< 申命記 15 >

1 每過七年,應施行豁免。
Pakupera kwamakore manomwe oga oga munofanira kudzima zvikwereti.
2 豁免的方式是這樣:債主應把借與近人的一切,全部豁免,不應再向近人或兄弟追還,因為已為光榮上主宣佈了豁免。
Iyi ndiyo nzira yazvinofanira kuitwa nayo: Mumwe nomumwe akapa chikwereti anofanira kudzima icho chaakakweretesa hama yake muIsraeri. Haangarevi chikwereti kune wokwake muIsraeri, kana hama yake, nokuti nguva yaJehovha yokudzima zvikwereti yaparidzwa.
3 向外邦人可以追還,但你兄弟欠你的應一概豁免。
Ungareva hako chikwereti kubva kumutorwa, asi unofanira kudzima chikwereti chipi zvacho chakakweretwa nehama yako.
4 其實,在你中間不會有窮人,因為在你的天主賜給你作為產業的地上,上主必豐厚地祝福你,
Kunyange zvakadaro, hapafaniri kuva nomurombo pakati penyu, nokuti munyika iyo Jehovha Mwari wenyu yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, achakuropafadzai kwazvo,
5 只要你聽從上主你天主的話,謹守遵行我今日吩咐你的這一切誡命。
kana chete mukanyatsoteerera Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi.
6 因為你的天主必照他說的,祝福你:你要借給許多民族,而你卻不需要借貸;你要統治許多民族,但他們卻不會統治你。
Nokuti Jehovha Mwari wenyu achakuropafadzai sezvaakavimbisa, uye imi muchapa zvikwereti kundudzi zhinji asi imi hamungakwereti kubva kurudzi rupi zvarwo. Muchatonga ndudzi zhinji asi hapana rudzi ruchakutongai.
7 如果在上主你的天主賜給你的地內的一座城裏,在你中間有了一個窮人,又是你的兄弟,對這窮苦的兄弟,不可心硬,不可袖手旁觀,
Kana pane murombo pakati pehama dzenyu mune ripi zvaro guta renyika iyo Jehovha ari kukupai musaomesa mwoyo kana kupfumbatira ruoko kuhama yenyu inoshayiwa.
8 應向他伸手,凡他所需要的儘量借給他。
Asi munofanira kutambanudzira ruoko uye mugopa hama yenyu pachena chipi nechipi chaanoshayiwa.
9 你應提防,不要心生惡念說:「第七年的豁免年快到了! 」就冷眼對待你窮苦的兄弟,不借給他什麼。如果他呼求上主反對你,你應負罪。
Muchenjerere kuti murege kuva nomufungo wakaipa uyu wokuti: “Gore rechinomwe, gore rokudzima zvikwereti, rava pedyo,” kuitira kuti murege kuratidza mwoyo wakaipa kuhama yenyu inoshayiwa nokurega kumupa chinhu. Iye achachema kuna Jehovha pamusoro penyu, uye imi muchabatwa nemhosva yokuita chivi.
10 你應盡量供給他;供給他時,不應傷心,因為為了這事,上主你的天主必在你的一切工作,和你著手所作的一切事上祝福你。
Upe zvakawanda uye urege kumupa nomwoyo unogununʼuna; ipapo nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako achakuropafadza mumabasa ako ose uye pane chimwe nechimwe chaunobata noruoko rwako.
11 既然在這地上總少不了窮人,為此我吩咐你說:對你地區內困苦貧窮兄弟,你應大方地伸出援助之手。
Varombo vachagara varimo munyika. Naizvozvo ndinokurayira kuti utambanudze maoko kuhama dzako varombo navanoshayiwa munyika yako.
12 你的兄弟,無論是希伯來男人,或是希伯來女人,若賣身與你,只應服事你六年,在第七年上,你應使他自由。
Kana mumwe wako wechiHebheru, murume kana mukadzi, achinge azvitengesa kwauri uye achinge akushandira kwamakore matanhatu, mugore rechinomwe unofanira kumusunungura umurege aende.
13 使他自由時,不可讓他空手離去;
Zvino kana uchinge wamusunungura usamusiya achienda asina chinhu.
14 應由你羊群中,打禾場上,榨酒池內,取一些厚厚地酬報他,照上主你的天主祝福你的,分給他。
Mugovere zvakawanda kubva pamakwai ako, napaburiro rako uye napachisviniro chako chewaini. Mupe sokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako.
15 應記得你在埃及地也曾做過奴隸,上主你的天主將你贖回。為此我今日特將這事吩咐你。
Rangarirai kuti imi maimbova varanda muIjipiti uye Jehovha Mwari wenyu akakudzikinurai. Nokudaro ndinokupai murayiro uyu nhasi.
16 倘若他對你說:「我不願離開你,」因為他愛你和你的家庭,又喜歡同你在一起,
Asi kana muranda wako akati kwauri, “Handidi kukusiyai,” nokuti anokuda iwe nemhuri yako uye zvakamunakira kuva newe,
17 你就拿錐子在門上把他耳朵刺透,他便永遠成了你的奴僕;對你的婢女也該這樣做。
ipapo utore runji ugourura nzeve yake narwo pagonhi, uye achava muranda wako nokusingaperi. Uite zvimwe chetezvo kumurandakadzi wako.
18 使他自由的時候,你不應感到不滿,因為他六年給你服務,應得傭工的雙倍工資,並且上主你的天主也必在你所做的事業上祝福你。
Usachiona sechinhu chakaoma kusunungura muranda wako, nokuti kukushandira kwake pamakore matanhatu kwakapfuura kakapetwa kaviri kushanda kwouyo anoshandira mubayiro. Uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza mune zvose zvaunoita.
19 你的牛羊中所生的,凡是頭胎雄性的,都應祝聖與上主你的天主;你不可使頭胎公牛耕作,也不可剪頭胎公羊的毛。
Tsaurira Jehovha Mwari wako chikono chose chokutanga chemombe dzako, makwai ako. Zvikono zvokutanga pakuberekwa zvemombe dzako hazvifaniri kuitiswa basa uye usaveura makushe amakwai ako akatanga kuberekwa.
20 你和你的家屬,年年在上主所選的地方,在上主你的天主面前,吃這些首生的牲畜。
Gore rimwe nerimwe iwe nemhuri yako munofanira kuzvidya muri pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo yaachasarudza.
21 但如果這牲畜有殘缺、或腿瘸、或瞎眼、或有任何缺點、你不可祭獻給上主你的天主,
Kana chipfuwo chine chachinopomerwa, chakaremara kana kuti chiri bofu, kana kuti chine chimwe chinhu chakanyanyoipa pachiri, haufaniri kuchibayira kuna Jehovha Mwari wako.
22 可在家裏吃,不潔與潔淨的,人都可以吃,如吃羚羊和鹿一樣;
Unofanira kuchidyira mumaguta ako. Vose vasina kuchena navakachena vangazvidya havo sokunge vanodya mhara kana nondo.
23 只不可吃牠的血,應將血如水一樣潑在地上。
Asi haufaniri kudya ropa; riteurire pasi semvura.

< 申命記 15 >