< 但以理書 5 >

1 貝耳沙匝王為大員千人擺設了盛筵,並與千人宴飲。
Mambo Bherishazari akaitira makurukota chiuru mabiko makuru akanwa waini pamwe chete navo.
2 貝耳沙匝乘著酒興,命人將他父親拿步高從耶路撒冷殿中劫掠的金銀器皿取來,給君王和他的大員並自己的妻妾用來飲酒。
Bherishazari achiri kunwa waini yake, akarayira kuti vauyise midziyo yegoridhe neyesirivha iya yakanga yatorwa nababa vake Nebhukadhinezari kubva kutemberi yokuJerusarema, kuitira kuti mambo namakurukota ake, navakadzi vake uye navarongo vake vanwiremo.
3 於是人把從耶路撒冷天主殿宇聖所內劫掠的金銀器皿取來,給君王和他的大員並妻妾用來飲酒;
Saka vakauyisa midziyo yegoridhe yakanga yatorwa mutemberi yaMwari muJerusarema, uye mambo namakurukota ake, vakadzi vake navarongo vake vakanwira mairi.
4 大家一面飲酒,一面讚揚自己用金、銀、銅、鐵、木、石製的神像。
Pavakanga vachinwa waini, vakarumbidza vamwari vegoridhe, vesirivha, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe.
5 正在此時,忽然出現了一個人的手指,在燈台後面王宮的粉牆上寫字,君王也看見了那寫字的手掌。
Pakarepo minwe yoruoko rwomunhu yakaonekwa ikanyora pamadziro akanamwa, pedyo napachigadziko chomwenje mumuzinda wamambo. Mambo akatarisa chanza pachakanga chichinyora.
6 當時君王的面色立即改變,心意煩亂,兩腰關節鬆弛,兩膝互相碰擊,
Chiso chake chakashanduka akatsvukuruka uye akavhunduka zvikuru, mabvi ake akadedera uye makumbo ake akarukutika.
7 君王遂大聲喊叫,命召術士、占星者和占卜者來;君王就向巴比倫的智者說:不論誰,如能閱讀這些字,給我解說其中的意義,就必身被絳袍,帶上金項鏈,位居全國第三。
Mambo akadana vaya vamazango, vazivi vezvenyeredzi navavuki kuti vaunzwe ndokuti kuvarume ava vakachenjera veBhabhironi, “Ani naani anoverenga runyoro urwo uye akanditaurira zvarunoreva achapfekedzwa nguo dzepepuru uye nouketani hwegoridhe mumutsipa wake, uye achaitwa mutongi wapamusoro-soro wechitatu muumambo.”
8 巴比倫所有的智者都來了,卻沒有一個人能閱讀那些文字,也不能給君王說明所含有的意義。
Ipapo vakachenjera vose vamambo vakapinda, asi havana kugona kuverenga runyoro kana kutaurira mambo zvarwaireva.
9 因此貝耳沙匝王極其驚慌,面色大變,他的大臣也都不知所措。
Saka Mambo Bherishazari akanyanya kutya uye uso hwake hukanyanya kutsvukuruka. Makurukota ake akakanganisika.
10 太后聽到了君王和大臣們的喧嘩聲,遂進入坐席的大廳,啟奏說:「大王萬歲! 你不要心慌意亂,面容也不必改變;
Mambokadzi akati achinzwa inzwi ramambo namakurukota ake, akauya muimba yaiitirwa mabiko, akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Musatya! Regai kutsvukuruka kuuso kwenyu!
11 你國內現有一個人,具有至聖神明的精神,你父親在日,已發見他具有真知灼見,智慧如神。你父親拿步高王,曾立他為所有巫師、術士、占星者和占卜者的首領,
Muumambo hwenyu muno murume ano mweya wavamwari vatsvene maari. Panguva yababa venyu iye akawanikwa achigona zviri mberi nezivo nouchenjeri hwakafanana nohwavamwari. Mambo Nebhukadhinezari baba venyu, ndati baba venyu imi mambo, vakamugadza kuti ave mukuru wenʼanga, nowevamazango, vazivi vezvenyeredzi navavuki.
12 就因為在他身上具有一種卓越的精神、學識和聰敏,能詳解夢境,釋謎破惑;君王就將他達尼爾的名字改作貝耳特沙匝。現在就召達尼爾前來,他必能說出其中的意義。」
Murume uyu Dhanieri, iye akatumidzwa zita rokuti Bheriteshazari namambo, akawanikwa aine pfungwa dzine shungu nezivo uye ano kunzwisisa, kugona kududzira kurota, nokutsanangura zvirahwe uye nokupedza matambudziko akaoma. Daidzai Dhanieri, uye iyeye achakuudzai zvinoreva runyoro.”
13 於是達尼爾被引到王前,問達尼爾說:「你就是我父王昔日由猶大擄來的猶大俘虜中的達尼爾嗎﹖
Saka Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo, mambo akati kwaari, “Ndiwe Dhanieri mumwe wavakatapwa nababa vangu mambo kubva kuJudha here?
14 我聽說你有神的精神,具有真知灼見,和卓越的智慧。
Ndanzwa kuti mweya wavamwari uri mauri uye kuti unoona zviri mberi, une zivo nouchenjeri hwapamusoro.
