< 歷代志下 4 >

1 [製造聖殿器皿]以後,他製了一座銅壇,長二十肘,寬二十肘,高十肘。
Akavaka aritari yendarira yakanga yakareba makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi maviri uye yakareba makubhiti gumi kuenda mudenga.
2 又鑄了一個銅海,從這邊到那邊直徑十肘,作圓形,高五肘,圓周三十肘。
Akaita Gungwa resimbi, rakatenderera pakuvakwa kwaro, rakareba makubhiti gumi pamuromo waro kubva kune rumwe rutivi kusvika kune rumwe rutivi uye makubhiti mashanu kuenda mudenga. Zvaida tambo yakareba makubhiti makumi matatu kuti ikwanise kupoteredza gungwa iri.
3 銅海邊緣下四周圍,圍繞著匏瓜形的裝飾品,每肘十個,分兩行,匏瓜與銅海是同時鑄成的。
Pazasi pomuromo, zvifananidzo zvehando zvairipoteredza, zviri gumi pakubhiti rimwe chete. Hando idzi dzakanga dzakaiswa mumitsara miviri dziri chinhu chimwe chete neGungwa.
4 有十二隻銅牛馱著銅海:三隻向北,三隻向西,三隻向南,三隻向東;銅海安放在銅牛背上,牛尾朝裏。
Gungwa rakanga rakamira pamusoro pehando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu dzakatarisa kumavirira, nhatu dzakatarisa zasi, uye nhatu dzakatarisa kumabvazuva. Gungwa rakanga rakagara pamusoro padzo uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati.
5 銅海厚一掌,邊如杯邊,形似百合花,可容三千「巴特。」
Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sokufara kwechanza uye muromo waro wakanga wakaita somuromo womukombe, seruva rehapa. Raizara namabhati zviuru zvitatu.
6 他又製了十個同盆:五個安置在右邊,五個安置在左邊,作為洗滌之用,洗滌作全燔祭的物品;但銅海只可為司祭作洗滌之用。
Akagadzirazve madhishi okusukira gumi akaisa mashanu kudivi rezasi, uye mashanu kudivi rokumusoro. Zvinhu zvose zvaizoshandiswa pazvipiriso zvinopiswa zvaisukirwamo, asi Gungwa raizoshandiswa navaprista pakushamba.
7 又照所規定的式樣製了十個金燈台,放在殿內:右邊五個,左邊五個。
Akagadzira zvigadziko zvemwenje gumi zvegoridhe, sokurayirwa kwazvakanga zvaitwa akazviisa mutemberi, zvishanu akaisa zasi zvishanu kumusoro.
8 又製了十張桌子,放在殿內:右邊五張,左邊五張。又造了一百個金碗。
Akagadzira tafura gumi akadziisa mutemberi, shanu zasi uye shanu kumusoro. Akagadzirawo mbiya dzegoridhe zana dzokusasa.
9 又造了司祭院與大院以及院門,門包市銅,
Akagadzira chivanze chavaprista, nechivanze chikuru nemikova yechivanze uye akafukidza mikova nendarira.
10 他把銅海放在右邊東南角。[胡蘭所造的器具]
Akaisa Gungwa kudivi rezasi, pakona yezasi yakadziva kumabvazuva.
11 胡蘭也製了鍋、鏟和盤。胡蘭為撒羅滿王作了一切應為上主的殿所作的工作:
Akagadzirazve hari nefoshoro nembiya dzokusasa. Saka Hurami akapedza basa raakaitira mambo Soromoni mutemberi yaMwari sezvinotevera:
12 兩根柱子,兩個柱頂上的球形柱頭,兩個網子,─遮蓋柱頂上兩個球形的柱頭,
mbiru mbiri; misoro miviri yakanga yakaumbwa sembiya pamusoro pembiru; mimbure miviri yakanga yakashongedza misoro miviri yakanga yakaumbwa pamusoro pembiru;
13 兩個網子上的四百個石榴,─每個網子有良行石榴,以遮蓋柱頂上兩個球形柱頭,
Matamba mazana mana emimbure miviri nemimwe yakanga yakashongedza misoro yakanga yakaumbwa sembiya pamisoro yembiru;
14 十個盆座及座上的十個銅盆,
zvigadziko namadhishi azvo;
15 一個銅海及下面十二隻銅牛,
Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;
16 鍋、鏟、鉤以及一切用具:這一切都是胡蘭阿彼用光滑的銅,給撒羅滿王為上主的殿所製造的,
hari, foshoro, forogo dzenyama, nemimwe midziyo yose. Zvinhu zvose zvakagadzirwa naHurami-Abhi zvamambo Soromoni zvetemberi yaJehovha zvaiva zvendarira inobwinya.
17 是王在約但平原,於穌苛特與匝爾堂之間,用膠泥模鑄成的。
Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu mubani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.
18 撒羅滿所製的這一切器皿,實在眾多;所用的銅,重量無法計算。[其他器皿]
Zvinhu izvi zvose zvakagadzirwa naSoromoni zvakanga zvakawanda kwazvo zvokuti uremu hwendarira yakashandiswa hwakanga husingaverengeki.
19 以後,撒羅滿又製造了上主殿內的一切用具:金壇和供餅的桌子,
Soromoni akagadzirazve midziyo yose yakanga iri mutemberi yaMwari yaiti: aritari yegoridhe; tafura dzaiva nechingwa choKuratidza;
20 燈台和依照規例應在內殿前點的燈盞,都是用純金製成的;
zvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo kuti ipfute pamberi penzvimbo tsvene yomukati sezvakarayirwa;
21 還有花蕊、燈盞和燭剪,都是用金,即純金製成的;
maruva egoridhe nemwenje nembato (dzaiva dzegoridhe chairo);
22 還有刀、碗盤和火盤,都是純金的。殿宇的門,即進入至聖所內裏的門,以及聖殿,即正殿的門,也都是金的。
zvidzimiso zvemwenje, mbiya dzokusasa, madhishi nezvaenga zvomoto zvegoridhe yakaisvonaka namakonhi egoridhe, etemberi: makonhi omukati yapaNzvimbo Tsvene-tsvene namakonhi eimba huru.

< 歷代志下 4 >