadza chakaitwa muIsraeri,
5 就將那做這種惡事的男人或女人,帶到城門外,用石頭砸死他們。
torai murume uyu kana mukadzi uyu akaita chinhu ichi chakaipa muende naye kusuo reguta renyu mugomutaka namabwe afe.
6 根據兩個或三個見證的口供,即可將這該死的人處以死刑;根據一個見證的口供,卻不可處以死刑。
Nokupupura kwezvapupu zviviri kana zvitatu munhu achaurayiwa, asi hapana munhu anofanira kuurayiwa nokupupura kwechapupu chimwe chete.
7 見證人應先下手,然後眾人纔下手將他處死:如此由你中間剷除了這邪惡。
Maoko ezvapupu ndiwo anofanira kutanga pakumuuraya, zvino pashure maoko avanhu vose. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.
8 若在你城鎮內發生了訴訟案件:或是殺人,或是爭訟,或是毆傷,而又是你難以處決的案件,你應起來上到上主你的天主所選的地方,
Kana mhaka dzikauya kumatare enyu dzakanyanya kukuomerai kuti mutonge, dzingava dzokudeurwa kweropa, dzokuendesana kumatare kana dzokurwa, endai nadzo kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wenyu achasarudza.
9 去見肋未司祭和那在職的判官,詢問他們,他們要指教你怎樣判斷這案件。
Endai kuvaprista, vanova vaRevhi uye kuvatongi vanenge vachitonga panguva iyoyo. Muvabvunze uye ivo vachakuudzai mutongo wakafanira.
10 你應依照他們在上主所選的地方,有關那案件指教你的話去執行;凡他們教訓你的,應完全遵行。
Muite sezvavanenge vakutongerai panzvimbo ichasarudzwa naJehovha. Muchenjerere kuita zvose zvavanenge vakurayirai kuti muite.
11 應全依照他們給你的指導,告訴你的判斷去執行;對他們告訴你的定案,不可偏左偏右。
Muite maererano nomurayiro wavanokudzidzisai uye nokutonga kwavanokuudzai. Hamufaniri kutsauka kubva pane zvavanokuudzai, kurudyi kana kuruboshwe.
12 若有人擅自行事,不聽從那侍立於上主你的天主前供職的司祭,或不聽從判官,應把這人處死。如此你由以色列中剷除了這邪惡;
Munhu anozvidza mutongi kana muprista anomira achishumira pamberi paJehovha Mwari wenyu anofanira kufa. Munofanira kubvisa chakaipa muIsraeri.
13 民眾聽見了,必都害怕,再不敢擅自行事。
Vanhu vose vachazvinzwa uye vagotya, uye havazozvidzi zvakare.
14 當你進入上主你的天主賜給你的土地,佔據了那地,安住在那裏以後,你如說:「我願照我四周的各民族,設立一位君王統治我,」
Kana muchinge mapinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu uye kana muchinge maitora kuti ive yenyu, uye magara mairi, uye mukati, “Ngatizvigadzirei mambo sezvakaita ndudzi dzose dzakapoteredza,”
15 你應將上主你的天主所揀選的人,立為你的君王。應由你兄弟中立一人,作你的君王,不可讓不屬你兄弟的外方人統治你。
chenjererai kuti mugadze mambo achasarudzwa naJehovha Mwari wenyu. Anofanira kubva pakati pehama dzenyu. Musazvigadzira mutorwa, uyo asiri hama yenyu muIsraeri.
16 但是,不可許他養許多馬,免得他叫人民回到埃及去買馬,因為上主曾對你們說過:「你們不可再回到那條路上去;」
Mambo haafaniri kuva namabhiza akawanda kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kundotora mamwe, nokuti Jehovha akutaurirai kuti, “Hamufaniri kudzoka nenzira iyoyo zvakare.”
17 也不可許他有許多妻妾,免得他的心迷於邪途;也不可許他過於積蓄金銀。
Haafaniri kutora madzimai akawanda, nokuti mwoyo wake ungazotsauswa. Haafaniri kuunganidza sirivha negoridhe zvakawanda.
18 幾時他登上了王位,依照肋未司祭處所存的法律書,給他抄寫一本,
Kana achinge agara pachigaro chake choushe, anofanira kuzvinyorera bhuku romurayiro uyu, achitora kubva mumirayiro yavaprista vanova vaRevhi.
19 叫他帶在身邊一生天天閱讀,好使他學習敬畏上主他的天主,謹守遵行這法律上的一切話和這些規則。
Anofanira kugara naro uye anofanira kuriverenga mazuva ose oupenyu hwake kuitira kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake uye agochenjerera kutevera mashoko ose omurayiro uyu nemitemo iyi.
20 如此他可避免對自己的同胞心高氣傲,偏離這些誡命,好使他和他的子孫在以色列中間久居王位。
Uye haafaniri kuzviona seari nani kupfuura hama dzake agotsauka kubva pamurayiro kurudyi kana kuruboshwe. Ipapo iye nezvizvarwa zvake achagara nguva huru paushe hwake muIsraeri.

< 申命記 17 >