15 方纔智者和術士被引至我前,要他們念這些文字,給我說明其中的意義,但是他們卻都不能給我解釋這些文字的意義。
Vachenjeri nevamazango vakauyiswa pamberi pangu kuti vazoverenga runyoro urwu uye vagondiudza zvarunoreva, asi havana kugona kunditsanangurira.
16 我聽說你能解釋疑難,現在你若能念這些文字,給我說明其中的意義,你就要身披絳袍,帶上金項鏈,位居全國第三。」
Zvino ndanzwa kuti unogona kupa dudziro uye unopedza matambudziko akaoma. Kana ukagona kuverenga runyoro uye ukanditaurira zvarunoreva, uchapfekedzwa nguo yepepuru, uchaiswa uketani hwegoridhe pamutsipa wako, uye uchaitwa mutongi wechitatu wapamusoro-soro muumambo.”
17 達尼爾回答君王說:「你的禮物仍歸你所有,你的酬報可賞給他人,至於我,我仍要給大王念這些文字,使大王得知其中的含義。
Ipapo Dhanieri akapindura mambo achiti, “Zvichengeterei henyu zvipo zvenyu uye mugopa mibayiro yenyu kuno mumwe. Kunyange zvakadaro, ndichaverengera mambo runyoro ndigomuudza zvarunoreva.”
18 大王! 至高者天主曾將國家、威權、光榮和尊嚴賞賜了你的父親拿步高;
“Haiwa mambo, Mwari Wokumusoro-soro akapa baba venyu Nebhukadhinezari ushe, ukuru, kukudzwa nokubwinya.
19 由於天主賞賜了他這樣大的威權,各民族,各邦國,各異語人民,在他面前無不震驚害怕;他願意殺的就殺,他願意活的就活,他願意升的就升,他願意貶的就貶。
Nokuda kwechinzvimbo chakakwirira chaakamupa, vanhu vose nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakadedera uye vakamutya. Avo vaaida kuuraya, aiuraya, avo vaaida kuraramisa, airaramisa; avo vaaida kusimudzira, aisimudzira; uye avo vaaida kuninipisa, aininipisa.
20 但在他心高氣傲,目空一切的時候,便從王位上被推下來,喪失了自己的光榮,
Asi mwoyo wake wakati wazvikudza uye waomeswa nokuzvikudza, akabviswa pachigaro chake choushe vakamutorera kukudzwa kwake.
21 由人間被驅逐,他的心相似獸心,與野驢為為伍,吃草如同牛一樣;他的身體為露水浸濕,直到他承認至高者天主統治世人的國度,他願意給誰統治,就給誰。
Akadzingwa pakati pavanhu akapiwa pfungwa yemhuka; akagara pakati pembizi akadya uswa semombe; uye muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira aziva kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye kuti anogadza pamusoro pavo ani zvake waanoda.
22 貝耳沙匝! 你是他的兒子,雖然你知道這一切,但是你仍不低首下心,
“Asi imi mwanakomana wake, imi Bherishazari, hamuna kuzvininipisa, kunyange maiziva henyu chinhu ichi.
23 反而自高自大,抵抗上天的大主,命人將他殿宇的器皿給你拿來,供你和你的大臣並你的妻妾用來飲酒,並且你讚美那些不能看,不能聽,不能知的金、銀、銅、鐵、木、石製的神像,卻不知尊崇那掌握你的氣息,註定你一切命途的天主。
Pamusoro pezvo imi masarudza kurwa naIshe wokudenga. Maita kuti midziyo yegoridhe iuyiswe kwamuri ichibva kutemberi, uye imi namakurukota enyu, vakadzi venyu navarongo venyu manwira waini mairi. Marumbidza vamwari vesirivha, vegoridhe, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe, vasingagoni kuona, kunzwa kana kunzwisisa. Asi hamuna kukudza Mwari akabata muruoko rwake upenyu hwenyu nenzira dzenyu dzose.
24 為此,他使一隻手掌出現,寫了這些字。
Naizvozvo akatumira ruoko rwakanyora zvakanyorwa.
25 寫出來的這些字是:「默乃,默乃,特刻耳,培勒斯。」
“Izvi ndizvo zvakanyorwa: mene, mene, tekere, ufasini.
26 這些字的含義是:「默乃:」天主數了你的國祚,使它完結;「
“Hezvino zvinoreva mashoko aya: “Mene: Mwari akaverenga mazuva okutonga kwenyu akaagumisa.
27 特刻耳:」你在天秤上被衡量了,不夠分量;「
Tekere: Makayerwa pachiyero mukawanikwa makareruka.
28 培勒斯:」你的國被瓜分了,給了瑪待人和波斯人。」
Peresi: Umambo hwenyu hwakakamuraniswa hukapiwa vaMedhia navaPezhia.”
29 於是貝耳沙匝下令,給達尼爾披上絳袍,帶上金項鏈,並宣布他位居全國第三。
Ipapo Bherishazari akarayira kuti Dhanieri ashongedzwe nguo dzepepuru, ketani yegoridhe ikaiswa pamutsipa wake, zvikaziviswa kuti akanga ava mutongi wapamusoro wechitatu muumambo.
30 當夜加色丁王貝耳沙匝即為人所殺。
Usiku ihwohwo Bherishazari, mambo wavaBhabhironi akaurayiwa,
31 瑪待人達理阿承受了王位,那時他約六十二歲。
Dhariasi muMedhia akatora umambo ane makore makumi matanhatu namaviri.

< 但以理書 5 >