< 哥林多後書 13 >

1 是我第三次要到你們那裏去。『無論什麼事,憑兩個或三個見證的口供,才得成立。』
Uku ndiko kuchava kushanya kwangu kwechitatu kwamuri. Nyaya yose inofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu.
2 我第二次在你們那裏時已經說過,如今不在的時候,再預先向那些以前犯了罪的和其餘的眾人說:我若再來,必不寬容!
Ndakakupai yambiro kare pandakanga ndinemi kechipiri. Zvino ndava kuzvipamhazve ndisipo: Pakuuya kwangu handizoregi vaya vakatadza pakutanga kana vamwe vose,
3 這是因為你們願尋求基督在我內說話的證驗,基督對你們並不是軟弱的,相反,衪在你們中是有能力的。
sezvo muchitsvaka chiratidzo chokuti Kristu ndiye anotaura kubudikidza neni. Haana utera pakubata kwake pakati penyu, asi ane simba kwazvo pakati penyu.
4 衪雖然由於軟弱而被釘在十字架上,卻由於天主的德能仍然活著;我們也是一樣,雖然我們在衪內也成了軟弱的,但對於你們,我們卻也要由於天主的德能同衪一起活著。
Nokuti kuti muve nechokwadi, akarovererwa pamuchinjikwa muutera, asi anorarama nesimba raMwari. Zvimwe chetezvo nesuwo tinorarama muutera maari, asi nesimba raMwari tiri vapenyu pamwe chete naye kuti tikushumirei.
5 你們該考查考查自己,是否仍站在信德上,你們要考驗考驗自己! 難道你們自己認不出耶穌基督就在你們內嗎﹖若不然,你們就是禁不起考驗的。
Zviedzei imi pachenyu muone kana muri pakutenda; zviedzei pachenyu. Munoziva here kuti Jesu ari mukati menyu, kunze kwokutoti makakundikana?
6 但我希望你們認清我們並不是禁不起考驗的。
Uye ndinovimba kuti muchaona kuti hatina kukundikana.
7 我們祈求天主,使你們不作什麼惡事,並不是為顯明我們是經得起考驗的,而是為叫你們行善,使我們好似成為經不起考驗的一般。
Zvino tinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa. Kwete kuti vanhu vaone kuti isu takakunda, asi kuti imi muite zvakarurama kunyange zvedu isu tichiita setakakundikana.
8 因為我們並不能作什麼來反對真理,只能擁護真理。
Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopikisana nechokwadi, asi chinobatsira chokwadi chete.
9 因為幾我們軟弱,而你們有能力,我們才喜歡;我們只求一件事:就是你們的成全。
Nokuti tinofara kana isu tichishayiwa simba asi imi muine simba; uye munyengetero wedu ndewokuti imi mukwaniswe.
10 為此,當我還未來的時候,先寫了這些,免得我來到的時候,要照主所賜給我的,那原來是為建樹而不是為破壞的權柄,嚴厲處置你們。
Ndokusaka ndichinyora zvinhu izvi ndisipo, kuti kana ndauya ndirege kuzoita nehasha pakushandisa simba rangu, simba randakapiwa naIshe kuti ndikuvakei naro, kwete kukuparadzai.
11 此外,弟兄們! 你們要喜樂,要勉力成全,要服從勸勉,要 同心合意,要彼此和睦;這樣,仁愛與平安的天主必與你們同在。
Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi.
12 你們要以聖吻彼此問候;
Kwazisanai nokutsvodana kutsvene.
13 這裏的聖徒問候你們。
Vatsvene vose vanokukwazisai.
14 願主耶穌基督的恩寵,和天主的愛情,以及聖神的相通,常與你們眾人相偕。
Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuwadzana kwoMweya Mutsvene ngazvive nemi mose.

< 哥林多後書 13 >