< 但以理書 6 >
1 他認為更好在國內設立一百二十個總督,分治全國;
Zvakafadza Dhariasi kugadza machinda zana namakumi maviri kuti vatonge muushe hwose,
2 在這些總督之上另設三位監察史-達尼爾便是其中之一-各總督應向他們述職,這樣可免君王煩勞。
navakuru vatatu vaiva pamusoro pavo, mumwe wavo akanga ari Dhanieri. Machinda aitsanangura zvose pamusoro pemabasa avo kwavari kuti mambo arege kurasikirwa.
3 這位達尼爾,由於他具有超凡的精神,辦事勝過其他監察史和總督,所以君王有意立他治理全國。
Zvino Dhanieri akagona akakunda vakuru namachinda mumaitiro ake aishamisa zvokuti mambo akaronga kumugadza kuti ave pamusoro poumambo hwose.
4 因此監察史和總督,竭力在達尼爾處理國事上,尋找機會陷害他,卻總不能找到任何可控告他的事實和過失,因為達尼爾忠信可靠,所以在他身上總找不到任何疏忽和過錯。
Ipapo, vakuru namachinda vakaedza kutsvaka mhosva yavangapomera Dhanieri pamusoro pokufambisa kwake mabasa ehurumende, asi havana chavakagona kuwana. Havana kuwana uori maari, nokuti akanga akatendeka uye pasina uori kana kushaya hanya maari.
5 於是這些人說道:「我們若不在他的神的法律上尋找,就找不到陷害達尼爾的任何事。」
Pakupedzisira varume ava vakati, “Hatingambowani hwaro hwokupomera Dhanieri mhosva kunze kwechinhu chine chokuita nezvomurayiro waMwari wake.”
6 這些監察史和總督,便群集到君王前,對君王說:「達理阿大王,萬歲!
Saka vakuru namachinda vakaenda vose pamwe chete kuna mambo vakandoti, “Haiwa Mambo Dhariasi, raramai nokusingaperi!
7 國內的眾監察史、知縣、總督、大臣和省長,都計議請下一道詔書,立一禁令:三十天內,凡不向你大王,而向任何神祇或任何人祈求的,應將他投入獅子圈內。
Vakuru voushe vatariri, machinda, navapangi vamazano uye vabati vakatenderana vose kuti mambo ngaateme chirevo nokusimbisa chirevo kuti ani naani anonyengetera kuna mwari upi zvake kana munhu pakati pamazuva makumi matatu, kunze kwokwamuri imi mambo, achakandwa mugomba reshumba.
8 大王! 請你現在就立刻下這道禁令,簽署這項文告,人就不能再更改,因為按瑪待人和波斯人的法律,那是不可更改的。」
Zvino, imi mambo isai chirevo uye muchinyore kuitira chirege kushandurwa zvinoenderana nemirayiro yavaMedhia navaPezhia, usingagoni kushandurwa.”
Saka Mambo Dhariasi akanyora chirevo.
10 達尼爾一知道君王簽署了這項文告,便回了家。他樓房的窗戶是向著耶路撒冷開的-他每天仍照常三次屈膝跪拜,祈求稱謝自己的天主,如往日所行的一樣。
Zvino Dhanieri akati anzwa kuti chirevo chakanga chaziviswa, akaenda muimba yake yapamusoro yaiva namawindo akanga akatarira kuJerusarema. Akapfugama namabvi ake akanyengetera katatu pazuva, achivonga kuna Mwari wake, sezvaaisiita.
11 那些人群集前來,看見達尼爾正在自己的天主前祈求哀禱,
Ipapo varume ava vakaenda vose pamwe chete vakawana Dhanieri achinyengetera, achikumbira kubatsirwa naMwari.
12 他們遂去見君王,向他提及禁令說:「陛下不是簽署了這樣的一道禁令:三十天內,凡不向大王,而向任何神祇或任何人祈求的,應將他投入獅子圈內嗎﹖」君王回答說:「確有此事! 照瑪待人和波斯人的法律是不可更改的。」
Saka vakaenda kuna mambo vakataura naye pamusoro pechirevo chake choushe vachiti, “Ko, hamuna kuzivisa here chirevo chokuti pakati pamazuva makumi matatu anotevera, ani naani anonyengetera kuna mwari kana munhu upi kunze kwokwamuri, imi mambo, achakandwa mugomba reshumba?” Mambo akapindura akati, “Chirevo chakadaro chiripo, chinoenderana nomurayiro wavaMedhia navaPezhia, usingagoni kushandurwa.”
13 他們便對君王說道:「大王! 猶大俘虜中的那個達尼爾,竟然不介意陛下和陛下所簽署的禁令,仍照常一日三次自作祈禱。」
Ipapo vakati kuna mambo, “Dhanieri, mumwe wavakatapwa vakabva Judha, haakuteererei, imi mambo, kana kuchirevo chamakatema norunyoro rwenyu. Achiri kunyengetera katatu pazuva.”
