< 哥林多後書 4 >

1 為此,我們既蒙垂青,獲得了這職務,我們決不膽怯;
Naizvozvo, sezvo tine ushumiri uhu kubudikidza netsitsi dzaMwari, hatiori mwoyo.
2 反而戒絕了一切可恥的行為,不以狡猾行事,也不變通天主的道理,只是藉著顯示真理,在天主前將我們自己舉薦於眾人的良心。
Asi takaramba zvinhu zvakavanzika uye nenzira dzinonyadzisa; hatishandisi unyengeri, uye hatiminamisi shoko raMwari. Asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvireverera muhana yomunhu wose pamberi paMwari.
3 但如果說我們的福音也被蒙住了,那只是為喪亡的人蒙著,
Uye kunyange zvazvo vhangeri redu rakafukidzwa, rakafukidzwa kuna avo vari kuparara.
4 因為今世的神已蒙蔽了這些不信者的心意,免得他們看見基督──天主的肖像──光榮福音的光明。 (aiōn g165)
Vasingatendi vakapofumadzwa ndangariro dzavo namwari wenyika ino, kuti varege kuona chiedza chevhangeri rokubwinya kwaKristu, anova mufananidzo waMwari. (aiōn g165)
5 因為我們不是宣傳我們自己,而是宣傳耶穌基督為主,我們只是因耶穌的緣故作了你們的奴僕。
Nokuti hatizviparidzi isu, asi Jesu Kristu saShe, uye isu savaranda venyu nokuda kwaJesu.
6 因為那吩咐『光從黑暗中照耀』的天主,曾經照耀;在我們心中,為使我們以那在[耶穌]基督的7面貌上,所閃耀的天主的光榮的知識,來光照別人。
Nokuti Mwari akati, “Chiedza ngachipenye murima,” akaita kuti chiedza chake chipenye mumwoyo yedu kuti tiwane chiedza choruzivo rwokubwinya kwaMwari muchiso chaKristu.
7 但我們是在瓦器中存有這寶貝,為彰顯那卓著的力量是屬於天主,並非出於我們。
Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu kuratidza kuti simba iri rinopfuura zvose rinobva kuna Mwari kwete kwatiri.
8 我們在各方面受了磨難,卻沒有被困住;絕了路,卻沒有絕望;
Tinomanikidzwa kumativi ose, asi hatipwanyiwi; tinokanganiswa, asi hatina kuora mwoyo;
9 被迫害,卻沒有被捨棄,被打倒,卻沒有喪亡;
tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa.
10 身上時常帶著耶穌的死狀,為使耶穌的生活也彰顯在我們有死的肉身上。
Tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumuviri wedu.
11 的確,我們這些活著的人,時常為耶穌的緣故被交於死亡,為使耶穌的生活也彰顯在我們有死的肉身上。
Nokuti isu vapenyu tinoramba tichiiswa kurufu nokuda kwaJesu, kuti upenyu hwake huratidzwe mumuviri wedu unofa.
12 這樣看來,死亡施展在我們身上,生活卻施展在你們身上。
Saka naizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu hunobata mamuri.
13 但我們既然具有經上所記載的:『我信了,所以我說』那同樣的信心,我們也信,所以也說,
Kwakanyorwa kuchinzi: “Ndakatenda; naizvozvo ndikataura.” Nomweya mumwe chete iwoyo wokutenda takatendawo uye naizvozvo tinotaura,
14 因為我們知道那使主耶穌復活的,也要使我們與耶穌一起復活,並使我們與你們一同站在衪前。
nokuti tinoziva kuti iye akamutsa Ishe wedu Jesu kubva kuvakafa achazotimutsawo pamwe chete naJesu uye agotisvitsa pamberi pake pamwe chete nemi.
15 真實,這一切都是為了你們,為使獲得恩寵的人越增多,感謝也越增加,好歸光榮於天主。
Izvi zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuitira kuti nyasha dziri kusvikira vanhu vazhinji dziwanze kuvonga kuti Mwari akudzwe.
16 為此,我們決不膽怯,縱使我們外在的人日漸損壞,但我們內在的人卻日日更新,
Naizvozvo hatiori mwoyo. Kunyange zvazvo kunze tichiparara, asi mukati tiri kuvandudzwa zuva nezuva.
17 因為我們這現時輕微的苦難,正分外無比地給我們造就永遠的光榮厚報, (aiōnios g166)
Nokuti chiedza chedu nokutambudzika kwedu kwechinguva chiduku zviri kutiitira kubwinya kusingaperi, kukuru kupfuura zvose. (aiōnios g166)
18 因為我們並不注目那看得見的,而只注目那看不見的;那看得見的,原是暫時的;那看不見的,才是永遠的。 (aiōnios g166)
Naizvozvo hatitarisi zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi. Nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi. (aiōnios g166)

< 哥林多後書 4 >