< 列王紀下 16 >

1 勒瑪里雅的兒子培卡黑十七年,約堂的兒子阿哈次登極為猶大王。
Mugore regumi namanomwe raPeka mwanakomana waRemaria, Ahazi mwanakomana waJotamu mambo weJudha akatanga kutonga uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu.
2 他登極時年二十歲,在耶路撒冷作王十六年。他沒有像他祖先達味一樣,行了上主視正義之事,
Ahazi akanga ava namakore makumi maviri paakava mambo. Haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake, sababa vake Dhavhidhi.
3 卻走了以色列土的路,仿效上主從以色列子民面前趕走的異民的醜惡之事,令自己的兒女經火獻神,
Akafamba munzira dzamadzimambo eIsraeri, akasvika pakubayira vanakomana vake mumoto achitevera zvainyangadza zvedzimwe ndudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.
4 又在高丘和綠樹下,焚香獻祭。
Akabayira zvibayiro uye akapisa zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira, pamusoro pezvikomo napasi pemiti yose yakapfumvutira.
5 那時,阿蘭王勒斤和以色列王勒瑪里雅的兒子培卡黑前來進攻耶路撒冷,圍困阿哈次,卻不能取勝。
Ipapo Rezini mambo weAramu naPeka mwanakomana waRemaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema vakakomba Ahazi, asi havana kugona kumukunda.
6 就在這時,厄東王收回厄拉特重歸厄東,將猶大人從厄拉特趕走;厄東人進入厄拉特,住在那裏直到今日。
Panguva iyoyo, Rezini mambo weAramu akadzorera Erati kuna Aramu nokudzinga varume veJudha. VaEdhomu vakapinda muErati uye ndimo mavanogara kusvikira nhasi.
7 阿哈次派者去見亞述王提革拉特丕肋色爾你的僕人,你的兒子,請你上來救我脫離阿蘭王和以色列王的手,因為他們來攻打我」。
Ahazi akatuma nhume kuna Tigirati-Pireseri mambo weAsiria akati, “Ndiri muranda wenyu nomwanakomana wenyu. Uyai kuno mundinunure kubva muruoko rwamambo weAramu norwamambo weIsraeri vari kundirwisa.”
8 阿哈次拿出上主殿內和王宮府庫內貯藏的金銀來,送給亞述王作為禮品。
Ahazi akatora sirivha negoridhe zvakanga zvawanikwa mutemberi yaJehovha nomumatura omuzinda wamambo akazvitumira sechipo kuna mambo weAsiria.
9 亞述王遂聽從了他的要求,立即前去進攻大馬士革,佔領了那城,將那裏的居民往克爾,殺了勒斤。
Mambo weAsiria akamunzwa ndokubva andorwisa Dhamasiko akarikunda. Akaendesa vanhu varo kuKiri uye akauraya Rezini.
10 阿哈次曾去大馬士革,會見亞述王提革拉特丕肋色爾,他看見了大馬士革的祭壇,就給司祭烏黎雅送去了那座祭壇的圖案模型,和詳盡的製造法。
Ipapo Mambo Ahazi akaenda kuDhamasiko kundosangana naTigirati-Pireseri mambo weAsiria. Akaona aritari muDhamasiko ndokubva atumira mufananidzo wearitari kuna Uria muprista, nerondedzero yamavakirwo ayo.
11 烏黎雅完全照樣依照阿哈次王從大馬士革送來的祭壇式樣,建築了一座祭壇;烏黎雅司祭就在阿哈次王從大馬士革回來以前,完全照樣造好。
Saka muprista Uria akavaka aritari maererano namavakirwo ose akanga atumwa naMambo Ahazi kubva kuDhamasiko, akaipedza Mambo Ahazi asati adzokako.
12 君王從大馬士革回來,看見那座祭壇,就近前上去,
Mambo akati adzoka kubva kuDhamasiko akaona aritari akasvika pairi akapa zvipiriso pairi.
13 奉獻了他的全燔祭和素祭,行了奠祭,將和平祭的血灑在祭壇上。
Akapa chipiriso chinopiswa, rechipiriso chezviyo, akadururapo chipiriso chake chokunwa uye akasasa ropa nezvipiriso zvokuwadzana pamusoro pearitari.
14 然後將上主面前的銅祭壇,從殿的前面,即從新祭壇和上主之殿的中間搬出來,放在祭壇的北邊。
Aritari yendarira yakanga yakamiswa pamberi paJehovha, akaibvisa kumberi kwetemberi kuti abve pakati pearitari itsva netemberi yaJehovha, uye akaiisa kudivi rokumusoro kwearitari itsva.
15 阿哈次王吩咐司祭烏黎雅說:「你應在這大祭壇上焚燒早晨的全燔祭,晚上的素祭,君王的全燔祭和素祭,地方上全體人民的全燔祭、素祭和奠祭;全燔祭的血和各種犧牲的血,你也應灑在這祭壇上;至於這銅祭壇,讓我再加考慮」。
Ipapo Mambo Ahazi akarayira muprista Uria mirayiro iyi akati, “Pamusoro pearitari huru, upe chipiriso chinopiswa chamangwanani, uye manheru chipiriso chezviyo, chipiriso chinopiswa chamambo nechipiriso chake chezviyo, uye chipiriso chinopiswa chavanhu vose venyika, nechipiriso chavo chezviyo, nezvipiriso zvavo zvokunwa. Usase paaritari, ropa rose rezvipiriso zvinopiswa nezvibayiro. Asi ndichashandisa aritari yendarira pakutsvaka kutungamirirwa.”
16 司祭烏黎雅就照阿哈次所吩咐的一切做了。
Naizvozvo muprista Uria akaita sezvaakanga arayirwa naMambo Ahazi.
17 後來,阿哈次王又拆毀了盆座上的鑲板,挪去了座的銅盆,將銅牛上的銅海搬下,放在石鋪的地上。
Ipapo mambo Ahazi akabvisa mapuranga omumativi uye akabvisawo madhishi pazvigadziko zvinofambiswa. Akabvisa Gungwa kubva panzombe dzendarira dzairitsigira akarigadzika pahwaro hwedombo.
18 此外,為了亞述王的緣故,又拆除了殿內建造的寶座,和君王從外面來到上主殿內的外門。
Akabvisa denga reSabata rakanga rambovakwa patemberi uye akabvisa suo ramambo kunze kwetemberi yaJehovha, kuti akudze mambo weAsiria.
19 阿哈次其餘的事蹟,都記載在猶大列王寶錄上。
Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaAhazi, uye zvaakaita iye, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?
20 阿哈次與祖先同眼,與祖先同葬在達味城;他的兒子則克雅繼位為王。
Ahazi akazorora namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muGuta raDhavhidhi. Hezekia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

< 列王紀下 16 >