14 君王聽了這些話,十分難過,有心要救達尼爾,君王直到日落要設法解救他。
Mambo akati anzwa izvi, akatambudzika zvikuru; akanga achida kurwira Dhanieri uye akaedza nzira dzose dzokumuponesa kusvikira kwadoka.
15 但是那些人又群集到君王前,對君王說:「大王! 陛下要知道瑪待人和波斯人的法律:凡君王所立的禁令和法令,是不可更改的。」
Ipapo varume vakaenda vose pamwe chete kuna mambo vakati kwaari, “Rangarirai imi mambo, kuti maererano nomurayiro wavaMedhia navaPezhia, hakuna chirevo kana mutemo unopiwa namambo unogona kushandurwa.”
16 君王於是下令,將達尼爾逮捕投入獅子圈內。君王對達尼爾說:「願你恒心恭敬的天主拯救救你! 」
Saka mambo akarayira, akauyisa Dhanieri ndokumukanda mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Mwari wako, waunoramba uchishumira, ngaakurwire!”
17 遂即移了一塊大石,封住圈口,君王蓋上自己的御璽,大臣們蓋上自己的印章,免得達尼爾的案件發生意外的變化。
Vakauyisa ibwe vakariisa pamusoro pomuromo wegomba, mambo ndokurisimbisa nechisimbiso chake uye nezvisimbiso zvamakurukota ake, kuitira kuti mamiriro aDhanieri arege kushandurwa.
18 然後君王回了王宮,整夜絕食,斷絕娛樂,並徹夜失眠未睡。
Ipapo mambo akadzokera kumuzinda wake akavata usiku hwose asina kudya uye hakuna chinhu chipi chaivaraidza chakauyiswa kwaari. Uye akashayiwa hope.
19 清晨,天一亮,君王便起來,急速往獅子圈去了,
Panguva dzamambakwedza, mambo akamuka akamhanyira kugomba reshumba.
20 一來到獅子圈旁,就哀聲呼喊,向達尼爾說道:「永生天主的僕人達尼爾! 你恒心恭敬的天主真能由獅子口裏拯救你嗎﹖」
Akati aswedera pagomba, akadanidzira kuna Dhanieri nenzwi rokuchema achiti, “Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako, iye waunoshumira nguva dzose, agona kukurwira pamuromo weshumba here?”
Dhanieri akapindura akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi!
22 我的天主曾打發他的天使閉住獅子的口,一點沒有傷害我,因為我在他面前是無罪的;大王! 我即在陛下面前,也從沒有做過什麼傷害人的事。」
Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.”
23 君王非常高興,遂下令將達尼爾從獅子圈裏提出來。達尼爾便從獅子圈裏被提出來,他身上絲毫沒有受到損傷,因為他信賴了自己的天主。
Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake.
24 君王遂下令逮捕那些控告達尼爾的人,將他們和他們的兒子、妻子,都投入獅子圈裏,他們還沒有到獅子圈底,獅子就向他們撲來,捉住他們,將他們的骨頭全咬碎了。
Mambo akarayira kuti varume vakanga vapomera Dhanieri varwiswe, uye kuti vakandwe mugomba reshumba, pamwe chete navakadzi vavo navana vavo. Uye vasati vasvika pasi pegomba, shumba dzakavakurira dzikapwanya mapfupa avo ose.
25 達理阿於是詔告居民於普世的各民族,各邦國及各異語人民說:「願平安常與你們同在!
Ipapo Mambo Dhariasi akanyorera vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose panyika yose achiti: “Mubudirire zvikuru kwazvo!
26 我今頒發詔書,諭令我所統轄的全國人民,都應在達尼爾的天主前起敬起畏,因為他是生活永在的天主,他的國永不滅亡,他的王權永遠常存。
“Ndinotema chirevo chokuti munzvimbo dzose dzoumambo hwangu vanhu vanofanira kutya Mwari waDhanieri uye vamuremekedze. “Nokuti ndiye Mwari mupenyu, anogara nokusingaperi; umambo hwake hahungaparadzwi, ushe hwake hahutongogumi.
27 他拯救施援,在天上地下實行神蹟奇事;是他拯救達尼爾脫免獅子的爪牙。」
Anorwira uye anoponesa; anoita zviratidzo nezvishamiso mudenga napamusoro penyika. Akarwira Dhanieri pasimba reshumba.”
28 這位達尼爾就這樣在達理阿和波斯人居魯士為王時,事事亨通。
Saka Dhanieri akabudirira pamazuva okutonga kwaDhariasi nokutonga kwaSirasi muPezhia.