< 歷代志下 23 >

1 [約阿士登極]第七年,約雅達自告奮勇,將眾百夫長:耶洛罕的兒子阿匝黎雅,約哈南的兒子依市瑪耳,敖貝得的兒子阿匝黎雅,阿達雅的兒子瑪阿色雅和齊革黎的兒子厄里沙法特召來,與他們立約。
Mugore rechinomwe Jehoyadha akaratidza simba rake. Akaita sungano navatungamiri vamapoka amazana: Azaria mwanakomana waJerohamu, Ishumaeri mwanakomana waJehohanani, Azaria mwanakomana waObhedhi, Maaseya mwanakomana waAdhaya naErishafati mwanakomana waZikiri.
2 他們走遍了猶大,召集猶大各城的肋未人,和以色列各族長一起來到耶路撒冷。
Vakaenda muJudha yose vakandokokorodza vaRevhi navakuru vemhuri dzavaIsraeri kubva kumaguta ose. Pavakauya kuJerusarema,
3 全會眾在天主殿內與君王立了約。約雅達對他們說:「這就是太子。按照上主論及達味的子孫所說的話,他必須作王!
ungano yose yakaita sungano namambo patemberi yaMwari. Jehoyadha akati kwavari, “Mwanakomana wamambo achatonga sokuvimbisa kwakaita Jehovha maererano nezvizvarwa zvaDhavhidhi.
4 你們要這樣行:你們中間逢安息日來值班的司祭和肋未人,三分之一應把守各門,
Zvino izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Chikamu chimwe chete muzvitatu chenyu vaprista navaRevhi vanoshanda neSabata vanofanira kurinda mikova,
5 三分之一應把守王宮,三分之一應把守馬門;所有的百姓都應在上主殿宇的庭院裏,
chikamu chimwe chete muzvitatu pakati penyu kumuzinda wamambo, nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu pakati penyu pasuo renheyo, uye vamwe varume vose vanofanira kuva muzvivanze zvetemberi yaJehovha.
6 除司祭和供職的肋未人外,任何人不得進入上主的殿,唯有他們可以進,因為他們是聖潔的;所有的百姓必須遵守上主的命令。
Hapana anofanira kupinda mutemberi yaJehovha kunze kwavaprista navaRevhi vanenge vari pabasa, vanokwanisa kupinda havo nokuti ivo vakanatswa. Asi vamwe varume vose vanofanira kuchengetedza basa ravakapiwa naJehovha.
7 肋未人手裏各拿著武器,環繞君王;凡擅自進殿的,該將他殺死。君王出入時,你們要緊隨不離。」
VaRevhi vanofanira kumira vakakomba mambo, murume mumwe nomumwe aine zvombo zvake muruoko rwake. Ani naani zvake anopinda mutemberi anofanira kuurayiwa. Garai pedyo namambo kwose kwaanoenda.”
8 肋未人和猶大民眾,都按照大司祭約雅達所吩咐的一切遵行了,各自帶領在安息日值班的,和安息日下班的人,因為大司祭約雅達不准下班。
VaRevhi navarume vose veJudha vakaita sezvavakanga varayirwa naJehoyadha muprista. Mumwe nomumwe akatora vanhu vake vaifanira kupinda pabasa nokuti Jehoyadha muprista akanga asina kusunungura boka ripi zvaro.
9 大司祭約雅達便將天主殿內,屬達味王的刀槍和大小盾牌,交給了眾百夫長,
Ipapo akapa vakuru vamapoka amazana mapfumo nenhoo huru nediki dzaiva dzaMambo Dhavhidhi dzaiva mutemberi yaMwari.
10 指令民眾各持武器,由殿南邊直到殿北邊,面對祭壇和聖殿,環立在君王四周。
Akamisa varume vose panzvimbo, mumwe nomumwe aine chombo chake muruoko rwake, vakakomberedza mambo, pedyo nearitari netemberi, kubva kurutivi rwezasi kusvika kurutivi rwokumusoro kwetemberi.
