< 哥林多前書 1 >

1 因天主的旨意,蒙召為耶穌基督宗徒的保祿和索斯特及弟兄,
Pauro wakadanwa kuva muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naSositenesi hama,
2 致書給格林多的天主教會,就是給那些在基督耶穌內受祝聖,與一切在各地呼求我們的主,亦即他們和我們的主尸基督之名,一同蒙召為聖的人。
kukereke yaMwari iri paKorinde, kune vakaitwa vatsvene muna Jesu Kristu, vakadanwa kuva vatsvene, pamwe nevese vanodana kuzita raIshe wedu Kristu Jesu panzvimbo yega-yega, wavo neweduwo:
3 願恩寵與平安,由我們的父天主和主耶穌基督賜給你們。
Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
4 我時時為你們,對天主在基督耶穌內所賜與你們的恩寵,而感謝我的又主,
Ndinovonga Mwari wangu nguva dzese maererano nemwi, nekuda kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwamuri muna Kristu Jesu;
5 因為藉著祂,你們在一切事上,在一切言論和知識上,都成了富有的;
kuti pachinhu chese makafumiswa maari, panhaurwa yese neruzivo rwese,
6 並且我為基督所作的證言,在你們中是這樣的堅定,
sezvo uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri;
7 以致你們已不缺少任何恩寵,只待我們的主耶穌基督的出現;
kuti hamushaiwi pane chimwe chipo, muchimirira kuratidzwa pachena kwaIshe wedu Jesu Kristu,
8 天主必要堅定你們到底,使你們在我們的主耶穌基督的日子上,無瑕可指。
iye achakusimbisaiwo kusvika kumagumo, kuti musava nemhosva pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.
9 天主是忠信的,你們原是由祂所召,為同祂的聖子,我們的主耶穌基督,合而為一。
Mwari wakatendeka, wamakadanwa kubudikidza naye mukudyidzana kweMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu.
10 弟兄們,我因我們的主耶穌基督之名,求你們眾人言談一致,在你們中間不要有分裂,但要同心合意,全然相合。
Zvino ndinokukumbirisai, hama, nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mese mutaure chinhu chimwe, uye pasava nekupatsanurana pakati penyu, asi muve vakakwana pamurangariro umwe nemuonero umwe.
11 因為,我的弟兄們,我由黑羅厄的家人聽說你們中發生了紛爭。
Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, nevekwaKirowa, kuti kune makakava pakati penyu.
12 我的意思是說,你們各自分稱:我是屬保祿的,我是屬阿頗羅的,我是屬刻法的,我是屬基督的。
Zvino ndinoreva izvi, kuti umwe neumwe wenyu anoti: Ini ndiri waPauro, iniwo waAporo, asi ini waKefasi, iniwo waKristu.
13 基督被分裂了嗎?難道保祿為你們被釘死在十字架上嗎?或者你們受洗是屬於保祿名下嗎?
Kristu wakapatsanurwa here? Ko Pauro wakarovererwa pamuchinjikwa imwi here, kana makabhabhatidzwa muzita raPauro here?
14 我感謝天主,除了克黎斯頗和加約外,我沒有給你們中的任何人付過洗,
Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza umwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo;
15 免得有人說:你們受洗是歸我的名下。
kuti kurege kuva neanoti ndakabhabhatidza muzita rangu ndomene.
16 我還給斯特法納一家付過洗;此外我就不記得還給誰付過洗了。
Uye ndakabhabhatidzawo imba yaStefana; kunze kweizvi handizivi kana ndakabhabhatidza umwe munhu.
17 原來基督派遺我,不是為施洗,而是為宣傳福音,且不用巧妙的言辭,免得基督十字架失去效力。
Nokuti Kristu wakandituma kwete kuzobhabhatidza, asi kuzoparidza evhangeri; kwete nenjere dzeshoko, kuti zvimwe muchinjikwa waKristu ushaiswe maturo.
18 原來十字架的道理,為喪亡的人是愚妄,為我們得救的人,卻是天主的德能,
Nokuti shoko remuchinjikwa kuna vanoparadzwa upenzi, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.
19 因為經上記載:『我要摧毀智者的智慧,廢除賢者的聰明。
Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza njere dzevakachenjera, ndichashaisa maturo kunzwisisa kwevanzwisisi.
20 智者在哪裡?天主豈不是使這世上的智慧變成妄嗎? (aiōn g165)
Aripi wakachenjera? Aripi munyori? Aripi mukakavari wenyika ino? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? (aiōn g165)
21 因為世人沒有憑自己的智慧,認識天主,天主遂以自己的智慧,決意以愚妄的道理來拯救那些相信的人。
Nokuti zvakadaro muuchenjeri hwaMwari nyika neuchenjeri haina kuziva Mwari, zvakafadza Mwari neupenzi hwemharidzo kuponesa vanotenda.
22 的確,猶太人要求的是神蹟,希臘人尋求的智慧,
Nokuti neVaJudha vanokumbira chiratidzo, VaGirikiwo vanotsvaka uchenjeri;
23 這為猶太人固然是絆腳石,為外邦人是愚妄,
asi isu tinoparidza Kristu wakarovererwa pamuchinjikwa, kuVaJudha chigumbuso, nekuVaGiriki upenzi;
24 但為那些蒙召的,不拘是猶太人或希臘人,基督卻是天主的德能和天主的智慧:
asi kune vakadanwa, VaJudha pamwe neVaGiriki, Kristu isimba raMwari nenjere dzaMwari;
25 因為天主的愚妄總比人門智,天主的懦弱也總比人強。
nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura hwevanhu, neutera hwaMwari hwakasimba kupfuura hwevanhu.
26 弟兄們!你們看看你們是怎麼蒙召的:按肉眼看,你們人聰明的人並不多,有權勢的人也不多,顯貴的人也不多;
Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama, havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji vepamusoro;
27 天主偏召了世上愚妄的,為羞辱那智慧的;召選了世上懦弱的,為羞那堅強的;
asi Mwari wakasarudza zvinhu zveupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; uye Mwari wakasarudza zvinhu zveutera zvenyika, kuti anyadzise zvine simba;
28 甚而天主召選了世上卑賤的和受人輕視的,以及那些一無所有的,
nezvinhu zvepasi zvenyika nezvinhu zvinozvidzwa Mwari wakasarudza, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zvinhu zviripo maturo;
29 為使一切有血肉的人,在天主前無所誇耀。
kuti kusava nenyama ingazvikudza pamberi pake.
30 你們得以結合於基督耶穌內,全是由於天主,也是由於天主,基督成了我們的智慧,正義,聖化者和救贖者,
Asi naye imwi muri muna Kristu Jesu, wakaitirwa isu uchenjeri hunobva kuna Mwari, nekururama, nekuitwa vatsvene, nerudzikunuro;
31 正如經上所記載的:『凡要誇耀的,應因主而誇耀。』
kuti sezvazvakanyorwa zvichinzi: Anozvikudza, ngaazvikudze muna Ishe.

< 哥林多前書 1 >