< 阿摩司書 7 >

1 [神視一:蝗災]吾主上主叫我看見這事:割完君王的青草,當晚草初生時,蝗蟲出現了。
Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Akanga achigadzirira chimokoto chemhashu mushure mokukohwewa kwomugove wamambo uye mumera wechipiri uchangobuda.
2 當蝗蟲要吃光地上的青草時,我就說:「吾主上主,求你饒恕吧! 雅各伯還怎能存在﹖他已這樣弱小! 」
Dzakati dzapedza zvose zvaiva munyika, ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha chikanganwirai henyu! Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”
3 上主對這事後悔了。上主說:「這事不會發生。」[神視二:旱災]
Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Jehovha akati, “Izvi hazvichazoitika.”
4 吾主上主叫我看見這事:看,吾主上主召來懲罰的火,燒毀了廣大的深淵,又燒毀了上主的基業。
Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Ishe Jehovha akanga achidanidzira kuti pave nokutonga nomoto; wakaomesa gungwa rakadzika uye ukaparadza nyika.
5 我就說:「吾主上主! 求你罷休! 雅各伯還怎能存在﹖他已這樣弱小! 」
Ipapo ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha, ndinokukumbirai, imbomirai henyu. Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”
6 上主對這事後悔了。吾主上主說:「這事也不會發生。」[神視三:鉛垂線]
Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Ishe Jehovha akati, “Izviwo hazvichaitiki.”
7 吾主上主叫我看見這事:看,有一個人立在牆上,手中拿著一條鉛垂線。
Izvi ndizvo zvaakandiratidza: Jehovha akanga akamira pamadziro akanga akavakwa zvakaenzaniswa nerwodzi, ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake.
8 上主對我說:「亞毛斯,你看見了什麼﹖」我答說:「一條鉛垂線。」吾主說:「看,我將鉛垂線安置在我民族以色列當中,我不再放過她。
Uye Jehovha akandibvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndikati, “Rwodzi rwokuyeresa.” Ipapo Jehovha akati, “Tarira, ndichaisa rwodzi rwokuyeresa pakati pavanhu vangu vaIsraeri, handichavaponesazve.
9 依撒格的高丘必要荒蕪,以色列的聖所必要廢棄;我必起來攻擊雅洛貝罕家。」
“Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaparadzwa, uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaitwa matongo; ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo wangu.”
10 那時,貝特耳司祭阿瑪責雅派人向以色列王雅洛貝罕說:「亞毛斯在以色列家中圖謀背叛你,國家再不能容受他的一切言論,
Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose.
11 因為亞毛斯這樣說:雅洛貝罕必死於刀下,以色列必被據去充軍,遠離本土。」
Nokuti izvi ndizvo zviri kutaurwa naAmosi: “‘Jerobhoamu achafa nomunondo, uye Israeri ichaenda kuutapwa, zvirokwazvo kure nenyika yavo yechizvarwa.’”
12 事後,阿瑪責雅又向亞毛斯說:「先見者,你走吧! 趕快到猶大國去,在那裏餬口,在那裏講預言。
Ipapo Amazia akati kuna Amosi, “Ibva muno, iwe muoni! Dzokera kunyika yeJudha. Uzviwanire zvokudya zvako ikoko, uchiprofita ikoko.
13 在貝特耳不可講預言,因為這裏是君王的殿宇。」
Usaprofitazve paBheteri, nokuti iyi ndiyo nzvimbo tsvene yamambo uye netemberi youmambo.”
14 亞毛斯回答阿瑪責雅說:「我原不是先知,也不是先知的弟子,只是一個放羊兼修剪野無花果的人。
Amosi akapindura Amazia achiti, “Ndakanga ndisiri muprofita, kana mwanakomana womuprofita, asi ndaiva mufudzi nomutariri wemionde yemisikamo.
15 但是,上主正在我趕羊時提了我來。上主對我說:你去向我的百姓以色列講預言吧!
Asi Jehovha akanditora kubva paufudzi hwamakwai akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu Israeri.’
16 現在你且聽上主說什麼。你說:不要講預言攻擊以色列,不要發言反對依撒格家!
Zvino, chinzwa shoko raJehovha. Iwe unoti, “Usaprofita pamusoro paIsraeri, uye rega kuparidza pamusoro peimba yaIsaka.”
17 為此,上主這樣說:你的妻子必在城中賣淫,你的子女必喪生刀下,你的田地必被人以繩墨瓜分,你m在不潔之地,以色列必被據去充軍,遠離本土。」
“Naizvozvo zvanzi naJehovha: “‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo. Nyika yako ichayerwa igoganhurwa, uyezve iwe pachako uchafira munyika yevedzimwe ndudzi, Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa, kure nenyika yavo yechizvarwa.’”

< 阿摩司書 7 >