11 然後引出太子來,給他加冕,再將約書交給他,立他為王;約雅達和他的兒子們給他傅了油,眾人遂喊說:「君王萬歲! 」[阿塔里雅被殺]
Jehoyadha navanakomana vake vakaburitsa mwanakomana wamambo vakaisa korona paari, vakamupa gwaro resungano vakamugadza samambo. Vakamuzodza vakadaidzira vachiti, “Mambo ngaararame kwamakore akawanda!”
12 阿塔里雅聽見百姓奔走歌頌君王的歡呼聲,就進上主的殿,到了百姓前,
Ataria paakanzwa ruzha rwavanhu vaimhanya vachipemberera mambo, akaenda kwavari patemberi yaJehovha.
13 看見君王立在殿門旁的高台上,百夫長和吹號的侍立在君王左右,所有當地人民歡躍吹號,歌詠團用各種樂器領導人歌唱頌揚;阿塔里雅就撕裂了自己的衣服說:「反了! 反了! 」
Akatarisa, akaona mambo akamira pambiru yake pavanopinda napo. Vakuru navaridzi vehwamanda vakanga vamire namambo. Uye vanhu vose venyika vakanga vachipembera vachiridza hwamanda uye vaimbi vaine zviridzwa vaitungamirira mukurumbidza. Ipapo Ataria akabvarura nguo dzake akadanidzira achiti, “Ndamukirwa! Ndamukirwa!”
14 大司祭約雅達吩咐領軍隊的眾百夫長,說:「將她由行列中趕出去,凡隨從她的人,都用刀殺死。」原來大司祭曾吩咐說:不可在上主的殿內殺她。
Jehoyadha muprista akatuma vakuru vamapoka ezana, vaitungamirira varwi akati kwavari, “Muburitsei kunze pakati pavanhu, uye muuraye ani naani anenge amutevera.” Nokuti muprista akanga ati, “Musamuurayire patemberi yaJehovha.”
15 於是人捉住她,在她走到王宮馬門口時,在那裏將她殺了。[宗教改革]
Saka vakamubata paakasvika pamukova weSuo Ramabhiza pachivanze chomuzinda uye ipapo vakamuuraya.
16 此後,約雅達使人民和君王與上主立約,當作上主的人民。
Ipapo Jehoyadha akaita sungano yokuti iye navanhu namambo vachava vanhu vaJehovha.
17 然後全體人民到了巴耳廟,將廟拆毀,將祭壇和偶像打碎,又在祭壇前斬了巴耳的司祭瑪堂。
Vanhu vose vakaenda kutemberi yaBhaari vakandoiparadza, vakaputsa aritari nezvifananidzo vakauraya Matani muprista waBhaari pamberi pearitari.
18 約雅達將看守市主殿宇的職責,交在司祭和肋未人手內,因為他們原是達味早已分派在上主殿內,照梅瑟法律所載,向上主獻全燔祭,按照達味的定例,歡躍歌唱的。
Ipapo Jehoyadha akaisa temberi yaJehovha mumaoko avaprista, vaiva vaRevhi vakanga vapiwa mabasa naDhavhidhi, omutemberi, okupisira zvipiriso zvinopiswa zvaJehovha sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, vachifara uye vachiimba, sokurayira kwakanga kwaitwa naDhavhidhi.
19 又指派門丁看守上主殿宇的各門,無論在任何事上,凡是不潔淨的,都不准進。
Akamisazve vachengeti vamasuo pamasuo etemberi yaJehovha kuitira kuti pasawana uyo akanga asina kuchena nenzira ipi zvayo angapinda.
20 最後率領百夫長、貴族、民間領袖和當地人民,接君王從上主的殿下來,經上門進入王宮,請君王坐在王位上。
Akaenda navatungamiri vamazana, makurukota navatongi vavanhu navanhu vose venyika vakandotora mambo kubva kutemberi yaJehovha. Vakapinda mumuzinda neSuo Rokumusoro vakagarisa mambo pachigaro choumambo,
21 於是全國人民喜慶,京城也平靜了;至於阿塔里雅,已為刀所殺。
vanhu vose vomunyika vakapembera. Uye guta rakava norunyararo nokuti Ataria akanga aurayiwa nomunondo.

< 歷代志下 23 >